bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 1
Luke 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
1
Vazhinji sezvavakaisa ruvoko kuronga zvakafanira rondedzero yemashoko ezvinhu izvo zvamazvirokwazvo pakati pedu,
2
sezvavakapa kwatiri ivo avo kubva pakutanga vakazvionera nameso, vari varanda veshoko,
3
Zvakavonekwa zvakanaka nokwandirivo, ndanyatsoongorora zvinhu zvose kubva pakutanga, kuti ndikunyorereivo nokutevedzanisa, imwi Teofiro, makakurumbira,
4
kuti muzive chokwadi chezvinhu izvi zvamakadzidziswa.
5
Kwaivapo namazuva aHerodhe mambo weJudhiya mumwe muprista wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nomukadzi wake \add waiva\add* wavanasikana vaAroni, zita rake riri Erizabheti.
6
Zvino vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemurairo nezvimiso zvose zvaShe; vasina chavangapomerwa.
7
Uye vakanga vasinomwana, nokuda kokuti Erizabheti wakanga ari mhanje, uye vose vakanga vakwegura pamakore.
8
Zvino zvakaitika kuti wakati achibata basa rovuprista pamberi paMwari, padzoro reboka rake,
9
netsika dzebasa rovuprista, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuwira kana apinda mutembere yaShe.
10
Zvino chaunga chose chavanhu chakanga chichinyengetera kunze nenguva yezvinonhuhwira.
11
Zvino kwakavonekwa kwaari mutumwa waShe, amire kurutivi rworudyi rwearitari yezvifungaidzo zvinonhuhwira.
12
Zvino Zakaria wakati achi\add mu\add*vona akatambudzika, kutya kukamuwira.
13
Asi mutumwa akati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nomukadzi wako Erizabheti uchakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.
14
Uye uchava nomufaro nokupembera, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake.
15
Nokuti iye uchava mukuru pamberi paShe; haangatongomwi waini kana zvinobata; uchazadzwa noMweya Mutsvene kubva padumbu ramai vake.
16
Zvino vazhinji vavana vaIsraeri uchadzorera kunaShe Mwari wavo;
17
uye iye uchafamba pamberi pake muMweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuvuchenjeri hwavakarurama, agadzirire vanhu vakagadzirirwa \add kugamuchira\add* Ishe,
18
Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava munhu wakwegura, nomukadzi wangu wakwegura kwazvo pamakore.
19
Mutumwa achipindura akati kwaari: Ndini Gabhirieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikukumikidze mashoko awa akanaka.
20
Zvino tarira, uchava mbeveve, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.
21
Vanhu vakanga vakamirira Zakaria vakashamiswa nokunonoka kwake mutembere.
22
Zvino wakati abuda, akasagona kutaura kwavari; vakaziva kuti wakanga avona chiratidzo mutembere; iye akavaninira namavoko, akaramba ari mbeveve.
23
Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.
24
Zvino shure kwamazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:
25
Ndizvo zvandakaitirwa naShe namazuva aaka\add ndi\add*tarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu.
26
Zvino nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri wakatumwa naMwari kuguta reGariri rinonzi Nazareta,
27
kumhandara, yakanga yatsidza kuwanikwa nomurume, zita rake raiva Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara \add rainzi\add* Maria.
28
Mutumwa akapinda kwaari, akati: Hekanhi, iwe unodikamwa! Ishe \add u\add*newe, wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi.
29
Iye wakati achi\add mu\add*vona akatambudzika nokutaura kwake, akafunga mumoyo make \add kuti\add* kukwazisa kwakadai kunorevei.
30
Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya, Maria; nokuti wawana nyasha kunaMwari.
31
Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, ugotumidza zita rake \add kuti\add* Jesu.
32
Iye uchava mukuru, iye uchanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro; Ishe Mwari uchapa kwaari chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi.
33
Uchatonga imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake habvungavi nomugumo.
34
Ipapo Maria akati kumutumwa: Izvozvi zvingaitika seiko, zvandisingazivi murume?
35
Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchavuya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.
36
Uye tarira, Erizabheti hama yako, naiyevo wava nemimba yomwanakomana pakuchembera kwake; nomwedzi uno wava wechitanhatu kunaiye wainzi mhanje.
