bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 11
Luke 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 12 →
1
Zvino zvakaitika kuti paainyengetera paneimwe nzvimbo achinyengetera, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakevo.
2
Akati kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba, vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene; ushe bwenyu ngabwuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, kudenga sezvakunoitwa panyika.
3
Mutipei zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvemazuva ose.
4
Mutikangamwire zvivi zvedu nokuti isuvo tinokangamwira vose vane mhosva nesu. Musatipinza pakuidzwa, asi mutisunungure pane zvakaipa,
5
Akati kwavari: Ndianiko wenyu ungava neshamwari, zvirokwazvo aenda kwaari pakati povusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,
6
nokuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamupakurira;
7
ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; mukova watopfigwa, navana vangu vava neni panhovo; handingamuki ndikakupa.
8
Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nokuda kokuti ishamwari yake, asi nokuda kokutsungirira kwake uchamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa.
9
Zvino ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchazvipiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
10
Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, unogamuchira; nounotsvaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa.
11
Kana ndianiko wenyu ari baba kana mwanakomana achikumbira chingwa, ungamupa ibwe? Kana hove, ungamupa nyoka panzvimbo yehove here?
12
Kana kuti akakumbira zai, ungamupa chinyavada here?
13
Kana imwi zvino makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.
14
Zvino wakanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve. Zvino zvakaitika kuti mweya wakaipa wakati wabuda, mbeveve ikataura; chaunga chikashamiswa.
15
Asi vamwe vavo vakati: Unobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, mukuru wemweya yakaipa.
16
Asi vamwe vachiidza, vakakumbira kwaari chiratidzo chinobva kudenga.
17
Asi iye achiziva kufunga kwavo wakati kwavari: Ushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa bwunoparadzwa; neimba inozvipesanisa inowa.
18
NaSatanivo, kana achizvipesanisa, ushe bwake bwungamira seiko? Nokuti munoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri.
19
Asi kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
20
Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomumwe waMwari, zvirokwazvo ushe bwaMwari bwasvika kwamuri.
21
Kana munhu unesimba, wakashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinorugare,
22
asi kana une simba kumupfuura akamurwisa, akamukunda, unomutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaanga achivimba nadzo, ndokugovera zvaapamba.
23
Uyo usineni, unopesana neni; nounovunganidza asineni, unoparadzira.
24
Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unogura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi achishaiwa unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda.
25
Zvino kana wasvika, unowana yatsvairwa nokurongedzwa.
26
Ipapo unoenda ndokutora mimwe mweya minomwe yakanyanya kuipa kumupfuvura, ndokupinda ndokugaramo; kuguma komunhu uyo kwakaipa kupfuvura kutanga kwake.
27
Zvino zvakaitika paaitaura zvinhu izvozvi, mumwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakura, namazamu amakamwa.
28
Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta.
29
Zvino kwakati kwavungana chaunga chakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
30
Nokuti Jona sezvaakanga ari chiratidzo kuvaNinivhi, saizvozvo ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhu kuzera iri.
31
Mambokadzi wekuchamhembe uchasimuka pakutongwa navarume vezera iri akaripa mhosva, nokuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa vuchenjeri bwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kunaSoromoni pano.
32
Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendevuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kunaJona pano.
33
Hakunomunhuvo unoti kana atungidza mwenje ungaisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vavone chiedza.
34
Mwenje womuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wako wose uzere nerima.
35
Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima.
36
Zvino kana muviri wako wose uzere nechiedza, pasinarutivi runerima, uchazara nechiedza wose, somwenje unokuvhenekera nokupenya kwawo.
37
Zvino wakati achataura, mumwe muFarisi akamukumbira kuti azodya naye; akapinda, akagara \add pakudya\add*.
38
Zvino muFarisi wakati achivona, akashamiswa kuti wakanga asina kushamba asati asvusvura.
39
Ipapo Ishe akati kwaari: Zvino imwi vaFarisi munosuka kunze komukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.
40
Mapenzi, Ko uyo wakaita zviri kunze, haazi iye wakaita zviri mukativo here?
41
Asi zviri nani mupe zvipo pazvinhu zvomukati; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri.
42
Asi Vurombo kwamuri vaFarisi, nokuti munopa chegumi cheminte* neruyi* nemarudzi emirivo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo rwaMwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.
43
Vurombo kwamuri vaFaraise! Nokuti munoda zvigaro zvapamusoro mumasinagoge, nokukwaziswa pamisika.
44
Vurombo kwamuri, vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makaita samarinda asingavonekwi, vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.
45
Zvino mumwe wenyanzvi dzomutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo munotituka nesuvo.
46
Iye akati: Vurombo kwamurivo nyanzvi dzomutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomumwe wemimwe yenyu.
47
Vurombo kwamuri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, uye namadzibaba enyu akavavuraya.
48
Naizvozvo munopupura kuti munotenderana namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavavuraya zvirokwazvo, imwivo munovaka marinda avo.
49
Naizvozvo vuchenjeri bwaMwarivo bwunotivo: Ndichavatumira vaporofita navapositora, \add vamwe\add* vavo vachavuraya nokuvatambudza;
50
kuti ropa ravaporofita vose rakatevurwa kubva pakuvambwa kwenyika, ritsvakwe parudzi urwu;
51
kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neImba \add yaMwari\add*; hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Richatsvakwa parudzi urwu.
52
Vurombo kwamuri nyanzvi dzomutemo! Nokuti makabvisa kiyi yoruzivo; hamuna kupinda mumene, uye makadzivisa avo vakanga vachipinda.
53
Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori navaFarisi vakatanga kupokana naye kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji,
54
vachimuteya, nokutsvaka kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24