bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 9
Luke 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
1
Zvino wakadana pamwechete vadzidzi vake vanegumi navaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemweya yakaipa yose, nokuporesa zvirwere.
2
Akavatuma kunoparidza ushe bwaMwari nokuporesa varwere.
3
Zvino akati kwavari: Musatongotora chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; musava nenguvo mbiri.
4
Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo mugozobvapo.
5
Uye ani nani usingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, kunyange guruva rose riri patsoka dzenyu muzuze, chive chapupu kwavari.
6
Ipapo vakabva vakapota nemisha, vachiparidza evhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose.
7
Zvino Herodhe, mumwe wavatongi vana, wakanzwa pamusoro pezvinhu zvose zvakaitwa naye; akakanganiswa, nokuti zvainzi navamwe Johwani wakange amutswa kuvakafa;
8
zvino kunevamwe, Eria wavonekwa; navamwe vachiti: Mumwe wavaporofita vekare wamuka.
9
Asi Herodhe wakati: Johwani ndakagura musoro; asi ndianiko uyu, wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akashuva kumuvona.
10
Zvino Vapositora vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo pachivande kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.
11
Zvino chaunga chakati cha\add zvi\add*ziva, chikamutevera; akachigamuchira, akataura kwavari zvoushe bwokudenga, akaporesa vakanga vachida kuporeswa.
12
Zuva raiva rovira; vanegumi navaviri vakavuya vakati kwaari: Endisai chaunga, kuti chiende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, chigareko, chiwane zvokudya; nokuti pano patiri panzvimbo yerenje.
13
Asi iye wakati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Ivo vakati: Isu hatina zvingapfuvura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kokuti taenda kundotengera vanhu ava vose zvokudya.
14
Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, makumi mashanu \add paboka\add* roga roga.
15
Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vose pasi.
16
Ipapo akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, aka\add zvi\add*medura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga.
17
Ivo vakadya, vakaguta vose; kukanongwa zvimedu zvavakasarirwa nazvo, matengu anegumi namaviri.
18
Zvino zvakaitika ari oga achinyengetera, vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti: Ruzhinji rwunoti ndini aniko?
19
Ivo vakapindura, vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; navamwe, kuti mumwe wavaporofita vekare wamukazve.
20
Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati: Kristu waMwari.
21
Akavayambira zvikuru, nokuvaraira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo;
22
achiti: Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji, nokurambwa navakuru navaprista vakuru navanyori, nokuvurawa, nokumutswa zuva retatu.
23
Zvino wakati kuna vose: Kana munhu achida kutevera shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
24
Nokuti aninani unoda kuponesa upenyu bwake, ucharashikirwa nabwo; asi ani nani unorashikirwa noupenyu bwakwe nokuda kwangu, ndiye uchabwuponesa.
25
Nokuti munhu ungabatsirwa neiko, kana akawana nyika yose, akarashikirwa noupenyu hwake kana kurashirwa kure.?
26
Nokuti ani nani unonyara pamusoro pangu napamashoko angu, Mwanakomana womunhu uchanyaravo pamusoro pake paanovuya mukubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene.
27
Asi ndinokuvudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vamire pano vasingazoraviri rufu; kusvikira vavona ushe bwaMwari.
28
Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure mamashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.
29
Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, nguvo dzake d\add zika\add*chena, \add dzika\add*penya.
30
Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria;
31
Vakavonekwa mukubwinya, akataura zvokuenda kwake kwaakanga achindopedzisa paJerusarema.
32
Asi Petro naivo vaiva naye vakanga varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakavona kubwinya kwake, navarume vaviri vaiva vakamira naye.
33
Zvino zvakaitika apo vobva paari, Petro akati kunaJesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngativake matumba matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.
34
Wakati achataura izvozvo, kwakavuya gore, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore.
35
Ipapo kukabuda inzwi mugore, richiti; Uyu Mwanakomana wangu, unodikamwa mumunzwei!
36
Zvino inzwi rakati raenda, Jesu akavonekwa ari oga. Asi vakanyarara, vakasavudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe nechimwe chavakanga vavona.
37
Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vakati vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza.
38
Zvino tarira, mumwe murume pakati pechaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirai, tarirai mwanakomana wangu nokuti ndiye mwanakomana wangu woga,
39
zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomubvundisa achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomukuvadza zvikuru.
40
Zvino ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.
41
Jesu achipindura, akati: Haiwa! Rudzi rusina kutenda rwakatsauka, ndichava nemwi kusvikira rinhiko, ndichikuitirai moyo murefu? Vuyisa mwanakomana wako pano.
42
Zvino wakati achavuya, mweya wakaipa ukamudambura, ukamugwinhisa zvikuru; Asi Jesu wakatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamukumikidza zvakare kunaBaba vake.
43
Vose vakashamiswa novukuru bwaMwari. Zvino vose vachashamiswa nezvose zvakaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake:
44
Mashoko awa ngaadzike munzeve dzenyu: Nokuti Mwanakomana womunhu uchakumikidzwa mumavoko avanhu.
45
Asi ivo havana kunzwisisa shoko iri, rakanga rakavanzika kwavari, kuti varege kurinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro peshoko iri.
46
Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, \add kuti\add* ndiani ungava mukuru kwavari.
47
Asi Jesu wakati achivona kufunga kwemoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake,
48
akati kwavari: Aninani unogamuchira mwana uyu muzita rangu, unogamuchira ini, uye ani nani unogamuchira ini unogamuchira wakandituma; nokuti uyo uri muduku pakati penyu mose, uchava mukuru.
49
Johwani akapindura akati: Tenzi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateverani nesu.
50
Asi Jesu akati kwaari: Musa\add mu\add*dzivisa, nokuti uyo usingapesani nesu, ndowedu.
51
Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva okukwidzwa kwake, kuti wakaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusarema,
52
akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; ivo vakakaenda, vakapinda mumusha wavaSamaria, kundomugadzirira.
53
Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusarema.
54
Zvino vadzidzizi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachi\add zvi\add*vona, vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvaparadze sezvakaitwa naEria here?
55
Asi wakatendevuka akavatsiura achiti: Hamuzivi kuti muri vomweya wakadii.
56
Nokuti mwanakomana womunhu haana kuvuya kuzoparadza upenyu hwavanhu asi ku\add bwu\add*ponesa. Ipapo vakaenda kuneumwe musha.
57
Zvino zvakaitika pavaifamba munzira, mumwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.
58
Jesu akati kwaari: Mhungubwe dzinemwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paanotsamidza musoro.
59
Akati kunomumwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei kuti nditange kundoviga baba vangu.
60
Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda undoparidza ushe bwaMwari.
61
Mumwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei henyu ndimbondovawonekana ivo vari mumba mangu.
62
Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu ungati kana aisa ruvoko rwake pabadza, akacheukira shure, wakafanirwa noushe bwaMwari.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24