bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 3
Luke 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
1
Zvino negore regumi namashanu rokutonga kwaTiberio Kesari, Pontio Pirato ari mutongi weJudhiya, Herodhe ari mutongi wechina weGariri, Firipi munun'una wake, ari mutongi wechina weIturea nedunhu reTrakoniti, Risanio ari mutongi weAbhirene,
2
Anasi naKayafasi vari vaprista vakuru, shoko raMwari rakasvika kunaJohwani mwanakomana waZakaria murenje.
3
Iye akasvika munyika yose yakapoteredza yaJoridani, akaparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka kuti kuve nekukangamwirwa kwezvivi;
4
sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muporofita zvichinzi: Inzwi rounodana murenje \add richiti\add*: Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
5
Mipata yose ichafusirwa, makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; zvakakombama zvicharuramiswa, nzira dzamakwiringwindi dzienzaniswe;
6
uye nyama yose ichavona ruponeso rwaMwari.
7
Naizvozvo wakati kuchaunga chaibudira kuzobhabhatidzwa naye: Vana venyoka, ndianiko wakakuyambirai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
8
Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka; musatanga kureva mumoyo menyu, muchiti: Tina Abhurahamu baba \add vedu\add*; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari unogona kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahamu vana.
9
Zvinovo sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti mumwe nomumwe usingabereki chibereko chakanaka, unotemerwa pasi, ukandirwe mumoto.
10
Chaunga chikamubvunza, chichiti: Zvino todiniko?
11
Akapindura akati kwavari: Une nguvo mbiri, ngaagovane nousina; nounezvokudya ngaaite saizvozvo.
12
Zvino kwakavuyavo vateresi kuzobhabhatidzwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, toiteiko?
13
Akati kwavari: Musareva kupfuvura pamakatemerwa napo.
14
Navarwivo vakamubvunza, vachiti: Ko isu todiniko? Akati kwavari: Musatyityidzira munhu kana kupomera munhu nhema; uye migutsikane nemubairo wenyu.
15
Zvino vanhu vakati vachatarisira, vose vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohwani, kuti zvimwe ndiKrustu,
16
Johwani akapindura achiti kunavose: Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura; asi mumwe unesimba kupfuvureni unovuya, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye uchakubhabhatidzai neMweya mutsvene nomoto
17
Rusero rwake \add rwuri\add* muruvoko rwake; uchanatsa kwazvo buriro rake; uye uchavunganidza zviyo mudura rake, asi hundi iye uchaipisa nemoto usingadzimwi.
18
Uye mukukurudzira kwake nezvinhu zvizhinji, akaparidzira vanhu evhangeri.
19
Asi Herodhe mutongi wechina, wakati asvorwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi womunun'una wake, nezvakaipa zvose zvaakanga zvaitwa naHerodhe,
20
wakawedzerazve pamusoro pezvose nezvizvi, kuti wakapfigira Johwani mutirongo.
21
Zvino zvakaitika \add kuti\add* vanhu vose vabhabhatidzwa, naJesuvo abhabhatidzwa, achinyengetera, denga rakazarurwa.
22
Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nechimiro chomuviri sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikamwa; wandinofadzwa naye kwazvo.
23
Zvino iye Jesu wakanga achitanga kusvika makore anenge makumi matatu, ari sezvaifungidzirwa, mwanakomana waJosefa, wakanga ari waHeri,
24
wakanga ari waMatati, wakanga ari waRevhi, wakanga ari waMeriki, wakanga ari waJanasi, wakanga ari waJosefa,
25
wakanga ari waMatatiasi, wakanga ari waAmosi, wakanga ari waNaumi, wakanga ari waEsiri, wakanga ari waNagai,
26
wakanga ari waMaati, wakanga ari waMatatiasi, wakanga ari waSimeyini, wakanga ari waJosefa, wakanga ari waJudha,
27
wakanga ari waJohwanani, wakanga ari waResa, wakanga ari waZerubhabheri, wakanga ari waSaratieri, wakanga ari waNeri,
28
wakanga ari waMeriki, wakanga ari waAdhi, wakanga ari waKosamu, wakanga ari waErimodhamu, wakanga ari waEri,
29
wakanga ari waJose, wakanga ari waEriazeri, wakanga ari waJorimu, wakanga ari waMatati, wakanga ari waRevhi,
30
wakanga ari waSimiyoni, wakanga ari waJudha, wakanga ari waJosefa, wakanga ari waJonanu, wakanga ari waEriakimu,
31
wakanga ari waMerea, wakanga ari waMenani, wakanga ari waMatata, wakanga ari waNatatani, wakanga ari waDhavhidhi,
32
wakanga ari waJese, wakanga ari waObhedhi, wakanga ari waBhowazi, wakanga ari waSarimoni, wakanga ari waNaasoni,
33
wakanga ari waAminadhabhi, wakanga ari waAramu, wakanga ari waEziromi, wakanga ari waFaresi, wakanga ari waJudha,
34
wakanga ari waJakobho, wakanga ari waIsaka, wakanga ari waAbhurahamu, wakanga ari waTera, wakanga ari waNahori,
35
wakanga ari waSerugi, wakanga ari waRagau, wakanga ari waFareki, wakanga ari waEberi, wakanga ari waSarah,
36
wakanga ari waKainani, wakanga ari waArifakisadhi, wakanga ari waSemu, wakanga ari waNowa, wakanga ari waRameki,
37
wakanga ari waMatusara, wakanga ari waEnoki, wakanga ari waJaredhi, wakanga ari waMarereeri, wakanga ari waKainani,
38
wakanga ari waEnosi, wakanga ari waSeti, wakanga ari waAdhamu, wakanga ari waMwari.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24