bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 19
Luke 19
Shona 2009?
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
1
Zvino \add Jesu\add* wakapinda, akapfuvura nemuJeriko.
2
Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakanga ari mukuru pavateresi, uye waiva mufumi;
3
wakatsvaka kuvona Jesu, kuti ndiyani; asi wakanga asingagoni nokutsikirirwa, nokuti wakanga akafupika pachimiro.
4
Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuti womuvonde kuti amuvone, nokuti wakanga achizopfuvura napo.
5
Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, akatarira mudenga, akamuvona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.
6
Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara.
7
Zvino vakati va\add zvi\add*vona, vose vakan'un'una, vachiti: Unondova mweni womunhu mutadzi.
8
Ipapo Zakewu akamira, akati kunaShe: Tarirai, hafu yefuma yangu, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune mumwe munhu nokunyengera, ndinodzosera runa.
9
Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nokuti naiyevo mwanakomana waAbhurahamu.
10
Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.
11
Vakati vachanzwa zvinhu izvozvi, akawedzera akataura mufananidzo, nokuti wakanga ava pedo neJerusarema, uye nokuti vaifunga kuti ushe bwaMwari bwobva bwovonekwa pakarepo.
12
Naizvozvo wakati: Mumwe munhu unembiri wakaenda kunyika iri kure, kuti andopiwa ushe agodzoka.
13
Akadana varanda vake vanegumi, akavapa pondo dzinegumi, akati kwavari: Bhindaukai kusvikira ndichivuya.
14
Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge.
15
Zvino zvakaitika kuti adzoka apiwa ushe, akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawana zvakadini nokushambadzira kwake.
16
Wokutanga akasvika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzinegumizve.
17
Akati kwaari: Zvakanaka, uri muranda wakanaka; nokuti wakanga wakatendeka pazviduku-duku, uve nesimba pamaguta anegumi.
18
Wechipiri akasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yakawedzera pondo shanu.
19
Akati kwaarivo: Newe, uvevo pamusoro pemaguta mashanu.
20
Zvino mumwe akasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakanga ndachengeta mumucheka;
21
nokuti ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu wakawoma munotora zvamusakaisapo, muchicheka zvamusakadzvara.
22
Zvino akati kwaari: Ndichakutonga \add nezvino\add*buda mumuromo mako, muranda wakaipa. Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu unehasha, ndichitora zvandisakaisa, nokucheka zvandisakadzvara;
23
naizvozvo wakaregereiko kuisa mari yangu mubhanga, kuti pakuvuya kwangu, ndigozoitora yava nemubairo.
24
Ipapo akati kunavakanga vamirepo: Mutorerei pondo mupe unepondo dzinegumi.
25
Vakati kwaari: Ishe, wava nepondo dzinegumi.
26
Nokuti ndinoti kwamuri: Wose unazvo uchapiwa; asi uyo usina, uchatorerwa nezvaanazvo.
27
Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndivatonge, vuyai navo pano, mu\add va\add*vuraye pamberi pangu.
28
Wakati areva izvozvi, akatungamira mberi, achikwira Jerusarema.
29
Zvino zvakaitika paaiswedera Bhetifage neBhetaniya, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri,
30
achiti: Endai mumusha wakatarisana \add nemwi\add*; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina kumbotaswa nomunhu; murisunungure, mugo\add ri\add*vuyisa.
31
Kana mumwe munhu akakubvunzai \add achiti\add*: Muno\add ri\add*sunungurireiko? Muchataura kwaari kudai: Ishe unorida.
32
Avo vakatumwa vakaenda vakandowana sezvaakanga ataura kwavari.
33
Zvino vakati vachisunungura dhongwana, vene varo vakati kwavari: Munosunungurireiko dhongwana?
34
Ivo vakati: Ishe unorida.
35
Vakavuya naro kuna Jesu; vakakanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri.
36
Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.
37
Zvino wakati oswedera pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chevadzidzi vake chose chikatanga kufara nokurumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vavona.
38
vachiti: Wakaropafadzwa mambo unovuya muzita raShe; rugare kudenga, nokubwinya kumuso-soro.
39
Vamwe vaFarisi kubva pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.
40
Akapindura akati kwavari: Ndinokuvudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira pakarepo.
41
Zvino wakati aswedera pedo, akavona guta, akachema pamusoro paro,
42
achiti: Dai waiziva iwe zuva rako rino zvinhu zvorugare rwako, asi zvino zvakavanzirwa meso ako!
43
Nokuti mazuva achakusvikira, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukudzvinyidzira pamativi ose,
44
vachakuwisira pasi iwe navana vako mukati mako; havangasii mukati mako ibwe rimwe pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.
45
Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakanga vachitengesamo navaitenga,
46
achiti kwavari: Kwakanyorwa \add kuti\add* imba yangu imba yokunyengetera; asi imwi makaiita bako ramakororo.
47
Waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vaprista vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuparadza.
48
Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira vachimunzwa.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24