bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 18
Luke 18
Shona 2009?
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 19 →
1
Zvino wakavavudzavo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingavori moyo;
2
achiti: Kwaivapo mune rimwe guta mumwe mutongi, wakanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu;
3
zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yakanga ichivuya kwaari, ichiti: Nditsivirei kumuvengi wangu.
4
Iye akamboramba kwechinguva; asi pashure akati mumoyo make: Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kunyara munhu;
5
asi nokuti chirikadzi iyi zvainonditambudza, ndichaitsivira, zvimwe nokuramba kwayo ichivuya ingandivodza moyo.
6
Ishe akati: Inzwai zvinorebwa nomutongi usakarurama.
7
Ko zvino Mwari haangatsiviri vakasanangurwa vake, vanochemera kwaari masikati novusiku, kunyange achivanonokera here?
8
Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvatsivira. Asizve kana mwanakomana womunhu achisvika, uchawana kutenda panyika here?
9
Wakarevavo mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, \add akati\add*:
10
Vanhu vaviri vakakwira kutembere kundonyengetera; mumwe ari muFarisi, mumwe ari muteresi.
11
MuFarisi wakasimuka akanyengetera kudai achizvireva, \add akati\add*: Mwari ndinokutendai kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange nomuteresi uyu.
12
Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinazvo.
13
Asi muteresi wakamira kure asingadi kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakazvirova chifuva, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.
14
Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa pane uya. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa uye uyo unozvininipisa uchakudzwa.
15
Zvino vakavuyisa kwaarivo vacheche, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakati vachi\add zvi\add*vona, vakavatsiura.
16
Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe bwaMwari ndobwavakadai.
17
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri ushe bwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mabwuri.
18
Zvino mumwe mutongi wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhako youpenyu bwusingaperi?
19
Zvino Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze komumwe chete, Mwari.
20
Mirairo unoiziva, \add inoti\add*: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.
21
Iye akati: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu.
22
Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvose zvaunazvo, ugovere varombo, ipapo uchava nefuma yakakosha kudenga; ugovuya wonditevere.
23
Zvino wakati anzwa izvozvi, akashungurudzika kwazvo; nokuti wakanga akafuma zvikuru.
24
Zvino Jesu wakati achivona kuti unoshungurudzika kwazvo akati: Zvicharema sei kuvanefuma kupinda muushe bwaMwari.
25
Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde nomuvuri retsono, kumufumi kupinda muushe bwaMwari.
26
Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndianiko ungagoponeswa?
27
Iye akati: Zvinhu zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kunaMwari.
28
Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.
29
Zvino iye akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuno munhu wakasiya imba, kana vabereki kana madzikoma navanin'ina, kana mukadzi, kana vana, nokuda koushe bwaMwari;
30
usingazogamuchiri zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, nemunguva inovuya upenyu bwusingaperi.
31
Zvino wakatora vanegumi navaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, zvose zvakanyorwa navaporofita pamusoro pomwanakomana womunhu zvichazadziswa.
32
Nokuti uchakumikidzwa kuvahedheni, agosekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate,
33
vacha\add mu\add*rova netyava, nokumuvuraya, uye nezuva retatu uchamukazve.
34
Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvi, uye shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, uye havana kunzwisisa izvo zvakarebwa.
35
Zvino zvakaitika kuti paaiswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha,
36
rakati richinzwa chaunga chichipfuvura, rikabvunza kuti chaiva chinyiko.
37
Vakarivudza, vakati: Jesu weNazareta unopfuvura.
38
Ipapo rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
39
Zvino vakanga vakatungamira vakaritsiura, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, \add richiti\add*: Mwanakomana waDavidhi, ndinzwirei ngoni!
40
Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti rivuyiswe kwaari; rikati raswedera akaribvunza,
41
achiti: Unoda kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndivonezve.
42
Jesu akati kwaari: Chivonazve! kutenda kwako kwakuponesa.
43
Pakarepo rikavonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachi\add zvi\add*vona vakarumbidza Mwari.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24