bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 6
Luke 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
1
Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, kuti paakanga achifamba napakati peminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura dzezviyo, vachidya, vachidzipukuta namavoko
2
Zvino vamwe vavaFarisi vakati kwavari: Munoitireiko zvisiri pamutemo nemisi yesabata?
3
Zvino Jesu achivapindura, wakati: Ko hamuna kurava pamusoro pezvizvi here? zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ava nenzara iye navakanga vanaye,
4
kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora, akadya, zvingwa zvokuratidza, akapavo vakanga vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi navaprista voga?
5
Akati kwavari: Mwanakomana womunhu ndiyevo Ishe wesabata.
6
Zvino zvakaitikavo nerimwe sabata kuti wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kunomunhu ipapo aneruvoko rwake rworudyi rwakawonyana.
7
Vanyori navaFarisi vakamutarisisa, \add kuvona\add* kana angaporesa nomusi wesabata, kuti vawane kumupomera mhosva
8
Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati \add pavanhu\add*. Akasimuka akamira.
9
Zvino Jesu akati kwavari: Ndinokubvunzai chinhu chimwe: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana zvakaipa? kuponesa upenyu kana kuparadza?
10
Ipapo akaringa-ringa kwavari vose, akati kumurume: Tambanudza ruvoko rwako. Akaita saizvozvo. ruvoko rwake rukararama rukava sorumwe.
11
Vakazara noupengo; vakataurirana mumwe nomumwe, kuti Jesu vangamuitei.
12
Zvino zvakaitika namazuva iwayo kuti wakabuda akaenda kugomo kundonyengetera; agara vusiku hwose mukunyengetera kuna Mwari.
13
Zvino kwakati kwaedza, akadana vadzidzi vake; akasanangura kwavari vanegumi navaviri vaakatumidzavo \add kuti\add* vapositora;
14
Simoni, waakatumidzavo Petro, naAndiriya munun'una wake, Jakobho naJohwani, Firipi naBhartoromiyo,
15
Matewu naTomasi, Jakobho waArifiyosi, naSimoni wainzi Ziroti;
16
naJudhasi waJakobho, naJudhasi Isikariyoti, wakazova mutengesi.
17
Akaburuka navo, akamira pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chavanhu vaibva Judhiya rose neJerusarema, napamahombekombe egungwa reTire neSidoni, vakavuya kuzomunzwa, nokuporeswa hosha dzavo;
18
navakanga vachitambudziwa nemweya yetsvina, vakaporeswa.
19
Chaunga chose chakatsvaka kumunyangata: nokuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vose.
20
Zvino wakasimudzira meso ake kuvadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa varombo, nokuti ushe bwaMwari ndobwenyu.
21
Makaropafadzwa imwi munenzara zvino, nokuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imwi munochema zvino, nokuti muchaseka.
22
Makaropafadzwa imwi, kana vanhu vachikuvengai, vachikusarudzai, vachikunyombai, vachirasha zita renyu serakashata, nokuda koMwanakomana womunhu.
23
Farai nezuva iro, mupembere nomufaro; nokuti tarirai, mubairo wenyu mukuru kudenga; nokuti saizvozvo \add ndizvo\add* zvakaita madzibaba avo kuvaporofita.
24
Asi Vurombo kwamuri imwi vafumi! Nokuti magamuchira nyaradzo yenyu.
25
Vurombo kwamuri imwi makaguta! Nokuti muchaziya. Vurombo kwamuri imwi munoseka zvino! Nokuti muchachema nokuwungudza.
26
Vurombo kwamuri kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu! Nokuti ndizvo zvakaita madzibaba avo kuvaporofita venhema.
27
Asi ndinoti kwamuri munonzwa: Idai vavengi venyu, muite zvakanaka kune avo vanokuvengai,
28
Muropafadze vanokutukai, munyengeterere avo vanokukubatai zvakaipa.
29
Kune uyo unokurova padama, umupe rimwevo; unokutorera nguvo yokunze, usarambidza nenguvo yomukativo.
30
Upe umwe noumwe unokumbira kwauri; nounokutorera zvako, usazvikumbirazve.
31
Sezvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirevo saizvozvo.
32
Kana muchida avo vanokudai, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzivo vanoda vanovada.
33
Kana muchiitira zvakanaka kune avo vanokuitirai zvakanaka, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanoitavo saizvozvo.
34
Kana muchikwereta vamunotarisira kudzoserwa navo, munokuvongwa kwakadiniko? Nokuti navatadzi vanokweretesavo vatadzi, kuti vapiwezve zvakaenzana nazvo.
35
Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mupe chikwereti musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana voWokumusoro-soro; nokuti iye unomoyo munyoro kunavasingavongi navakaipa.
36
Naizvozvo ivai netsitsi, sababa venyuvo vanetsitsi.
37
Musatonga, nemwi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemwi hamungazopiwi mhaka; regererai, nemwi mucharegererwa.
38
Ipai, nemwi muchapiwa; chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chinopfachukira; vachakupai pachifuva chenyu. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwavo nacho.
39
Akataura mufananidzo kwavari \add akati\add*: Bofu ringatungamirira bofu here? Haangawiri mugomba ose here?
40
Mudzidzi haapfuvuri mudzidzisi wake; asi mumwe nomumwe, kana azadziswa, uchava somudzidzisi wake.
41
Uye unotarireiko rubanzu ruri muziso reumwe wako, asi danda riri muziso rako haurivoni?
42
Kana ungareva seiko kuneumwe wako, \add uchiti\add*: Umwe wangu, rega ndibudise rubanzu ruri muziso rako, iwe pachako usingavoni danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, budisa pakutanga danda riri muziso rako, zvino ipapo uchavon zvakanaka kubvisa rubanzu ruri muziso reumwe wako.
43
Nokuti muti wakanaka haugoni kubereka chibereko zvakaipa; uye muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka.
44
nokuti muti umwe nomumwe unozikamwa nechibereko chawo. Nokuti pamhinzwa, vanhu havatanhi mavonde, kana parukato, havangatanhi mazambiringa.
45
Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yomoyo wake, unobudisa izvo zvakanaka, nomunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yomoyo wake, unobudisa izvo zvakaipa; nokuti zvizere mumoyo make, \add ndizvo\add* zvinotaura muromo wake.
46
Munondiidzireiko Ishe, Ishe, musingaiti zvinhu zvandinoreva?
47
Ani nani unovuya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ini ndichakuratidzai waakafanana naye.
48
Wakafanana nomunhu wakavaka imba, akachera akadzikisa, akateya nheyo paruware; zvino mafashame akati asimuka, rukova rukarova zvinesimba paimba iyo, ikasagona kuizunungusa; nokuti yakanga yakateyiwa paruware.
49
Asi uyo unonzwa asingaiti, wakafanana nomunhu wakavaka imba isina nheyo pavhu; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa, kuwa kweimba iyo kukava kukuru.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24