bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 24
Luke 24
Shona 2009?
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
1
Zvino no\add mu\add*si wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakavuya kubwiro, vakabata zvinonhuhwira, zvavakanga vagadzira nevamwe navo.
2
Vakawana ibwe rakakunguruswa, rabviswa pabwiro.
3
vakapinda, vakasawana mutumbi waShe Jesu.
4
Zvino zvakaitika vachakakanganiswa nazvo, tarira, varume vaviri vakamira navo vanenguvo dzinopenya;
5
zvino vachiri kutya vakakotamira pasi nezviso, \add vatumwa\add* vakati kwavari: Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?
6
Haapo pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGariri,
7
achiti: Mwanakomana womunhu unofanira kukumikidzwa mumavoko avanhu vezvivi, nokuroverwa, nezuva retatu agomukazve.
8
Ipapo vakarangarira mashoko ake.
9
Vakadzoka vachibva kubwiro, vakavudza zvinhu izvi zvose vanegumi nomumwe navamwe vose.
10
Vaiva Maria Magadarene naJohwana naMaria \add mai\add* vaJakobho, navamwe vavaiva navo, vakandovudza vapositora izvozvo.
11
Mashoko awa akaita sengano dzisina maturo kwavari; vakasaatenda.
12
Zvino Petro akasimuka, akamhanyira kubwiro; akadongorera akakotama, akavona micheka yerineni yakaradzikwa yoga; ndokudzoka, ashamiswa nezvakanga zvaitika.
13
Zvino tarira, pazuva irero vamwe vaviri vavo vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, wakanga uri kure neJerusarema masitadhia* anamakumi matanhatu;
14
vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.
15
Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo,
16
asi meso avo akanga abatwa kuti vasamuziva.
17
Akati kwavari: Inhauriano dzeiko idzi dzamunadzo pakati penyu muchifamba makatsamwa?
18
Mumwe wavo, zita rake rainzi Kiriyopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga mutorwa muJerusarema, usati aziva zvakaitikamo mazuva ano here?
19
Akati kwavari: Zvinyiko? Vakati kwaari: Maererano naJesu weNazareta, waiva amuporofita unesimba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose;
20
uye kuti vaprista vakuru navatongi vedu vakamukumikidza sei kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera.
21
Asi isu takanga tichivimba kuti ndiye waizodzikunura vaIsraeri. Asi pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu zvinhu izvi zvaitika.
22
Asi vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa, vanga vafumira kubwiro;
23
zvino vati vachishaiwa muviri wake, vakavuya vachiti vavona chiratidzo chavatumwa, vakati mupenyu.
24
Zvino vamwe vaiva nesu, vaenda kubwiro, vakandowana sezvanga zvarebwa navakadzi; asi iye havana kumuvona.
25
Zvino iye akati kwavari: Imwi vokusanzwisisa, munemoyo inononoka kutenda zvose zvakataurwa navaporofita!
26
Ko Kristu wakanga asingafaniri kutambudzika zvinhu izvi, nokupinda pakubwinya kwake here?
27
Ipapo akatanga kunaMozisi navaporofita vose, akadudzira kwavari magwaro ose zvinhu zviri maererano naye.
28
Zvino vakaswedera pedo nemusha kwavakanga vachienda; iye akaita sowoda kupfuvura.
29
Asi vakamugombedzera, vachiti: Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva raenda. Ipapo akapinda kundogara navo.
30
Zvino zvakaitika agere navo pakudya, akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.
31
Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika pameso avo.
32
Vakataurirana \add vachiti\add*: Ko moyo yedu yakanga isingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro here?
33
Vakasimuka nenguva iyoyo, vakadzokera Jerusarema, vakawana vanegumi nomumwe vakavungana pamwechete navaiva navo.
34
Vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo; wavonekwa naSimoni.
35
Vakarondedzera zvinhu \add zvakaitika\add* munzira, uye kuti wakazikamwa navo sei pakumedura chingwa.
36
Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene akamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri.
37
Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakafunga kuti zvimwe vavona mweya.
38
Akati kwavari: Munotambudzika nemhaka yeiko? Mifungo inomukireiko mumoyo yenyu?
39
Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muvone, nokuti mweya haunenyama namafupa, sezvamunovona ini ndinazvo.
40
Zvino wakati areva izvozvo akavaratidza zvanza netsoka \add dzake\add*.
41
Zvino vakati vachigere kutenda nokufara vachishamiswa, akati kwavari: Munezvokudya pano here?
42
Vakamupa nhindi yehove yakagochwa nezinga rovuchi.
43
Akatora akadya pamberi pavo.
44
Akati kwavari: Awa mashoko andakakuvudzai ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvose zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, \add na\add*pavaporofita napaMapisarema pamusoro pangu.
45
Ipapo akadzivura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro.
46
Akati kwavari: Ndizvo zvakanyorwa, uye Kristu unofanira kutambudzika, nokumuka kuvakafa zuva retatu;
47
kuti kutendevuka nokukangamwirwa kwezvivi kunofanira kuparidzirwa marudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.
48
Imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
49
Zvino tarirai, ndinotuma chipikirwa chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.
50
Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza mavoko ake akavaropafadza.
51
Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
52
Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusarema vanomufaro mukuru;
53
vakarambira mutembere, vachirumbidza nokutenda Mwari.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24