bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 8
Luke 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
1
Zvino zvakaitika shure kwaizvozvo, kuti wakapfuvura nomumaguta ose nemisha, achidanidzira nokuparidza mashoko akanaka oushe bwaMwari, navanegumi naviri vanaye.
2
Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa novurwere, Maria unonzi Magidharini, \add iye\add* wakanga abuda mweya yakaipa minomwe maari,
3
naJohwana mukadzi waKuza mutariri waHerodhe, naSusana, navamwe vazhinji, vaimushumira nefuma yavo.
4
Zvino chaunga chikuru chakati chavungana, vaibva kumaguta ose vachiuya kwaari, akataura nomufananidzo \add Akati\add*:
5
Mukushi wakabuda kundokusha mbeu yake; zvino wakati pakukusha kwake, imwe yakawira kurutivi rwenzira, ikatsikwa netsoka, shiri dzokudenga dzikaidya dzikaipedza.
6
Imwe ikawira paruware; zvino ichangomera, ikawoma, nokushaiwa vunyoro.
7
imwe ikawira pakati pemhinzwa, mhinzwa ikakura pamwe chete nayo, ikaivhunga.
8
Imwe ikawira muvhu rakanaka, ikamera, ikabereka zvibereko zvinezana. Zvino wakati ataura zvinhu izvi, akadanidzira \add achiti\add*: Uyo unenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
9
Zvino vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Mufananidzo uyo ungava weiko?
10
Iye akati: Kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe bwaMwari; asi kune vamwe \add zvinozvipiwa\add* mumifananidzo, kuti vachivona varege kuvona; uye vachinzwa varege kunzwisisa.
11
Zvino mufananidzo ndiwoyu; Mbeu ishoko raMwari.
12
Avo vaparutivi rwenzira ndivo vanonzwa, zvino dhiabhorosi unovuya, akabvisa shoko pamoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa.
13
Navaparuware ndivo vaya, vanoti kana vanzwa, vanogamuchira shoko nomufaro; asi havanomudzi, vanongotenda kwechinguvana; asi nenguva yokuidzwa vanowa.
14
Neyakawira pakati pemhinzwa, ndivo vanoti kana vanzwa, zvino vanoenda ndokuvhungwa nokufunganya nefuma, nemafaro oupenyu b\add wuno\add*, vakasasvitsa zvibereko.
15
Asi yomuvhu rakanaka, ndivo avo vakati vanzwa shoko, vano\add ri\add*chengeta mumoyo wakarurama nowakanaka, vachibereka zvibereko nokutsungirira.
16
Hakunomunhu, unoti kana atungidza mwenje, unoufukidzira nomudziyo, kana kuisa pasi pomubhedha; asi unogadzika pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vavone chiedza.
17
Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazobudiswi pachena, kana chakavigwa, chisingazozikamwi nokubuda pachena.
18
Naizvozvo chenjerai, manzwiro amunoita; nokuti aninani unazvo, uchapiwa; uye aninani usina, uchatorerwa kunyange icho chaanoita sounacho.
19
Zvino kwakavuya kwaari mai navanun'una vake, vakasagona kusvika kwaari nekuda kwechaunga.
20
Akavudzwa \add nevamwe\add* vakati: Mai venyu navanun'una venyu vamire panze, vanoda kukuvonai.
21
Asi wakapindura akati kwavari: Mai vangu navanun'una vangu ndivo avo vanonzwa shoko raMwari vachiriita.
22
Zvino zvakaitika nerimwe ramazuva iwayo kuti iye wakapinda muchikepe navadzidzi vake, akati kwavari: Ngatiyambukire kune rumwe rutivi rwegungwa, vakaenda.
23
Zvino vakati vachienda nechikepe, akavata hope, kukavuya dutu guru remhepo pagungwa; vakatanga kuzarirwa \add nemvura\add*, vakava munjodzi.
24
Vakaswedera kwaari vakamumutsa, vachiti: Tenzi, tenzi, Toparara! Ipapo akamuka, akatsiura mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukava nekudzikama.
25
Zvino akati kwavari: Kutenda kwenyu kuripiko? Asi ivo vakatya vakashamiswa, vakataurirana vachiti: Munhu rudziiko uyu, nokuti unoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?
26
Zvino vakasvika nechikepe panyika yavaGadharini, yakatarisana neGariri.
27
Wakati achibudira panyika, akamuchingamidza mumwe murume achibva muguta, wakanga anemweya yakaipa nguva refu, asingapfeki nguvo, asingagari mumba, asi kumarinda.
