bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 16
Luke 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
1
Zvino wakativo kuvadzidzi vake: Kwakanga kuno mumwe munhu mufumi, waiva nomutariri; iye akapomerwa kwaari, sounoparadza fuma yake.
2
Ipapo akamudana, akati kwaari: Zvinyiko izvi zvandinonzwa pamusoro pako? Rondedzera pamusoro povutariri bwako; nokuti haungazovi mutaririzve.
3
Zvino mutariri akati mumoyo make: Ndichaiteiko, ishe wangu zvowonditorera vutariri? Handigoni kuchera; kukumbira ndinonyara.
4
Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pavutariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.
5
Zvino akadana mumwe nomumwe wakanga anechikwereti nashe wake, akati kunowokutanga: Unechikwereti chakadiniko kunashe wangu?
6
Iye akati; Zviyero zvinezana zvamafuta. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako ugare pasi nokukurumidza, unyore makumi mashanu.
7
Akati kunomumwe: Ko iwe, unechikwereti chakadiniko? Iye akati: Zviyero zvinezana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere.
8
Ishe wake akarumbidza mutariri usakarurama, nokuti wakanga aita nokuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo ku\add kunda\add* vana vechiedza.
9
Zvino ndinoti kwamuri: Muzviitire ushamwari naMamona* usakarurama, kuti kana mokonewa, vakugamuchirei mudzimba dzokusingaperi.
10
Wakatendeka pazvinhu zviduku-duku wakatendekavo pazvikuru, nousakarurama pazvinhu zviduku-duku haana kururamavo pazvikuru.
11
Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka kunaMamona* usakarurama, ndianiko uchakuvimbai nefuma yechokwadi?
12
Zvino kana musina kuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko uchakupai zviri zvenyu.
13
Hakuna muranda ungagona kubatira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe uchavenga mumwe, akada mumwe; kana kuti uchanamatira kunomumwe, akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari naMamona*.
14
Zvino navaFarisivo, vakanga vachida mari, vakanzwa zvinhu izvozvi zvose, vakamunyomba.
15
Zvino wakati kwavari: Imwi muri avo vanozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyagadza pamberi paMwari.
16
Murairo navaporofita \add zvakanga zviripo\add* kusvikira kunaJohwani; kubva panguva iyo evhangeri noushe bwaMwari zvinoparidzwa, mumwe nomumwe unosenerera mabwuri.
17
Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuvure, pakuti tsanga imwe yomurairo ikoneswe.
18
Ani nani unoramba mukadzi wake akawana mumwe unoita vupombwe; uye ani nani unowana wakarambwa nomurume unoita vupombwe.
19
Kwakanga kune mumwe murume mufumi, waipfeka nguvo shava nemicheka yerineni yakanaka, nokufara paumbosha misi yose.
20
Zvino kwakanga kune mumwe mupemhi wainzi Razaro, wakanga akaiswa pasuvo rake azere namaronda,
21
achishuva kuzvigutisa nemafufu aiwa patafura yomufumi; pamusoro pazvo, imbwa dzaivuya dzichinanzwa maronda ake.
22
Zvino zvakaitika kuti murombo wakafa, akatakurirwa navatumwa pachifuva chaAbhurahamu; mufumi akafavo, akavigwa.
23
Zvino ari muhadhesi wakasimudza meso ake, ari pakurwadziwa, akavona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachifuva chake.
24
Iye akadanidzira achiti: Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni, mutume Razaro, kuti anyike muromo womumwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nokuti ndinorwadziwa mumurazvo uyu womoto.
25
Asi Abhurahamu wakati: Mwanakomana, rangarira kuti muupenyu bwako wakapiwa zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa, iwe unorwadziwa.
26
Uye kunze kwezvinhu izvi zvose, pakati pedu pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vovuno vanoda kuyambuka mhiri kwamuri vakonewe, novoko varege \add kuyambukira\add* kwatiri.
27
Ipapo akati: Naizvozvo ndinokukumbirai, Baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu,
28
nokuti ndina vana vamai vangu vashanu; kuti andonyatso-vapupurira, zvimwe naivovo vangavuya panzvimbo ino yamarwadzo.
29
Abhurahamu akati kwaari: VanaMozisi navaporofita; ngavavanzwe ivo.
30
Iye akati: Kwete, Baba Abhurahamu; asi kana mumwe akaenda kwavari kubva kunavakafa, vangatendevuka.
31
Zvino akati kwaari: Kana vasinganzwi Mozisi navaporofita, havangatendiswi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24