bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 4
Luke 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
1
Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, wakadzoka achibva paJorodhani, akatungamirirwa noMweya kuinda murenje,
2
achiidzwa naDhiabhorosi mazuva anamakumi mana. Wakanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera pashure akazonzwa nzara.
3
Zvino Dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, vudza ibwe iri kuti rive chingwa.
4
Jesu akamupindura, achiti: Kwakanyorwa kuti: Munhu haangararami nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe raMwari.
5
Zvino Satani akamutora akamukwidza pagomo refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nenguva duku.
6
Dhiabhorosi akati kwaari: Simba iri rose ndichakupa nokukudzwa kwahwo, nokuti ndakahwupiwa ini, kuti ndihwupe aninani wandinoda.
7
Naizvozvo iwe kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.
8
Jesu akapindura akati kwaari: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.
9
Akaenda naye kuJerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;
10
Nokuti kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;
11
uye pamavoko vachakusimudza, kuti urege kurovera rutsoka rwako pabwe.
12
Jesu achipindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe Mwari wako.
13
Dhiabhorosi akati apedza kuidza kose, akabva kwaari kusvikira pane imwe nguva.
14
Zvino Jesu wakadzokera Gariri nesimba roMweya; mukurumbira wake ukabudira kunyika yose yakapoteredza.
15
Iye akadzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navose.
16
Akasvika paNazareta, paakanga arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nomusi wesabata, akasimuka kuti arave.
17
Akapiwa rugwaro rwomuporofita Isaya. Zvino wakati avhura rugwaro, akawana pakanga pakanyorwa \add kuti\add*:
18
Mweya waShe \add uri\add* pamusoro pangu, nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakavodzwa moyo, kuparidza kusunungurwa kunavakatapwa, kuvona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,
19
nokuparidza gore rakanaka raShe.
20
Akapeta rugwaro akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.
21
Zvino akatanga kuti kwavari: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.
22
Vose vakamupupurira, vakashamiswa namashoko enyasha akabuda mumuromo make, vakati: Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?
23
Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri shumo iyi: Murapi, zvirape iwe; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaumi, uzviitevo nomuno munyika yako.
24
Akati: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakunomuporofita unogamuchirika munyika yake.
25
Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuvaIsraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose;
26
asi Eria haana kutumwa kunomumwe wavo, kunze kwekuna Sarepita weSidhoni, kumukadzi chirikadzi.
27
Uye vanemaperembudzi vazhinji vaivako kuvaIsraeri pamazuva omuporofita Erisha; asi hakunomumwe wavo vakanatswa, kunze kwaNaamani muSiria.
28
Ipapo vose vakanga vari musinagoge vakazara nehasha, vachinzwa zvinhu izvi.
29
vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi nomusoro.
30
Asi iye wakapinda napakati pavo akaenda.
31
Zvino wakaburukira Kapenaume, guta reGariri; uye waivadzidzisa nemasabata.
32
Vakashamiswa nedzidziso yake, nokuti shoko rake rakanga rinesimba.
33
Zvino musinagoge makanga munomunhu waiva anomweya wetsvina wakaipa; akadanidzira nenzwi guru,
34
akati: Tisiyeyi! tineiko nemwi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
35
Ipapo Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Mweya wakaipa wakati wamuwisira pakati, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.
36
Kushamisika kukawira vose, vakataurirana, vachiti: Ishokoiko? Nokuti nesimba nechikuriri unoraira mweya yetsvina, ikabuda.
37
Mukurumbira wake ukabuda kunzvimbo dzose dzenyika yakapoteredza.
38
Zvino wakasimuka akabuda musinagoge, akanopinda mumba maSimoni; zvino mbuyawasha vaSimoni vakanga vakabatwa nefivhiri huru; vakavakumbirira kwaari,
39
Ipapo akamira pavari, atsiura fivhiri, ikavarega; pakarepo vakasimuka vakavashandira.
40
Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navarwere vezvirwere zvakasiyana-siyana vakavuya navo kwaari; akaisa mavoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo akavaporesa.
41
Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira ichiti: Ndimwi Kristu mwanakomana waMwari. Iye aka\add i\add*tsiura akasaitendera kutaura nokuti yakanga ichiziva kuti ndiKristu
42
Zvino kwakati kwaedza akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, chaunga chikamutsvaka, chikasvika kwaari, chikamubatirira kuti arege kubva kwavari,
43
Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri youshe hwaMwari mamwe magutavo; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.
44
Akasiparidza mumasinagoge eGariri.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24