bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Job 31
Job 31
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 32 →
1
Ndakaita suŋgano nameso aŋgu; Ɀino ndiŋgatarira musikana seiko?
2
Nokuti mugoʋe waMŋari unobva kumsoro ndoweiko, Nenhaka yoWamasimba‐ose inobva kuɗeŋga ndeyeiko?
3
Ko haizi njodzi kunaʋasina‐kururama here, Nokuparadzwa kunaʋaiti ʋeɀakaipa here?
4
Ko iye haaʋoni nzira dzaŋgu, Nokuʋereŋga nhambge dzaŋgu dzose here?
5
Kana ndiciŋge ndafamba ne nzira isinamaturo, Norutsoka rwaŋgu rwamhanyira ɀinonyeŋgera;
6
(Ŋgandiidzwe paciyero cakarurama, Kuti Mŋari aziʋe kusanyeŋgera kwaŋgu;)
7
Kana kutsika kwaŋgu kuciŋge kwatsauka panzira, Nomŋoyo waŋgu ukateʋera meso aŋgu, Kana gwapa riciŋge ranamatira pamaʋoko aŋgu;
8
Ipapo ini ndidɀare haŋgu, asi mumŋe ŋgaadye; Ɀiɓereko ɀomunda waŋgu ŋgaɀidzurwe.
9
Kana mŋoyo waŋgu uciŋge wanyeŋgerwa nomukadzi, Kana ndaʋandira pamukoʋa wowandaigara naye;
10
Ipapo mukadzi waŋgu ŋgaakuyire mumŋe, Naʋamŋe ŋgaʋakotamire pamsoro pake.
11
Nokuti cinhu ico ciʋi cakashata, Ɀirokwaɀo, cinhu cakaipa cinofanira kurobga naʋatoŋgi.
12
Nokuti ndiwo mŋoto unopedza kuȿikira pakuparadza, Uŋgadzura ɀiɓereko ɀaŋgu ɀose.
13
Kana ndiciŋge ndaɀidza mhaka yomuranda waŋgu kana murandakadzi waŋgu, Paŋguʋa yaʋakaita nharo neni;
14
Ndicaiteiko kana Mŋari akasimuka? Kana akandiʋiŋga, ndiŋgapindurei kwaari?
15
Wakandiita muɗumbu ramai haazi iye wakamuita ʋo here? Ko haazi mumŋe wakatiʋumba isu tose muɗumbu ramai here?
16
Kana ndiciŋge ndanyima ʋarombo ɀaʋakakumbira, Kana kushaisa meso ecirikadzi;
17
Kana ndiciŋge ndadya cimeɗu caŋgu ndiri ndoga, Nherera ikasadya ʋo;
18
(Kwete, kubva paʋujaya bgaŋgu yakakurira kwandiri ndikaita saɓaɓa ʋayo, Ndaiʋa muperekedzi wayo kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu;)
19
Kana ndiciŋge ndaʋona munhu aciparara nokushaiwa ŋguʋo, Kana unoshaiwa asina‐cokufuka;
20
Kana ciʋuno cake cisina‐kundiʋoŋga, Kana asina‐kudziyirwa nemvere dzamakwai aŋgu;
21
Kana ndiciŋge ndasimudzira nherera ruʋoko rwaŋgu, Nokuti ndakaʋona kuti ndicaɓatsirwa pasuʋo;
22
Ipapo fudzi raŋgu ŋgaribve paɓendekete, Ruʋoko rwaŋgu ŋgaruvunike pafupa.
23
Nokuti njodzi inobva kunaMŋari yakandityisa, Ndakakoniwa kuita cinhu nokuɗa kwoʋumambo bgake.
24
Kana ndiciŋge ndaʋimba nendarama ikaʋa tariro yaŋgu, Ndikati kundarama yakaiȿo‐naka: Ndinoʋimba newe:
25
Kana ndiciŋge ndakafara nokuti fuma yaŋgu yakaŋga yawanda, Ʋuye nokuti ruʋoko rwaŋgu rwakaŋga rwawana ɀizhinji;
26
Kana ndiciŋge ndaʋona kubginya kwezuʋa, Kana mŋedzi ucifamba wakacena;
27
Mŋoyo waŋgu ukanyeŋgerwa pakaʋanda, Muromo waŋgu ukaȿeta ruʋoko rwaŋgu;
28
Necinhu ici ʋo caiʋa cakaipa cinofanira kurobga naʋatoŋgi; Nokuti ndineŋge ndaramba Mŋari uri kumsoro.
29
Kana ndiciŋge ndafarira kuparadzwa kwomuʋeŋgi waŋgu, Kana kuɀikudza paŋguʋa yaakaʋiŋgwa neɀakaipa;
30
(Ɀirokwaɀo handina‐kutendera muromo waŋgu kutadza, Ndicikumbira nokupanjira kuti afe;)
31
Kana ʋanhu ʋetente raŋgu ʋasina‐kutaura, ʋaciti: Ndianiko uŋgawana munhu usinakugutiswa nenyama yake?
32
Mŋeni haana‐kuʋata ʋusiku panzira dzomumusha; Asi ndaizarurira mufambi mikoʋa yaŋgu;
33
Ƌayi ndaifukidza kuɗarika kwaŋgu saAdama, Ndiciʋanza ɀakaipa ɀaŋgu pacifuʋa caŋgu;
34
Ɀandaitya ʋanhu ʋazhinji, Ndikavunduswa nokushoʋorwa namapoka aʋanhu, Ndikanyarara, ndikasaɓuɗa pamukoʋa —
35
Haiwa, ɗayi ndaiʋa nomunhu unondinzwa! (Tarirai, ndirwo runyoro rwaŋgu, Wamasimba‐ose ŋgaandipindure;) Ƌayi ndaiʋa norugwaro rwakanyorwa nomudziʋisi waŋgu!
36
Ɀirokwaɀo, ndairutakura pafudzi raŋgu; Ndairudzika pamusoro waŋgu sekorona.
37
Ndaimuɗudzira kuwanda kwenhambge dzaŋgu; Ndaisweɗera kwaari somucinda.
38
Kana munda waŋgu ukaɗanidzira kwandiri, ucindipa mhoȿa, Nemihoroŋga yawo ikacema yose;
39
Kana ndiciŋge ndadya ɀiɓereko ɀawo ndisina‐kuteŋga, Kana ndiciŋge ndarashisa ʋaridzi ʋawo ʋupenyu bgaʋo;
40
Ipapo ʋutumbambeʋa ŋgaʋumere’po panɀimbo yeɀiyo, Nesora panɀimbo yebari. Mashoko aJobo apera.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42