bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 22
Luke 22
Shona 2009?
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 23 →
1
Zvino mabiko ezvingwa zvisinembiriso aiswedera, anonzi paseka.
2
Vaprista vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuvuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu.
3
Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi wainzi Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi navaviri.
4
Akaenda, akandorangana navaprista vakuru namachinda, kuti ungamutengesa kwavari sei.
5
Vakafara, vakatenderana kumupa mari.
6
Iye akatenda, akatsvaka nguva yakafanira yokumutengesa nayo kwavari pasina chaunga.
7
Zvino zuva rezvingwa zvisinembiriso rakati rasvika, raifanira kubayiwa paseka naro.
8
akatuma Petro naJohwani, achiti: Endai mundotigadzirira paseka, kuti tidye.
9
Zvino vakati kwaari: Munoda kuti tigadzirirepiko?
10
Akati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu uchasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye mumba maanopinda.
11
Muti kumwene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yavaeni iripiko, mandingadyira paseka navadzidzi vangu?
12
Uchakuratidzai imba huru yokumusoro yakarongedzwa; gadzirai ipapo.
13
Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza; vakagadzira paseka.
14
Zvino nguva yakati yasvika, akagara pasi navapositora vanegumi navaviri vanaye.
15
Akati kwavari: Nechishuvo ndakashuva zvikuru kudya paseka iyi nemwi ndisati ndatambudzika.
16
Nokuti ndinoti kwamuri: Handichazoidyizve, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari.
17
Zvino akatora mukombe; akavonga, akati: Torai ichi, mugovane pakati penyu.
18
Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongomwizve zvibereko zvomuzambiringa, kusvikira ushe bwaMwari bwasvika.
19
Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti: uyu muviri wangu, unopiwemwi; itai izvi muchindirangarira.
20
Saizvozvovo mukombe vapedza kurayira, achiti: Mukombe uyu, sungano itsva muropa rangu, rinotevurirwa imwi.
21
Asi tarirai, ruvoko rwaiye unondipandukira runeni patafura.
22
Zvino zvirokwazvo mwanakomana womunhu unoenda hake sezvazvakatemwa; asi vurombo kumunhu uyo waanotengeswa naye!
23
Ipapo vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti ndianiko pavari uchaita chinhu ichi.
24
Zvino nharo dzakamukavo pakati pavo \add kuti\add* ndiani kwavari uchaverengwa somukuru.
25
Akati kwavari: Madzimambo avahedheni anotonga pamusoro pavo, navanoratidza simba pamusoro pavo vanonzi vabatsiri.
26
Zvino imwi zvisadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiriri somushandiri.
27
Nokuti ndianiko mukuru, uyo ugere pakudya kana unoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshandira.
28
Imwi ndimwi makagara neni pamiidzo yangu.
29
Ndinokugoverai ushe, saBaba vangu vakandisarudza.
30
kuti mugodya nokumwa patafura yangu muushe bwangu, mugare pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi anegumi namaviri avaIsraeri.
31
Ishe akati: Simoni! Simoni! Tarira Satani wakakumbira kuti a\add ku\add*zungure iwe sezviyo;
32
asi ini ndakunyengeterera iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendevuka, usimbise hama dzako.
33
Asi wakati kwaari: Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemwi mutirongo, kunyange kurufu.
34
Asi iye wakati: Ndinokuvudza, Petro, jongwe haringariri nhasi usati waramba katatu kuti unondiziva.
35
Zvino akati kwavari: Pandakakutumai, musinechikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.
36
Zvino akati kwavari: Asi zvino, unechikwama, ngaatore, saizvozvovo unehombodo; neusina, ngaatengese nguvo yake atenge munondo.
37
Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvinofanira kuzadziswa kwandiri, \add zvinoti\add*: Wakaverengwa pamwe chete navadariki vomurairo; nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvine mugumo.
38
Ipapo vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.
39
Zvino wakabuda, akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; navadzidzi vakevo vakamutevera.
40
Wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pakuidzwa.
41
Akabva kwavari, chinhambwe chingasvika ibwe kana rikaposherwa; akafugama akanyengetera,
42
achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; Asi zvirokwazvo kusava kuda kwangu, asi kwenyu ngakuitwe.
43
Ipapo kwakavonekwa mutumwa kwaari, wakabva kudenga achimusimbisa.
44
Zvino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadomwe makuru eropa achidonhera pasi.
45
Zvino wakati asimuka pakunyengetera, akaenda kuvadzidzi vake, akavawana vavata neshungu.
46
Akati kwavari: Mavatireiko? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pakuidzwa.
47
Wakati achataura, tarira, chaunga naiye wainzi Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, akavatungamirira, akaswedera kunaJesu, kuti amusvete.
48
Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana womunhu nokusveta here?
49
Zvino vaiva vakamukomba vakati vachivona zvaizoitika, vakati kwaari: Ishe, totema nemunondo here?
50
Ipapo mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yorudyi.
51
Jesu akapindura akati: Regai zvisvike ipapo. Akabata nzeve yake, akamuporesa.
52
Zvino Jesu akati kuvaprista vakuru namachinda etembere, navakuru vakanga vavuya kwaari: Mabuda neminondo netsvimbo semunorwisa gororo here?
53
Ini ndaiva nemwi mutembere mazuva ose, mukasatandavadzira ruvoko kwandiri; asi zvino inguva yenyu, nesimba rerima.
54
Zvino vakamutora, vakaenda naye, vakandomuisa kumba komuprista mukuru. Petro akatevera ari kure.
55
Vakati vavesa moto pakati pebiravira, vakagara pasi pamwechete, Petro akagara pasi pakati pavo.
56
Zvino mumwe murandakadzi wakamuvona agere pamoto akamutarisisa, akati: Uyu munhuvo wakanga anaye.
57
Asi iye wakaramba, achiti: Mukadzi, handimuzivi.
58
Shure kwechinguvana, mumwezve akamuvona, akati: Iwevo uri mumwe wavo. Petro akati: Murume, handizini.
59
Nguva inenge seora rimwe yakati yapfuvura, mumwezve akasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyu wakanga anayevo; nokuti muGariri.
60
Petro akati: Murume, handizivi zvaunoreva. Pakarepo, achataura jongwe rikarira.
61
Ipapo Ishe akatendevuka akatarira Petro. Petro akarangarira shoko raShe, kuti akamuvudza sei, \add achiti\add*: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
62
Petro akabuda, akachema zvikuru.
63
Varume vakanga vabata Jesu, vakamusweveredza, noku\add mu\add*rova.
64
Vakati vamuvhara kumeso, vakamurova kumeso, vakamubvunza, vachiti: Profita! Ndiani wakurova?
65
Nezvimwe zvizhinji vakareva kwaari, vachimunyomba.
66
Zvino kwakati kwaedza, vakuru vavanhu navaprista vakuru navanyori vakavungana, vakamuisa kumakurukota avo vachiti:
67
Kana uri Kristu, tivudze. Akati kwavari: Kana ndikakuvudzai, hamungatendi;
68
uye kana ndikabvunza, hamungandipinduri kana ku\add ndi\add*sunungura.
69
Kubva zvino Mwanakomana womunhu uchagara kurudyi rwesimba rwaMwari.
70
Ipapo vose vakati: Saka uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye akati kwavari: Mareva kuti ndini iye.
71
Ivo vakati: Tichadireiko vuchapupu? Nokuti isu timene tazvinzwira pamuromo wake.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24