bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 23
Luke 23
Shona 2009?
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
1
Zvino chaunga chavo chose chikasimuka, vakamutungamirira kuna Pirato.
2
Zvino vakatanga kumupomera mhosva, vachiti: Takawana uyu achitsausa rudzi, achidzivisa kupa mutera kuna Kesari; achiti iye pachake ndiKristu Mambo.
3
Ipapo Pirato akamubvunza achiti: Ko uri Mambo wavaJudha here? Akamupindura, akati: Unoreva iwe.
4
Zvino Pirato akati kuvaprista vakuru nechaunga: Handiwani mhosva kumunhu uyu.
5
Ivo vakanyanya kusimbisa, vachiti: Unomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhiya rose, achitanga paGariri kusvikira pano.
6
Pirato wakati anzwa zveGariri, akabvunza kana munhu uyu ari muGariri.
7
Akangoti anzwa kuti ndoweushe bwaHerodhe, akamutumira kunaHerodhe, iye wakanga ari muJerusarema amene pamazuva iwayo.
8
Zvino Herodhe wakati achivona Jesu akafara kwazvo-kwazvo; nokuti waishuva kumuvona kwe\add nguva\add* refu, nokuti wakanga anzwa zvinhu zvizhinji pamusoro pake; akatarisira kuti uchavona chimwe chiratidzo chingaitwa naye.
9
Akamubvunza namashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
10
Zvino vaprista vakuru navanyori vakamira vakamupomera mhosva zvine simba.
11
NaHerodhe navarwi vake vakamuzvidza, nokusweveredza; vakazomupfekedza, nguvo dzinobwinya, vakamudzosera kunaPirato.
12
Nomusi iwoyo Pirato naHerodhe vakava shamwari; nokuti paimbova neruvengo pakati pavo.
13
Zvino Pirato wakati adanira pamwechete vaprista vakuru navatongi navanhu.
14
akati kwavari: Mavuya nomunhu uyu kwandiri sounotsausa vanhu; zvino tarirai ini ndabvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana mumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera;
15
kwete, kunyange naHerodhevo; nokuti ndinokutumaizve kwaari; zvino tarirai, hapana chakafanira rufu chakaitwa naye.
16
Naizvozvo ndichamurova ndigo\add mu\add*sunungura.
17
Nokuti waifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo.
18
Asi vose vakadanidzira pamwe chete vachiti: Kure nouyu, mutisunungurire Bharabhasi!
19
Iye wakanga akandirwa mutirongo nemhaka yerimwe bope rakanga ramutswa muguta, nokuvuraya.
20
Zvino Pirato achida kusunungura Jesu, akataurazve kwavari.
21
Asi ivo vakadanidzira, vachiti: Rovera, murovere!
22
Akati kwavari rwechitatu: Nemhaka yei, waita chakaipa chipiko? Handina kuwana mhosva yorufu maari; naizvozvo ndichamurova ndigo\add mu\add*sunungura.
23
Asi ivo vakasimbisa namanzwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe. Manzwi avo naavaprista vakuru akakunda.
24
Zvino Pirato akapa mutongo kuti zviitwe sezvavakakumbira;
25
akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakanga akandwa mutirongo nemhaka yebope neyokuvuraya; akakumikidza Jesu kuzvodo zvavo.
26
Zvino vakati vachienda naye, vakabata mumwe, \add wainzi\add* Simoni muKurini, achibva kuruwa vakaisa muchinjikwa pamusoro pake, kuti atakure shure kwaJesu.
27
Akateverwa nechaunga chikuru, navakadzi vaimuririravo nokumuchema.
28
Asi Jesu wakatendevukira kwavari, akati: Vakunda veJerusarema, musachema ini, asi muzvicheme imwi navana venyu;
29
nokuti tarirai, mazuva anovuya avachati nawo: Dzakaropafadzwa mhanje, nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kutongomwisa.
30
Zvino vachatanga kuti kumakomo: Wirai pamusoro pedu; nokuzvikomo: Tifukidzei.
31
Nokuti kana vachiita zvinhu izvi kumuti munyoro, zvinyi zvichaitwa kunowakawoma?
32
Zvino kwakanga kuna vamwe vaiti vezvakaipa vavirivo, kuti vavurawe pamwe chete naye.
33
Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi Dehenya, ipapo vakamurovera navaiti vezvakaipa mumwe kuruoko rworudyi nomumwe kuruboshwe.
34
Ipapo Jesu akati: Baba, vakangamwirei, nokuti havazivi chavanoita. Vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya.
35
Vanhu vakamira, vakatarira. Navatongivo pamwechete navo vaka\add mu\add*sweveredza, vachiti: Wakaponesa vamwe; ngaazviponese; kana ari Kristu, musanangurwa waMwari.
36
Navarwivo vakamusweveredza, vakavuya \add kwaari\add* vakamupa vhiniga,
37
vachiti: Kana uri Mambo wavaJudha, zviponese.
38
Zvino; kwakanga kuno rugwarovo rwakanyorwa pamusoro pake namavara echiGiriki nechiRoma nechiHebheru, \add rwaiti\add*: UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.
39
Zvino mumwe wavaiti vezvakaipa vakanga vakaremberedzwa wakamutuka achiti: Kana uri Kristu, zviponese iwe nesu.
40
Mumwe akapindura, akamutsiura, achiti: Iwe hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe?
41
Isu zvirokwazvo zvakatiruramira, nokuti isu tinogamuchira mubairo wemabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.
42
Zvino akati kuna Jesu: Ishe mundirangarire kana masvika muushe bwenyu.
43
Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi uchava neni muParadhiso.
44
Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; kukavapo rima panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe.
45
Zuva rikasvibiswa, vheiri retembere rikabvaruka napakati.
46
Zvino Jesu wakati adanidzira nenzwi guru, akati: Baba, mumavoko enyu ndinokumikidza mweya wangu; akati areva izvozvo, akapa mweya.
47
Ipapo mukuru wezana wakati avona zvakaitika, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo uyu wakanga ari munhu wakarurama.
48
Vazhinji vose vakanga vakavungana kuzovona izvozvo, vakati vachivona zvakaitika, vakadzoka vachirova zvifuva zvavo.
49
Navazikanwi vake vose, navakadzi vaimutevera vachibva Gariri, vakamira kure, vachivona zvinhu izvozvi.
50
Zvino tarira, murume wainzi Josefa, gurukota, murume wakanaka wakarurama;
51
iye wakanga asina kutenderana navo pakurangana nokuita kwavo; \add waiva\add* weArimatia, guta ravaJudha, iyevo wakanga achimirira ushe bwaMwari;
52
iye wakaenda kunaPirato akandokumbira mutumbi waJesu,
53
akauburusa, akauputira nerineni yakapfava, akauradzika mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu.
54
Zvino waiva musi wokugadzirira, sabata roswedera.
55
Navakadzivo, vakanga vavuya naye vachibva Gariri, vakatevera mumashure, vakavona bwiro, nomuisirwe womutumbi wake.
56
Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuhwira nezvizoro vakazorora nesabata sezvinoreva murairo.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24