bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Job 21
Job 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 22 →
1
Ipapo Jobo wakapindura, akati:
2
Inzwai ɀakanaka kutaura kwaŋgu; Munyaradzwe naɀo.
3
Ndiregei, nditaure ʋo; Kana ndapedza kutaura, muŋgandiseka henyu.
4
Kana ndirini, ndinocema kuʋanhu here? Ndiŋgaregereiko kupera mŋoyo?
5
Nditarirei, mushamiswe, Muise ruʋoko rwenyu pamuromo.
6
Kunyaŋge ndoɀiraŋgarira ndinotambudzika, Kutya kukuru kunoɓata nyama yaŋgu.
7
Ʋakaipa ʋanoraramireiko, Ʋacikwegura nokuwedzerwa simba here?
8
Ʋana ʋaʋo ʋanosimbiswa pamŋe cete naʋo pamberi paʋo, Naʋazukuru ʋaʋo ʋaciɀiʋona nameso aʋo.
9
Dzimba dzaʋo dzinorugare, hadzityiswi, Ʋuye shamhu yaMŋari haigari iciʋaroʋa.
10
Hando yaʋo inoɓerekesa, isiŋgakoni, Mhou yaʋo inoɓereka, isiŋgaȿodzi.
11
Ʋanoɓuɗisa pxere dzaʋo seɓoka ramakwai; Ʋana ʋaʋo ʋanotamba.
12
Ʋanoimba ʋaciridzirwa ŋgoma nembira, Ʋanofara ʋaciridzirwa nyere.
13
Ʋanopedza mazuʋa aʋo ʋacifara, Ʋanoɓurukira kuSheori kamŋe‐kamŋe.
14
Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanoti kunaMŋari: Ibvai kwatiri; Nokuti hatiɗi kuziʋa nzira dzenyu.
15
Iye Wamasimba ose ndianiko, kuti timushumire? Ticaɓatsirwa neiko kana tikanyeŋgetera kwaari?
16
Tarirai, kufara kwaʋo hakuzi mumaʋoko aʋo; Mano aʋakaipa ari kure neni.
17
Ko mŋenje waʋakaipa unodzimŋa kaŋgani? Njodzi yaʋo inoʋaʋiŋga kaŋganiko? Mŋari unoʋapavurira kutambudzika pakutsamŋa kwake kaŋganiko?
18
Ʋanotoŋgofanana namakoto anodziŋgwa nemhepo here? Nehundi inotorwa neɗutu remhepo?
19
Imi munoti: Mŋari unoceŋgetera ʋana ʋake ɀakaipa. Ŋgaamutsiʋe iye amene, aɀiziʋe.
20
Meso ake amene ŋgaaʋone kuparadzwa kwake, Iye ŋgaanwe kutsamŋa kwoWamasimba ose.
21
Nokuti ucaʋa nehanya yeiko neimba yake kana aenda, Kana kuwanda kwemŋedzi yake kwatapudzwa.
22
Ndianiko uŋgadzidzisa Mŋari kuziʋa, Ɀaari iye unotoŋga ʋari kumsoro?
23
Mumŋe unofa acinesimba rake rose, Akafara cose anorugare.
24
Hwedza dzake dzizere nomukaka, Mŋoŋgo wamafupa ake wakanyoroʋa.
25
Mumŋe unofa aneshuŋgu dzomŋoyo, Asina‐kutoŋgoraʋira ɀakanaka.
26
Ʋanoʋata pasi pamŋe cete paguruʋa, Honye dzinoʋafukidza ʋose.
27
Tarirai ndinoziʋa kufuŋga kwenyu, Namano akaipa amunondifuŋgira.
28
Nokuti munoti: Imba yomucinda iripiko? Tente raigarwa nowakaipa riripiko?
29
Hamuna‐kubvunza here ʋanofamba nenzira? Hamuziʋi ɀiratidzo ɀaʋo here?
30
Kuti munhu wakaipa unoɗarikwa pazuʋa renjodzi here? Kuti ʋanobviswa pazuʋa rokutsamŋa here?
31
Ndianiko uŋgamuziʋisa mufambire wake pacena? Ndiani ucamutsiʋa ɀaakaita here?
32
Ɀino unotakurirwa kubgiro, Ʋanorinda rinda rake.
33
Maviŋga omupata acamunakira, Ʋanhu ʋose ʋacamuteʋera, Seɀaakatuŋgamirirwa naʋasiŋgaʋereŋgwi.
34
Ɀino munondinyaradza sei neɀisinamaturo, Ɀamasarirwa nenhema dzoga pakupindura kwenyu?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42