bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 2
Luke 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
1
Zvino zvakaitika kuti namazuva iwayo, chirevo chakabuda kubva kunaKesari Agasto, kuti nyika yose inyorwe mazita.
2
Kunyorwa uku ndokwaiva kokutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutongi weSiria.
3
Vose vakaenda kundonyorwa, mumwe nomumwe kuguta rake.
4
NaJosefavo akakwira achibva Gariri, muguta reNazareta, akaenda Judhiya, kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi;
5
kuti anyorwe naMaria mukadzi wake wakanga atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba.
6
Zvakaitika kuti vachipo, mazuva okuzvara kwake akasvika;
7
akazvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti makanga musina nzvimbo yavo muimba yavaeni.
8
Zvino kwakanga kunavafudzi munyika iyoyo, vaigara kuvuragu vachirinda mapoka avo vusiku.
9
Zvino tarira, mutumwa waShe akamira pedo navo, nokubwinya kwaShe kukaratidzwa kwakavakomba, vakatya nokutya kukuru.
10
Ipapo mutumwa akati kwavari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka omufaro mukuru, uchava kuvanhu vose;
11
nokuti mazvarirwa nhasi muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.
12
Ichi chiratidzo kwamuri: Muchandowana mwana akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro chezvipfuwo.
13
Ipapo kamwe-kamwe kukavapo pamwe chete nomutumwa, chaunga chehondo yokudenga, chichirumbidza Mwari, chichiti:
14
Rumbidzo kunaMwari wokumusoro-soro, norugare panyika; moyo muchena kuvanhu.
15
Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari, vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende zvino Bhetirehemu, tindovona chinhu ichi chakaitika, chatakaziviswa naShe.
16
Ipapo vakakurumidza kusvika, vakawana vose Maria naJosefa, norusvava ruvete muchidyiro chezvipfuwo.
17
Vakati vavona, vakazivisa kose shoko ravakanga vavudzwa maererano nomwana uyo.
18
Zvino vose vakanzwa vakashamiswa nezvinhu izvi zvavakavudzwa navafudzi.
19
Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvose, achifungisisa mumoyo make.
20
Zvino vafudzi vakadzokera kwakare, vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa nekuvona, sezvavakanga vavudzwa.
21
Mazuva masere akati apera kuti mwana adzingiswe, zita rake rikanzi Jesu, raakanga atumidzwa nomutumwa, asati agamuchirwa mudumbu.
22
Zvino mazuva okuzvinatsa kwake nomurairo waMozisi akati apera, vakavuya naye Jerusarema, kuti va\add mu\add*kumikidze kunaShe;
23
(sezvazvakanyorwa pamurairo waShe kuti \add mwana\add*rume mumwe nomumwe unotanga kuzarura chizvaro, uchanzi mutsvene kunaShe),
24
uye vabayire chibayiro sezvazvakarehwa pamurairo waShe, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku.
25
Zvino tarira, kwakanga kunomunhu muJerusarema, zita rake \add rainzi\add* Simiyoni, ndiyevo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, noMweya Mutsvene wakanga uri pamusoro pake.
26
Zvino zvakanga zvaratidzwa kwaari noMweya Mutsvene, kuti haangavoni rufu asati avona Kristu waShe.
27
Wakapinda mutembere noMweya; zvino vabereki vakati vachivuya nomwana Jesu, kuti vaite pamusoro pake setsika yomurairo,
28
iye akamutora akamubata mumavoko ake akavonga Mwari, achiti:
29
Tenzi zvino regai henyu muranda wenyu aende norugare, sezvakareva shoko renyu;
30
Nokuti meso angu avona ruponeso rwenyu,
31
rwamakagadzirira pamberi pezviso zvavanhu vose;
32
chiedza chokuvhenekera vahedheni, nokubwinya kwavanhu venyu vaIsraeri.
33
Josefa namai vake vakashamiswa nezvakarehwa pamusoro pake.
34
Ipapo Simiyoni akavaropafadza, akati kunaMaria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nokumuka kwavazhinji pavaIsraeri, nokuva chiratidzo chichapikiswa;
35
uye newe munondo uchabaya mweya wakovo; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzibvundunurwe.
36
Zvino kwakanga kuno mumwe Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; iye wakanga akwegura kwazvo, wakanga anomurume makore manomwe kubvira pavumhandara hwake.
37
Iye ari chirikadzi yamakore makumi masere namana, wakanga asingabvi mutembere, achishumira nokutsanya nokunyengetera vusiku namasikati:
38
Naiye wakati achisvika nenguva iyo akatendavo Mwari, akataura pamusoro pake kunavose vakanga vachitarisira kusunungurwa kweJerusarema.
39
Zvino vakati vapedza zvinhu zvose zvomurairo waShe, vakadzokera Gariri, kuguta ravo Nazareta.
40
Mwana akakura akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakanga dziri pamusoro pake.
41
Zvino vabereki vake vaienda Jerusarema makore ose pamutambo wepaseka.
42
Zvino wakati ava namakore anegumi namaviri, vakakwira Jerusarema netsika yomutambo,
43
vakati mazuva apera, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusarema, Josefa namai vake vasingazvizivi,
44
asi vaifunga kuti uri munavamwe vavakanga vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva rimwe, vakazomutsvaka pakati pehama nokuvazikani.
45
Asi vakati vamushaiwa, vakadzokera shurezve kuJerusarema vachimutsvaka.
46
Zvino zvakaitika kuti kwapera mazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pavadzidzisi achivateerera nokuvabvunza.
47
Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake nemhinduro dzake.
48
Zvino vakati vamuvona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichishungurudzika.
49
Akati kwavari: Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?
50
Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari.
51
Ipapo akaburuka navo, akasvika Nazareta, akavateerera. Asi mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumoyo mavo.
52
Jesu akawedzera panjere nokukura, napakudiwa naMwari navanhu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24