bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 10
Luke 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
1
Shure kwezvinhu izvi, Ishe wakagadza vamwe vanamakumi manomwevo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo \add imwe neimwe\add*, kwaakanga achida kuenda.
2
Naizvozvo wakati kwavari: kukohwa zvirokwazvo kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wokukohwa kuti abudise vashandi pakukohwa kwake.
3
Fambai henyu; tarirai, ini ndinokutumai samakwayana pakati pamapere.
4
Musatakura chikwama, kana hombodo, kana manyatera; uye musakwazisa munhu panzira.
5
Zvino paimba ipi neipi yamunopinda, tangai mati: Rugare kuimba ino.
6
Uye kana mwanakomana worugare aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri.
7
Garai muimba iyo, muchidya nokumwa zvavanokupai; nokuti mubati wakafanirwa nomubairo wake; musapota-pota nedzimba.
8
Muguta ripi neripi mamunopinda, vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa,
9
muporese varwere varimo, muchiti kwavari: Ushe bwaMwari bwaswedera kwamuri.
10
Asi muguta ripi neripi mamunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti:
11
Kunyange neguruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti ushe bwaMwari bwaswedera pedo nemwi.
12
Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Sodhoma nezuva iro, kupfuvura guta iro.
13
Vurombo kwauri, Korazini! Vurombo kwauri, Bhetisaidha! Nokuti dai mabasa esimba akaitwa mukati menyu, akaitwa muTire neSidoni, vangadai vatendevuka kare, vakagara vanamasaga nedota.
14
Asi zvichareruka Tire neSidoni pakutongwa, kupfuvuremwi.
15
Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchaburusirwa pasi kuHadhesi,
16
Unokunzwai imwi unondinzwa ini; unokurambai imwi unondiramba ini; unoramba ini unoramba iye wakandituma.
17
Vanamakumi manomwe vakadzoka zvakare nomufaro, vachiti: Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.
18
Zvino iye akati kwavari: Ndakavona Satani semheni achiwa kudenga,
19
Tarirai, ndakapa kwamuri simba rokutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakune chinhu chingatongokukuvadzai.
20
Asi musafara chete nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare nokuti mazita enyu akanyorwa kudenga.
21
Nenguva iyo Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai imwi, Haiwa Baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera navakangwara, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakava zvakanaka pamberi penyu.
22
Zvinhu zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna unoziva kuti Mwanakomana ndiyani, kunze kwaBaba, uye kuti baba ndiani, kunze koMwanakomana, naiye Mwanakomana waanoda kuzarurira.
23
Ipapo akatendevukira kuvadzidzi vake pachivande akati: Akaropafadzwa meso, anovona zvamunovona.
24
Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji namadzimambo vaishuva kuvona zvamunovona, vakasa\add zvi\add*vona, nokunzwa zvinhu izvo zvamunonzwa, vakasa\add zvi\add*nzwa.
25
Zvino tarira, imwe nyanzvi yomutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu hwusingaperi?
26
Zvino akati kwaari: Pamurairo pakanyorweiko? Unorava sei?
27
Iye achipindura, akati: Ude Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nefungwa dzako dzose nemuvakidzani wako sezvauno\add zvida iwe\add*.
28
Akati kwaari: Wapindura zvakanaka; ita izvozvo ugorarama.
29
Iye, achida kuzvichenesa, wakati kunaJesu: Zvino ndianiko muvakidzani wangu?
30
Jesu akapindura akati: Mumwe munhu wakaburuka kubva Jerusarema achienda Jeriko; akawira mumakororo, akamukurura nguvo akamurova akaenda, ndokusiya oda kufa.
31
Zvakangoitikavo kuti mumwe muprista wakanga achiburuka hake nenzira iyo; akati achimuvona, akanyenyeredza.
32
Saizvozvovo muRevhi wakasvikapo, akamuvona, akanyenyeredza.
33
Zvino mumwe muSamaria, wakanga ari parwendo wakasvika napaaiva, akati achimuvona, akanzwa tsitsi,
34
akaenda \add kwaari\add* ndokupomba mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.
35
Zvino ava mangwana oenda, wakabudisa madhenari* maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvose zvaunomuripira kupfuvura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.
36
Ndoupiko wavatatu ava waunofunga kuti muvakidzani kuna iye wakawirwa namakororo?
37
Akati: Ndiye wakamuitira ngoni. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, undoita saizvozvo.
38
Zvino zvakaitika pavaifamba, kuti wakapinda munoumwe musha; mumwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make.
39
Iye wakanga anomunun'unavo wainzi Maria, wakagaravo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.
40
Asi Marita wakanga akabatikana nokushanda zvikuru, akavuya kwaari akati: Ishe, hamunehanya here nokuti munun'una wangu wandisiya ndoga ndichishanda? Muvudzei kuti andibatsire,
41
Jesu akapindura akati kwaari: Marita; Marita; Unochenjerera nokutambudzika nezvinhu zvizhinji,
42
asi chinhu chimwe chinodikamwa; zvino Maria wakasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24