bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 20
Luke 20
Shona 2009?
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
1
Zvino zvakaitika nerime ramazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere, nokuparidza evhangeri, vaprista vakuru navanyori vakasvika navakuru,
2
vakataura kwaari vachiti: Tivudzei; munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndianiko iye wakakupai simba iri?
3
Akapindura akati kwavari: Ndichakubvunzaivo ini shoko rimwe; ndivudzei:
4
Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga kana kuvanhu?
5
Vakataurirana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati: Zvino makagoregerei imwi kumutenda?
6
Asi kana tikati: Kuvanhu, vanhu vose vachatitaka namabwe; nokuti ivo vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita.
7
Vakapindura, vachiti havazivi kwa\add rwa\add*kabva.
8
Zvino Jesu akati kwavari: Nenivo handingakuvudziyi kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
9
Zvino wakatanga kuvudza vanhu mufananidzo uyu: Mumwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akaupa varimi, akaenda kune imwe nyika nguva refu;
10
nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvezvibereko zvomunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vaka\add mu\add*dzosa asina chinhu.
11
Akatumazve mumwe muranda; naiyevo vakamurova vaka\add mu\add*nyadzisa, vaka\add mu\add*dzosa asina chinhu.
12
Akatumazve wechitatu; zvino uyuvo vakamukuvadza, vaka\add mu\add*dzingira kunze.
13
Zvino mwene womunda wemizambiringa akati: Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikamwa, zvimwe vakavona iye vachamukudza.
14
Asi varimi vakati vachimuvona vakarangana pakati pavo, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai, ngatimuvuraye, kuti nhaka igova yedu.
15
Vakamudzingira kunze komunda wemizambiringa, vakavuraya. Zvino mwene womunda wemizambiringa uchavaitireiko?
16
Uchavuya, akaparadza varimi ivava, akapa munda womuzambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro!
17
Asi wakavatarisa, akati: Zvino chinyiko ichi chakanyorwa, \add chinoti\add*: Ibwe rakarambwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona?
18
Mumwe nomumwe unowira pamusoro pebwe iro, uchavhunika; asi ani nani warinowira richamukuya kuita upfu.
19
Zvino vaprista vakuru navanyori nenguva iyoyo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti wakavareva ivo nomufananidzo uyo.
20
Vaka\add mu\add*cherekedza, vakatumira vashori vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, kuti vamukumikidze kuushe nesimba romutongi.
21
Vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, Tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri \add zvinovonekwa zvo\add*munhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi,
22
Zviri pamutemo here kwatiri kuripira Kesari mutero, kana kwete?
23
Asi iye achiziva vumhare bwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko?
24
Ndiratidzei dhenari*; Rinomufananidzo norunyoro rwaaniko? Vakapindura vakati: ZvaKesari.
25
Ipapo akati kwavari: Naizvozvo ipai kunaKesari zvinhu zvaKesari, nokunaMwari zvinhu zvaMwari.
26
Vakakoniwa kumubata namashoko ake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake; ndokunyarara.
27
Zvino kwakavuya kwaari vamwe vavaSajusi, ivo vanoramba kuti kune kumuka kwavakafa, vakamubvunza,
28
vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera \add kuti\add* kana mukoma womunhu akafa anomukadzi, asi iye akafa asina vana, munun'una wake unofanira kutora mukadzi wake, amutsire mukoma wake rudzi.
29
Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana;
30
nowechipiri akatora mukadzi, akafa asina mwana;
31
nowechitatu akamutora. zvikadarovo navanomwe vakasasiya vana, vakafa.
32
Pakupedzisira mukadzi akafavo.
33
Naizvozvo pakumuka kwavakafa, uchava mukadzi waaniko kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye somukadzi.
34
Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Vanakomana venyika ino vanowana; uye vanowaniswa;
35
asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, kana kuwaniswa.
36
Nokuti havazofizve; nokuti vachaenzana navatumwa, uye vava vanakomana vaMwari zvavari vanakomana vokumuka kwavakafa.
37
Asi kuti vakafa vanomutswazve, kunyange Mozisivo wakaratidza pagwenzi, paakati Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.
38
Nokuti Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.
39
Ipapo vamwe vavanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.
40
Pashure paizvozvo havana kuzotsunga kumubvunzazve chinhu.
41
Zvino akati kwavari: Vanoreva seiko kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi?
42
Nokuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku yaMapisarema \add achiti\add*: Ishe wakati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi,
43
Kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
44
Naizvozvo Dhavhidhi unomuidza Ishe, zvino ungagova Mwanakomana wake seiko?
45
Zvino vanhu vose vachizvinzwa, wakati kuvadzidzi vake:
46
Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, vachida kukwaziswa pamisika, nezvigaro zvapamusorosa mumasinagoge, novugaro bwapamberi pamabiko;
47
vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vanonyengera nokuita minyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa kurashwa kukuru.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24