bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Luke 5
Luke 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 6 →
1
Zvino zvakaitika kuti vanhu vazhinji vakati vachimumbandidzira kuti vanzwe shoko raMwari, iye akamira parutivi rwegungwa reGenesareta;
2
akavona zvikepe zviviri zvimire parutivi rwegungwa; asi vabati vehove vakanga vabuda mazviri vachisuka mimbure.
3
Akapinda mune chimwe chikepe chaiva chaSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo zvishoma. Zvino akagara, akadzidzisa chaunga ari muchikepe.
4
Wakati apedza kutaura, akati kunaSimoni: Pinda kwakadzika ukande mimbure yenyu kuti ubate.
5
Simoni akapindura, akati kwaari: Tenzi, tabhindauka vusiku hwose, tikasabata chinhu, asi zvamadaro imwi, ndichadzikisa mumbure.
6
Vakati vaita izvozvo, vakakomba dutu rehove zhinji; mimbure yavo ikange yobvaruka.
7
Vakaninira vamwe \add vavo\add* vakanga vari mune chimwe chikepe, kuti vauye kuzovabatsira; vakavuya vakazadza zvikepe zvose zviri zviviri, zvokuti zvakatanga kunyura.
8
Zvino Simoni Petro wakati achivona, akawira pasi pamabvi aJesu, akati: Ibvai kwandiri, Ishe, nokuti ndiri munhu mutadzi.
9
Nokuti wakanga abatwa nokushamiswa, iye navose vaakanga anavo nokubatwa kwehove dzavakanga vabata;
10
saizvozvovo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebedhi, vaiva pamwechete naSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni: Usatya, kubva zvino uchabata vanhu.
11
Zvino, vakati vaisa zvikepe kunyika, vakasiya zvose vakamutevera.
12
Zvino zvakaitika, ari kune rimwe guta, tarira, murume wakanga azere maperembudzi; wakati achivona Jesu akawa nechiso, ndokumukumbira, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
13
Ipapo akatambanudza ruvoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
14
Akamuraira kuti asavudza munhu; \add akati\add*: Asi enda undozviratidza kumuprista, ubayire pamusoro pakunatswa kwako, sezvakarairwa naMozisi, chive chapupu kwavari.
15
Asi mukurumbira wake wakanyanya kupararira kose; zvaunga zvikuru zvakavungana kuzomunzwa, nokuporeswa naye matenda avo.
16
Asi iye waienda kunzvimbo dzerenje achinnoyengetera.
17
Zvino zvakaitika nerimwe ramazuva, iye wakanga achidzidzisa; zvino vaFarisi navadzidzisi vomurairo vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGariri neJudhiya neJerusarema; nesimba raShe rakanga riri\add po\add* kuvaporesa.
18
Zvino tarira, varume vakanga vakatakura munhu panhovo wakanga akawoma mitezo; vakatsvaka kumupinza vamuise pamberi pake.
19
Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo, nokuda kwechaunga, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhovo \add yake\add*, pamapfuriro pakati pamberi paJesu.
20
Iye wakati avona kutenda kwavo, akati kwaari: Murume, zvivi zvako wazvikangamwirwa.
21
Zvino vanyori navaFarisi vakatanga kufunga, vachiti: Ndianiko uyu unotaura achimhura Mwari? Ndianiko ungakangamwira zvivi, kunze kwaMwari oga?
22
Zvino Jesu, paakaziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungeiko mumoyo yenyu?
23
Chinyiko chakareruka, kuti: Zvivi zvako wazviregererwa; kana kuti: Simuka, ufambe?
24
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokuregerera zvivi, (akati kunowairwara nokuwoma mitezo) Ndinoti kwauri: Simuka, utore nhovo yako, uende kumba kwako.
25
Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora chaakanga avete pamusoro pacho, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari.
26
Kushamisika kukabata vose, vakarumbidza Mwari, vakazadzwa nokutya, vachiti: Tavona chisivonekwe nhasi.
27
Zvino shure kwaizvozvo wakabuda, akavona muteresi, nezita \add wainzi\add* Revhi, agere paimba inotererwa, akati kwaari: Nditevere.
28
Iye akasiya zvose, akasimuka akamutevera.
29
Revhi akamuitira mutambo mukuru mumba make; kukavapo chaunga chikuru chavateresi navamwe vakanga vanavo pakudya.
30
Asi vanyori vavo navaFarisi vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Nemhaka yei muchidya nokumwa navateresi navatadzi?
31
Jesu akapindura akati kwavari: Vasingarwari havatsvaki murapi, asi avo vanorwara.
32
Handina kuvuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi, vauye mukutendevuka.
33
Zvino vakati kwaari: Nemhaka yei vadzidzi vaJohwani vachitsanya kazhinji, vachiita minyengetero, navavaFarisi vanodarovo, asi venyu vanodya nokumwa.
34
Asi wakati kwavari: Mungatsanyisa vana veimba yomuchato chikomba chiri kwavari here?
35
Asi mazuva achasvika, apo chikomba chichabviswa kwavari, zvino ipapo vachatsanya namazuva iwayo.
36
Akatauravo mufananidzo kwavari, \add akati\add*: Hakunomunhu unoisa chigamba chitsva panguvo sharu; kana zvakadaro naichovo chitsva chinobvarura, nechigamba chakabva \add panguvo\add* itsva hachipindirani nechisharu.
37
Uye hakunomunhu unodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvakadaro, waini itsva ichaparusa hombodo, ikatevuka, uye nehombodo dzikaparara.
38
Asi waini itsva inofanira kuiswa muhombodo itsva zvose zvichengetedzeke.
39
Uye hakuna munhu unoti kana amwa \add waini\add* sharu, pakarepo akashuva itsva; nokuti unoti: Sharu iri nani.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24