28
Wakati achivona Jesu, akadanidzira ndokuwira pasi pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndineiko nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokukumbirai, musanditambudza.
29
Nokuti wakanga araira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu; nokuti kazhinji wakanga wamubata uye waikachengetwa akasungwa namaketani nezvisungo; akadambura zvisungo, achitinhirwa kumarenje nomweya wakaipa.
30
Jesu akamubvunza, achiti: Zita rako ndianiko? Akati: ndiRigiyoni; nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari.
31
Ikamukumbirisa zvikuru kuti arege kuiraira kuti iende kwakadzika-dzika.
32
Zvino kwakanga kuripo boka renguruve zhinji raifura mugomo; ikamukumbirisa kuti aitendere kupinda madziri. Akaitendera.
33
Ipapo mweya yakaipa ikabuda kumunhu, ikapinda munguruve; ipapo boka rikapitirikira kumawere richiinda kugungwa, rikabitirirwa.
34
Zvino vai\add dzi\add*fudza vakati vavona zvaitika, vakatiza, vakaenda vakandotaura muguta naparuwa.
35
Zvino vakabuda kundovona zvaitika; vakasvika kunaJesu, vakawana munhu, wakanga abuda mweya yakaipa maari agere patsoka dzaJesu, akapfeka uye ari munhu kwaye; vakatya.
36
Ivovo vakanga va\add zvi\add*vonavo vakavavudza mutovo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa.
37
Zvino chaunga chose chedunhu rakapoteredza vaGadharini chakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vabatwa nokutya kukuru; akapinda muchikepe, akadzokerazve.
38
Asi murume \add uya\add*, wakanga abuda mweya yakaipa maari, wakakumbira kwaari kuti ave naye. Asi Jesu wakamuindisa, achiti:
39
Dzokera kumba kwako, undotaura kukura kwezvinhu zvaitwa naMwari kwauri. Akaenda, akandoparidza muguta rose kuti zvikuru sei Jesu zvaakamuitira.
40
Zvino zvakaitika kuti Jesu wakati adzoka, chaunga chikamugamuchira; nokuti vose vakanga vakamumirira.
41
Zvino tarira, kwakasvika murume, zita rake \add rainzi\add* Jairosi, wakanga ari mutungamiriri wesinagoge, akawira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti apinde mumba make.
42
Nokuti wakanga anomukunda mumwe chete \add we\add*makore anenge gumi namaviri, wakanga otandadza. Zvino wakati achienda, chaunga chikamumbandidzira.
43
Ipapo mumwe mukadzi, waibuda ropa makore anegumi namaviri, wakanga apedzera zvose zvoupenyu bwake kuvarapi, asingarapwi kunyange nemumwe.
44
akavuya mushure \add make\add*, akabata mupendero wenguvo yake; pakarepo kubuda kwake kweropa kukaguma.
45
Jesu akati: Ndiani wandibata? Zvino vose vakati vachiramba, Petro naavo vaiva naye vakati: Tenzi, chaunga chinokumbandidzirai noku\add ku\add*tsikirira\add i\add* zvino moti ndiani wandibata.
46
Asi Jesu wakati: Mumwe wandibata; nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri.
47
Zvino mukadzi wakati achivona kuti haana kuvanzika, akavuya, achibvunda, akawira pasi pamberi pake, akapupura kwaari pamberi pavose kuti wakanga amubata nemhaka yei, uye kuti wakaporeswa pakarepo sei.
48
Zvino akati kwaari: Mukunda, tsunga moyo, kutenda kwako kwakuporesa; enda norugare.
49
Wakati achataura, kwakavuya vamwe, vachibva \add kumba\add* komukuru wesinagoge, achiti kwaari: Mukunda wenyu wafa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.
50
Asi Jesu wakati achinzwa, akamupindura, achiti: Usatya, tenda chete, iye uchaponeswa.
51
Zvino wakati apinda mumba, akasatendera munhu kupinda, kunze kwaPetro, naJohwani, naJakobho, nababa vomusikana, namai.
52
Uye vose vakachichema, vachimuungudzira. asi wakati: Musachema, haana kufa, asi uvete.
53
Vakamuseka nokumhura, vachiziva kuti wafa.
54
Asi wakavabudisira vose panze, akamubata noruvoko, akadana, achiti: Mukunda, muka!
55
Mweya wake ukadzokazve, akamuka pakarepo; akaraira kuti apiwe zvokudya.
56
Zvino vabereki vake vakashamiswa, asi wakavaraira kuti varege kuvudza munhu zvakaitika.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24