bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 12
Luke 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
1
Zvichakadaro chaunga chezvuru zvavanhu chakati chavunganira pamwe chete zvokuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga \add achiti\add*: Imwi chenjerai mbiriso yavaFarisi, ndiyo kunyengera.
2
Hakunechinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi; kana chakavigwa, chisingazozikamwi.
3
Naizvozvo zvose zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzomukati zvichaparidzwa pamusoro pedzimba.
4
Zvino ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanovuraya muviri, asi shure kwaizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
5
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Mumutye iye, unoti kana avuraya, unesimbavo rokukandira mugehena. Hongu, ndinoti kwamuri: Mumutye iye.
6
Ko vuvangu vushanu habwutengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna gumwe gwabwo gunokanganikwa pamberi paMwari.
7
Asi kunyangwe nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya naizvozvo, munokosha kupfuvura vuvangu vuzhinji.
8
Ndinotivo kwamuri: Mumwe nomumwe unondibvuma pamberi pavanhu, Iye Mwanakomana womunhu uchamubvumavo pamberi pavatumwa vaMwari;
9
asi iye unondiramba pamberi pavanhu, ucharambwa pamberi pavatumwa vaMwari.
10
uye mumwe nomumwe unoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, uchakangamwirwa; asi uyo unomhura Mweya Mutsvene haangakangamwirwi.
11
Kana vachikuisai ku\add matare\add* \add e\add*masinagoge navatongi navanesimba, musafunganya kuti muchapindurei kana sei, kana muchataurei.
12
Nokuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.
13
Zvino mumwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, vudzai munin'ina wangu kuti agovane nhaka neni.
14
Asi wakati kwaari: Murume, ndianiko wakandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?
15
Iye akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere kuchiva, nokuti upenyu hwomunhu hahwusanganisi kuwanda kwezvinhu zvaanazvo.
16
Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda womumwe mufumi wakabereka zvizhinji kwazvo;
17
akafunga mukati make, achiti: Ndichaiteiko? Nokuti handina nzvimbo pandingavunganidzira zvibereko zvangu.
18
Ipapo akati: Ndichaita kudai: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ipapo ndichavunganidzira zviyo zvangu, nezvose zvangu,
19
ndigoti kumweya wangu: Mweya, iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji; tora zororo rako, udye, umwe, ufare.
20
Asi Mwari akati kwaari: Dununu, vusiku bwuno mweya wako uchadikamwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?
21
Ndizvo zvakaita munhu unozvivunganidzira fuma, asi asingafumi kunaMwari.
22
Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro poupenyu bwenyu, kuti muchadyei; kana muviri wenyu, kuti muchapfekei.
23
Upenyu bwunopfuvura zvokudya, nomuviri zvokupfeka.
24
Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, naiwovo haanetsapi kana dura; asi Mwari unoapa zvokudya. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?
25
Ndianiko kwamuri nokufunganya ungagona kuwedzera kubhiti* rimwe pavurefu bwake?
26
Zvino kana imwi musingagoni kuita chinhu ichi chidukusa, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?
27
Fungai maruva, \add kuti\add* anokura sei; haashandi, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kose, haana kushongedzwa serimwe rawo.
28
Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo vuswa bwuri panyika nhasi, mangwana bwokandirwa muchoto, \add uchakupfekedzai\add* nokupfuvurisa sei, imwi vokutenda kuduku?
29
Imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.
30
Nokuti zvinhu izvi zvose zvinotsvakwa namarudzi enyika; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
31
Asi imwi tsvakai ushe bwaMwari, naizvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
32
Musatya \add imwi\add* kapoka kaduku; nokuti mufaro waBaba venyu kukupai ushe.
33
Tengesai izvo zvamunazvo mupe zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingasakari, fuma kudenga, isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvipfunho zvingavodza.
34
Nokuti panefuma yenyu, ndipo pachava nomoyo wenyuvo.
35
Zvivuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.
36
Nemwi muve savanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akasvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.
37
Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika unovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchazvisunga chivuno iye, akavagarisa pakudya, akavuya akavapakurira.
38
Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yokurindira yechitatu, akawana \add va\add*kadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
39
Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nguva inovuya nayo mbavha, ungadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
40
Naizvozvo nemwivo mugare mazvigadzirira; nokuti nenguva yamusingafungiri Mwanakomana womunhu unovuya.
41
Zvino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunavose here?
42
Ishe akati: Ndianiko zvino mutariri uyu wakatendeka, wakachenjera, uchaitwa mutongi nashe pamusoro peimba yake, kuti ape mugove wezvokudya nenguva yakafanira?
43
Wakaropafadzwa muranda uyo unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.
44
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kuti uchamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo,
45
Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuvuya; akatanga kurova varandarume, navarandakadzi, akadya, akamwa, akadhakwa;
46
ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingataririri, nenguva yaasingazivi, akamugura napakati, akamupa mugove wake pamwe chete navasakatendeka.
47
Muranda uyo waiziva kuda kwashe wake, akasagadzirira, kana kuita kuda kwake, ucharobwa ne\add shamhu\add* zhinji.
48
Asi wakanga asingazivi, akaita zvakafanira kurobwa, ucharobwa \add shamhu\add* shoma. Nokuti wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neunobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuvurisa kwaari.
49
Ndakavuya kuzokanda moto panyika zvino ndichadei iwo watobatidzwa?
50
Asi ini ndinorubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichipedziswa.
51
Munofunga imwi kuti ndakavuya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kupesanisa.
52
Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, uye vaviri navatatu,
53
Baba vachapesana nomwanakomana, nomwanakomana nababa; mai nomwanasikana, nomwanasikana namai; vamwene nomurovora wavo, nomurovora navamwene vake.
54
Akativo kuchaunga: Kana muchivona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inovuya; zvodaro.
55
Kana \add muchivona\add* mhepo yokuchamhembe ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.
56
Vanyengeri! Munoziva kududzira zvamunovona zvokudenga nezvenyika, asi hamududziri sei nguva ino?
57
Munoregereiko imwi kuzvitongera mumene zvakarurama
58
Nokuti kana uchienda kumutongi nomudzivisi wako, idza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa mupurisa akukande mutirongo.
59
Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kamari kokupedzisira.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24