bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 21
Luke 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
1
Zvino wakatarira kumusoro akavona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chemari.
2
Akavonavo imwe chirikadzi murombo, achikandamo tumari tuviri tuduku.
3
Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo, yakanda kupfuvura vamwe vose;
4
nokuti avo vose vakanda muzvipo zvaMwari pazvizhinji zvavo, asi iye, pakushaiwa kwake, wakanda chose chaaiva nacho chaaifanira kurarama \add nacho\add*.
5
Zvino vamwe vakataura pamusoro petembere, kuti yakanga yakashongedzwa sei namabwe akanaka nezvipo, akati:
6
Zvinhu izvi zvamunovona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.
7
Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, kozvinhu izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo \add chichava\add* chipi, kana izvozvi zvoitwa?
8
Iye akati: Chenjerai, kuti murege kunyengerwa; nokuti vazhinji vachavuya muzita rangu, vachiti: Ndini \add Kristu\add*; nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.
9
Kana muchinzwa zvehondo, nenyonganiso, musavhunduswa henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitika; asi kuguma haku\add sviki\add* pakarepo.
10
Akati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, noushe \add hwucha\add*mukira ushe.
11
Uye kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo kunzvimbo dzakasiyana siyana, nenzara nehosha, nezvinotyisa kuvona, uye zviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.
12
Asi mberi kwaizvozvi zvose, vachakubatai, nokutambudza, vachi\add ku\add*kumikidzai kumasinagoge nomumatirongo, muchiiswa pamberi pamadzimambo navabati, nokuda kwezita rangu.
13
Izvi zvichashanduka vuchapupu kwamuri.
14
Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofungisisa zvamuchapindura.
15
Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonekamwa kupikiswa kana kurambwa navavengi venyu vose.
16
Muchatengeswa kunyange navabereki, navana vamai venyu, nehama, neshamwari, \add vamwe\add* venyu vachavurawa.
17
Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu.
18
Asi hakungaparari kunyange ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu.
19
Nokutsungirira kwenyu wanai mweya yenyu.
20
Zvino kana muchivona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.
21
Musi uyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; navari mukati maro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.
22
Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zvizadziswe.
23
Asi vurombo kune vanemimba navanomwisa namazuva iwayo, nokuti kuchavapo kutambudzika kukuru panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivava.
24
Vachawira pamuromo womunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusarema richatsikirwa pasi navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadziswa.
25
Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika kutambudzika kwamarudzi, nokukanganiswa, gungwa namafungu zvichivomba,
26
vanhu vachapera simba nokutya nokutarira zvinhu izvo zvinovuya panyika; nokuti masimba okudenga achazungunuswa.
27
Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya ari mugore, nesimba nokubwinya kukuru.
28
Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, zvino tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kudzikunurwa kwenyu kwaswedera.
29
Zvino akavataurira mufananidzo \add achiti\add*: Tarirai muvonde nemiti yose;
30
kana yotunga, munozvivonera nokuzvizivira mumene, kuti zvino munakamwe wava pedo.
31
Saizvozvo, nemwivo, kana movona zvinhu izvozvi zvoitika, zivai kuti ushe bwaMwari hwava pedo.
32
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuvuri, kusvikira zvose zvazadziswa.
33
Denga nenyika zvichapfuvura, asi mashoko angu haangatongopfuvuri.
34
Zvino zvichenjererei kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya zvoupenyu hwuno, zuva iro rikuwirei makarivara.
35
Nokuti seriva richawira vose vagere pachiso chenyika yose.
36
Naizvozvo rindai nenguva dzose, munyengetere, kuti muverengwe samakafanira kupukunyuka zvinhu izvo zvose zvichaitika, nokumira pamberi poMwanakomana womunhu.
37
Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi vusiku waibuda, achindogara mugomo rinonzi reMiorivhi.
38
Vanhu vose vakavuya kwaari mutembere mangwanani-ngwanani kuzomunzwa.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24