37
Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingagoneki.
38
Ipapo Maria akati: Tarirai, murandakadzi waShe; ngazvive kwandiri seshoko renyu, Mutumwa akabva kwaari.
39
Zvino Maria akasimuka namazuva iwayo akaenda kunyika yazvikomo nokukurumidza, kuguta reJudhiya;
40
akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.
41
Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene,
42
akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!
43
Ko zvandibvira nepiko, kuti mai vaShe wangu vauye kandiri?
44
Nokuti tarira, inzwi rokukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana akatamba mudumbu rangu nomufaro.
45
Uye wakaropafadzwa unotenda, nokuti zvirokwazvo zvakataurwa naShe kwaari zvichazadziswa.
46
Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,
47
Mweya wangu unofara munaMwari Muponesi wangu;
48
Zvaakavona kuzvidzwa komurandakadzi wake; Nokuti, tarira, kubva zvino mazera ose achati ndakaropafadzwa;
49
Nokuti uyo unamasimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake \add i\add*dzvene.
50
Ngoni dzake \add dziri\add* kuna avo vanomutya kubva kumazera namazera.
51
Wakaita zvinesimba noruvoko rwake; Wakaparadzira vaizvikudza mundangariro dzemoyo yavo;
52
Wakaburusa vanemasimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakazvininipisa;
53
Vanenzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavadzosera vasina chinhu;
54
wakabatsira muranda wake Israeri kuti arangarire ngoni,
55
sezvaakataura kumadzibaba edu, kunaAbhurahamu nokuvana vake nokusingaperi.
56
Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumusha kwake.
57
Zvino nguva yaErizabheti yokusununguka kwake yakakwana; akabereka mwanakomana.
58
Zvino vakavakidzana navo nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakanga amuitira ngoni huru, vakafara naye.
59
Zvino zvakaitika kuti nezuva rorusere vakavuya kuzodzingisa mwana, vakamutumidza zita rababa vake, Zakaria.
60
Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi uchanzi Johwani.
61
Vakati kwaari: Hakunomunhu kuhama dzenyu unodaidzwa nezita iro.
62
Vakataura namavoko kunababa vake, kuti vanoda kuti anzi ani.
63
Vakakumbira pokunyorera, vakanyora vachiti: Johwani, ndiro zita rake; vakashamiswa vose.
64
Muromo wake ukashamiswa pakarepo, norurimi rwake \add rukasununguka\add*, akataura, achirumbidza Mwari.
65
Kutya kukawira vose vaigara vakamukomba; namashoko iwayo ose akanzwikwa kunyika yose yamakomo eJudhiya.
66
Zvino vose vakanzwa, vaka\add zvi\add*chengeta mumoyo mavo, vachiti: Uchazova mwana wakadiniko? Zvino ruvoko rwaShe rwakava naye.
67
Zvino baba vake Zakaria vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:
68
Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira vanhu vake, nokuvadzikunura,
69
akatisimudzira runyanga rworuponeso mumba momuranda wake Dhavhidhi,
70
sezvaakataura nomuromo wavaporofita vake vatsvene, vakanga varipo kubva pakuvamba kwenyika,
71
ruponeso pavavengi vedu, naparuvoko rwavose vanotivenga;
72
kuitira madzibaba edu ngoni, nokurangarira sungano yake tsvene,
73
Mhiko yaakapika nayo kunababa vedu Abhurahamu,
74
kuti atipe isu, kuti tasunungurwa mumavoko avavengi vedu, timushumire tisingatyi,
75
muvutsvene nokururama pamberi pake mazuva ose eupenyu hwedu.
76
Newe, Mwana, uchanzi muporofita Wokumusoro-soro, nokuti iwe uchatungamira pamberi pechiso chaShe, kumugadzirira nzira dzake;
77
Kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake nokukangamwirwa kwezvivi zvavo.
78
Nomoyo munyoro waMwari wedu, mahwuri mambakwedza okudenga anotishanyira,
79
Kupa chiedza kune vagere murima nemumvuri worufu; nokururamisa tsoka dzedu munzira yorugare.
80
Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsraeri.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24