bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 13
Luke 13
Shona 2009?
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
1
Nenguva iyo kwakanga kune vamwe vakamuvudza zvavaGariri, ropa ravo Pirato raakanga avhenganisa nezvibayiro zvavo.
2
Jesu achipindura akati kwavari: Munofunga kuti vaGariri avo vakanga vari vatadzi here kupfuvura vaGariri vose, zvavakatambudzika zvinhu zvakadai?
3
Kwete; ndinoti kwamuri: Asi kana musingatendevuki, nemwi mose muchaparara saizvozvo.
4
Kana vaya vanegumi navasere, vakawirwa nerusvingo muSiroami, rwukavavuraya, munoti vakanga vari vatadzi kukunda vanhu vose vaigara Jerusarema here?
5
Kwete; ndinoti kwamuri: Asi kana musingatendevuki, imwi mose muchaparara saizvozvo.
6
Zvino wakatauravo mufananidzo uyu \add akati\add*: Mumwe wakanga anomuvonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akasvika achitsvaka zvibereko kwauri, asi akashaiwa.
7
Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiringa: Tarira, kwamakore matatu aya ndakavuya ndichitsvaka zvibereko pamuvonde uyu, ndikashaiwa; utemere pasi, unovurayireiko ivhu?
8
Iye achipindura akati kwaari: Ishe, muregei henyu wakadaro nhakavo, kusvikira ndichiutimbira, nokuuisa mupfudze;
9
zvino kana ukazobereka zvibereko, \add zvakanaka\add*; asi kana usinga\add daro\add*, shure kwaizvozvo mungazoutema henyu.
10
Zvino iye wakanga achidzidzisa mune rimwe ramasinagoge nesabata;
11
zvino tarira, kwaivapo mukadzi waiva nomweya wovundonda makore anegumi namasere, wakanga akawonyana, asingatongogoni kana kutasamuka.
12
Zvino Jesu wakati achimuvona, aka\add mu\add*danira kwaari, akati kwaari: Mukadzi, wasunungurwa pavundonda bwako.
13
Akaisa mavoko pamusoro pake; pakarepo akatasanudzwa, akarumbidza Mwari.
14
Asi mutungamiriri wesinagoge akapindura nokutsamwa nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesabata, akati kuchaunga: Pane mazuva matanhatu, anofanira kubatwa nawo; vuyai naiwayo muporeswe; asi kwete nomusi wesabata.
15
Asi Ishe wakamupindura, akati: Munyengeri, Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri nzombe yake kana mbongoro pachidyiro nomusi wesabata, akaendesa kundoimwisa here?
16
Zvino uyu, ari mukunda waAbhurahamu, wakanga akasungwa naSatani, tarira, makore anegumi namasere, haazaifanira kusunungurwa pausungwa ubwu nomusi wesabata here?
17
Zvino wakati areva zvinhu izvozvi, vavengi vake vose vakanyadziswa; asi chaunga chose chakafara nezvinhu zvose zvinorumbidwa zvakaitwa naye.
18
Zvino iye akati: Ushe bwaMwari bwakafanana neiko? Ndichabwufananidza nei?
19
Bwakafanana netsanga yembeu yemasitadha, yakatorwa nomunhu akaikanda mubindu rake; ikakura, ikaita muti mukuru, neshiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo.
20
Akatizve: Ndichabwufananidza neiko ushe bwaMwari?
21
Bwakafanana nembiriso, yakatorwa nomukadzi akaiviga muzviyero zvitatu zvovupfu, kusvikira bwose bwaviriswa.
22
Zvino wakafamba achipfuvura nomumaguta nemisha achidzidzisa, achienda Jerusarema.
23
Ipapo mumwe akati kwaari: Ishe, vachazoponeswa vashoma here? Akati kwavari:
24
Rwisai kupinda nesuvo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.
25
Panguva iyo kana mwene weimba asimuka avhara suvo, imwi mukatanga kumira kunze nokugogodza pasuvo, muchiti: Ishe, Ishe, Tizarurirei; iye agopindura achiti kwamuri: Handikuziviyi imwi kwamunobva.
26
Zvino muchatanga kuti: Taidya, nokumwa pamberi penyu, uye imwi makadzidzisa panzira dzokwedu.
27
Asi iye uchati: Ndinokuvudzai: Handikuziviyi kwamunobva; ibvai kwandiri, imwi mose vaiti vezvakaipa.
28
Apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno, kana muchivona Abhurahamu naIsaka naJakobho navaporofita vose muushe bwaMwari, asi imwi marasirwa kunze.
29
Zvino vachabva mabvazuva namavirira, uye kumaodzanyemba nechamhembe, vachagara muushe bwaMwari.
30
Zvino tarirai, varipo vokupedzisira vachava vokutanga, uye varipo vokutanga vachava vokupedzisira.
31
Nezuva iroro kwakasvika vamwe vaFarisi, vachiti kwaari: Budai mubve pano, nokuti Herodhe unoda kukuvurayai.
32
Akati kwavari: Endai, mundovudza mhungubwe iyo, \add muti\add*: Tarira, ndinobudisa mweya yakaipa nokuporesa nhasi namangwana, neretatu ndinopedziswa.
33
Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana nezuva rinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita apararire kunze kweJerusarema.
34
Haiwa Jerusarema, Jerusarema, unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako pamwechete semhambo hukwana dzayo pasi mamapapiro, asi mukaramba
35
Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamuchazondivoni, kusvikira muchiti: Ngaarumbidzwe iye unovuya nezita raShe!
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24