bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 17
Luke 17
Shona 2009?
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
1
Zvino wakati kuvadzidzi: Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisavuya; asi vurombo \add kune\add* wazvinovuya naye.
2
Zvaiva nani kwaari kuti guyo rinorema riremberedzwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.
3
Muzvichenjerere: kana hama yako ikakutadzira, umudzore; kana akatendevuka, umukangamwire.
4
Kunyange akutadzira kanomwe pazuva, akadzokerazve kwauri kanomwe, achiti: Ndatendevuka; umukangamwire.
5
Zvino vapositora vakati kunaShe: Wedzerai kwatiri kutenda.
6
Ishe akati: Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadha, maiti kumuhabhurosi uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa, ukakuteererai.
7
Asi ndiani kwamuri ungava nomuranda unorima kana kufudza mombe, ungati kwaari achangopinda achibva kumunda: Swedera ugare pakudya.
8
Asi ungarega here kuti kwaari: Ndigadzirire zvandingadya, uzvisunge chivuno, undipakurire, kusvikira ini ndadya, ndikamwa; mushure iwe ugozodya nokumwa?
9
Ko ungatenda muranda, nokuti wakaita zvakanga zvarairwa here? Handifungi.
10
Saka saizvozvo imwi, kana maita zvose zvamakarairwa, muti: Tiri varanda pasina, taita sezvataifanira kuita.
11
Zvino zvakaitia pakuenda kwake Jerusarema, kuti wakapfuvura napakati peSamaria neGariri.
12
Zvino wakati achipinda munomumwe musha, akasongana navarume vanegumi vaiva namaperembudzi, vamire kure.
13
Vakasimudza inzwi, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!
14
Zvino wakati achi\add va\add*vona, akati kwavari: Endai mundozviratidza kuvaprista. Zvino zvakaitika kuti pavaienda, vakanatswa.
15
Zvino mumwe wavo wakati avona kuti waporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nenzwi guru;
16
ndokuwira pasi nechiso patsoka dzake, achimuvonga; zvino iye wakanga ari muSamaria.
17
Ipapo Jesu akapindura akati: Vanga vasiri vanegumi here vaporeswa? Vapfumbamwe varipiko?
18
Hapana kuwanikwa wadzokera kuzopa Mwari rukudzo, kunze kouyu mutorwa.
19
Ipapo akati kwaari: Simuka uende; kutenda kwako kwakuponesa.
20
Zvino wakati achibvunzwa navaFarisi kuti ushe bwaMwari bwunosvika rinhi, akapindura, akati: Ushe bwaMwari habwuvuyi bwuchivonekwa.
21
Uye havangati: Tarirai pano, Kana: Tarira uko. Nokuti tarirai, ushe bwaMwari bwuri mukati menyu.
22
Zvino wakati kuvadzidzi: Mazuva achasvika amuchashuva kuvona rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamunga\add ri\add*voni.
23
Zvino vachati kwamuri: Tarirai pano, kana: Tarirai uko; Regai kuenda, kana kutevera;
24
nokuti semheni inopenya, ichibva kunorumwe \add rutivi\add* pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kunorumwe \add rutivi\add* pasi pedenga, ndizvo zvichaitavo Mwanakomana womunhuvo nezuva rake.
25
Asi kutanga unofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurashwa nezera iri.
26
Zvino sezvazvakanga zvakaita namazuva aNowa, ndizvo zvazvichaitavo namazuva omwanakomana womunhu.
27
Vaidya, vaimwa vaiwana, vachiwaniswa, kusvikira zuva iro Nowa rakapinda naro muareka, mafashame akasvika, akavaparadza vose.
28
Saizvozvovo sezvazvakanga zvakaitavo namazuva aRoti; vaidya, vaimwa, vaitenga, vaitengesa, vaidzvara, vachivaka;
29
asi nomusi uyo wakabuda Roti muSodoma, kwakanaya moto nesarufa. Zvichibva kudenga, zvikaparadza vose.
30
Ndizvo zvazvichaitavo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachabudiswa pachena naro.
31
Nezuva iro, unenge ari pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka ku\add ndo\add*dzitora; nouri kumunda ngaarege kudzokera shure.
32
Rangarirai mukadzi waRoti.
33
Aninani unotsvaka kuponesa upenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, uye aninani unorashikirwa nabwo uchabwuchengetedza.
34
Ndinoti kwamuri: Novusiku ubwo vaviri vachava panhovo imwe, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiiwa.
35
Vakadzi vaviri vachakuya pamwe chete, mumwe uchatorwa, mumwe asiiwe.
36
Vaviri vachava mumunda; mumwe uchatorwa, mumwe asiiwe.
37
Ipapo vakapindura, vakati, kwaari: Kupiko Ishe? Akati kwavari: Panomutumbi, ndipo panovunganira magora.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24