bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 7
Luke 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 8 →
1
Zvino wakati apedza mashoko ake ose munzeve dzavanhu, akapinda Kapenaume;
2
zvino muranda womumwe mukuru wezana, waiva akakosha kwaari, wakanga achirwara, achitandadza.
3
Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma kwaari vakuru vavaJudha, achikumbira kuti auye aporese muranda wake.
4
Zvino ivo, vakati vachisvika kunaJesu, vakamugombedzera zvikuru, vachiti: Iye wakafanira kuti mumuitire izvozvi;
5
nokuti unoda rudzi rwedu, uye ndiye wakativakira sinagoge.
6
Zvino Jesu akaenda navo. Zvino apo akanga asisiri kure neimba, mukuru wezana akatuma shamwari kwaari, achiti kwaari: Ishe, musazvitambudza henyu; nokuti handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga remba yangu;
7
naizvozvo handina kumbofunga ini pachangu sendakafanira kuvuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu uchapora.
8
Nokuti nenivo ndiri munhu wakaiswa pasi pamasimba, ndinavarwi pasi pangu; ndinotivo kune uyu: Enda, unoenda; uye kunomumwe: Vuya, unovuya; nokumuranda wangu: Ita chichi, unoita.
9
Jesu wakati anzwa zvinhu izvi, akashamiswa naye, akatendevuka, akati kuchaunga chaimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kumbowana kutenda kukuru kwakadai, kunyange napakati pavaIsraeri.
10
Zvino avo vakanga vatumwa vodzokera kumba vakawana muranda airwara apora.
11
Zvino zvakaitika zuva raitevera, kuti wakaenda kuguta rainzi Naini; zvino vazhinji vavadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye.
12
Zvino, wakati achiswedera pedo nesuvo reguta, tarira, kwaiva nomunhu wakanga akafa achibudwa \add naye\add* kunze, mwamakomana mumwe chete wamai vake vaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye.
13
Zvino Ishe wakati amuvona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.
14
Ipapo akaswedera akabata bwanyanza; zvino navo vakanga vakatakura vakamira, Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka!
15
Mushakabvu akagara, akatanga kutaura; akamupa kuna mai vake.
16
Kutya kukabata vose; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wakamuka pakati pedu uyezve: Mwari washanyira vanhu vake.
17
Zvino mbiri iyi yake ikasvika muJudhiya rose nenharaunda yose yakapoteredza.
18
Vadzidzi vaJohwani vakamupira zvinhu izvozvi zvose.
19
Johwani akadana vamwe vaviri vavadzidzi vake, aka\add va\add*tuma kunaJesu achiti: Ko ndimwi unofanira kuvuya here, kana tichakataririra umwe?
20
Zvino varume vakati vasvika kwaari, vakati: Johwani Mubhabhatidzi watitumira kwamuri achiti: Ko ndimwi iye unovuya here? kana tichakataririra mumwe?
21
Zvino munguva imwecheteyo akaporesa vazhinji pahosha novurwere, nepamweya yakaipa; nokumapofu mazhinji akapa kuvona.
22
Ipapo Jesu akapindura akati kwavari: Endai mundovudza Johwani zvamakavona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anovonazve, mhetamakumbo dzinofamba, vanamaperembudzi vanonatsva, vematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, varombo vanoparidzirwa evhangeri.
23
Zvino wakaropfadzwa ani nani usingagumbuswi neni.
24
Zvino vatumwa vaJohwani vakati vabva, wakatanga kutaura kuchaunga pamusoro paJohwani, \add achiti\add*: Makabudira kurenje kundovoneiko? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?
25
Asi makanga mabuda kundovoneiko? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanenguvo dzinobwinya, vachigara zvakanaka, vari mudzimba dzamadzimambo.
26
Asi makanga mabuda kundovoneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Unopfuvura zvikuru muporofita.
27
Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, \add zvichinzi\add*: Tarira, ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, Uchagadzira nzira yako pamberi pako.
28
Nokuti ndinoti kwamuri: Pakati pavakaberekwa navakadzi, hakuna muporofita mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe bwaMwari mukuru kwaari.
29
Zvino vanhu vose vakati vachinzwa, navateresi vakati Mwari wakarurama, zvavakanga vabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwaJohwani.
30
Asi vaFarisi nenyanzvi dzomutemo vakaramba zano raMwari pamusoro pavo, vakasabhabhatidzwa naye.
31
Zvino Ishe akati: Zvino vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko? Vakafanana neiko?
32
Vakafanana navana vagere pamisika vachidanidzirana vachiti: Takakuridzirai nyere mukasatamba, takakuririrai mukasachema.
33
Nokuti Johwani Mubhabhatidzi wakavuya asingadyi chingwa kana kumwa waini, zvino moti: Unomweya wakaipa;
34
Mwanakomana womunhu wasvika achidya, achimwa, zvino moti tarirai munhu wamakaro nomumwi wewaini shamwari yavateresi navatadzi.
35
Asi vuchenjeri bwunonzi bwakarurama navana vake vose.
36
Zvino mumwe wavaFarisi wakakumbira kuti adye naye; akapinda mumba momuFarisi, akagara pasi pakudya.
37
Zvino tarira, mukadzi muguta \add iro\add*, waiva mutadzi, wakati aziva kuti ugere pakudya mumba momuFarisi, akavuya nechinu chearibhasiteri chechizoro.
38
akamira patsoka dzake mushure \add make\add*, achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akapusika nevhudzi romusoro wake, ndokusveta tsoka dzake ndoku\add dzi\add*zodza nechizoro.
39
Zvino muFarisi wakanga amudana wakati achi\add zvi\add*vona, akataura mumoyo make, achiti: Munhu uyu, dai aiva muporofita, ungadai aiziva kuti ndiani uye mukadzi wakadini unomubata, nokuti mutadzi.
40
Ipapo Jesu akapindura akati kwaari: Simoni, ndine shoko newe, Iye akati: Mudzidzisi, Revai henyu.
41
Kwakanga kune vakwereti vaviri kune mumwe mukweretesi; mumwe wakanga ane chikwereti chamadhenari* anamazana mashanu, mumwe makumi mashanu.
42
Vakati vasina chokuripisa, akangovakangamwira nomoyo wose vose. Zvino ndoupiko kuvaviri uchanyanya kumuda?
43
Simoni akapindura akati: Ndinofunga kuti ndouyo wakakangamwirwa zvizhinji. Akati kwaari: Watonga zvakanaka.
44
Zvino akatendevukira kumukadzi, akati kuna Simoni: Unovona mukadzi uyu here? Ndapinda mumba mako, mvura yetsoka dzangu hauna kundipa; asi \add uyu\add* wanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi, akapusika nevudzi romusoro wake.
45
Hauna kundisveta, asi iye chinguri chandapinda, haana kumira kusveta tsoka dzangu.
46
Namafuta musoro wangu hauna ku\add u\add*zodza; asi nechizoro, mukadzi uyu wazodza tsoka dzangu.
47
Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa, nokuti wada zvikuru; asi unokangamwirwa zvishoma, unoda zvishoma.
48
Zvino akati kwaari: Zvivi zvako zvakangamwirwa.
49
Zvino avo vakanga vagere pakudya naye vakatanga kureva mukati mavo, \add vachiti\add*: Ndianiko uyu unokangamwira zvivivo?
50
Akati kumukadzi: Kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24