bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 14
Luke 14
Shona 2009?
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 15 →
1
Zvino zvakaitika achipinda mumba momumwe wavakuru vavaFarisi kuzodya chingwa nomusi wesabata, kuti vakamucherekedza.
2
Zvino tarira, kwakanga kunomumwe munhu pamberi pake waiva norukandwe.
3
ipapo Jesu akapindura akataura kunyanzvi dzomutemo navaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nomusi wesabata here?
4
Asi vakaramba vanyerere. Zvino aka\add mu\add*tora akamuporesa ndokumurega achienda.
5
Akavapindura achiti: Ndianiko pakati penyu, ungati kana ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasayibudisa pakarepo nomusi wesabata.
6
Vakasagona kupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.
7
Zvino wakataura mufananidzo kuna vakakokwa, paakavona kuti vanosanangurira sei zvigaro zvapamusoro, akati kwavari:
8
Kana wakokwa nani zvake kumutambo wokuwana, usagara pachigaro chapamusoro; zvimwe mumwe unokudzwa kupfuvurewe wakokwa\add vo\add* naye,
9
zvino wakakukoka iwe naye, asvike, ati kwauri: Dzivurira uyu nzvimbo; uchatanga kugara kuchigaro chepasi uchinyara.
10
Asi kana wakokwa, enda ugare pachigaro chepasi, kuti kana uyo wakakukoka, achisvika, agoti kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; Zvino uchakudzwa pamberi pavose vagere pakudya newe.
11
Nokuti ani nani unozvikudza, uchaninipiswa; nounozvininipisa uchakudzwa.
12
Ipapo akativo kuno wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vana vamai vako kana hama dzako, kana vafumi vawakavakidzana navo, zvimwe vangazokukokavo, ugoripirwa.
13
Asi kana waita mabiko, koka varombo, zvirema, mhetamakumbo, namapofu.
14
ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.
15
Mumwe wavakanga vagere naye pakudya wakati achinzwa izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya zvokudya paushe bwaMwari!
16
Iye akati kwaari: Mumwe munhu wakagadzira chirayiro chikuru, akakokera vazhinji.
17
Akatuma muranda wake nenguva yokurayira kuti ati kuna vakanga vakakokwa: Vuyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.
18
Ipapo vose vakatanga mumwe nomumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wokutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda kumbondouvona; ndinokukumbira, undiregerere.
19
Mumwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda, kundodziidza; ndinokumbira undiregerere.
20
Mumwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handingavuyi.
21
Naizvozvo muranda akavuya, akakumikidza zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nokukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzomuguta, uuye pano navarombo, nezvirema, nemhetamakumbo, namapofu.
22
Muranda akati: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.
23
Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa mikuru nokuvuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
24
Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuno mumwe kunavarume avo vakakokwa ucharavira chirayiro changu.
25
Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendevuka akati kwavari:
26
Kana aninani achivuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun'una namadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange noupenyu bwakevo, haangavi mudzidzi wangu.
27
Zvino ani nani usingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haangavi mudzidzi wangu.
28
Nokuti ndiani wenyu, unoti achida kuvaka rusvingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kudhura \add kwayo\add*, kana ane \add mari\add* yokuipedzisa nayo?
29
Kuti zvimwe akateya nheyo akakoniwa kupedzisa, vose vanovona vanotanga kumuseka,
30
vachiti: Uyu munhu wakatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.
31
Kana ndoupiko mambo, kana achienda kuhondo akamirisana nomumwe mambo, usingatangi kugara pasi, akabvunza kana angakwanisa, nezvuru gumi, kusangana nounovuya akamirisana naye nezvuru makumi maviri?
32
Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, unotuma nhume, kundokumbira mashoko orugare.
33
Saka saizvozvovo, aninani kwamuri usingasiyi zvose zaanazvo, haangavi mudzidzi wangu.
34
Munyu wakanaka; asi kana munyu usingachivavi, ucharungwa neiko?
35
Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu romupfudze; vanourashira kunze. Unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24