bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 18
Genesis 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 19 →
1
Ɀino Jehova wakaɀiratidza kwaari pamiti yemiouki yeMamre, agere pamukoʋa wetente masikati zuʋa ricipisa;
2
akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona ʋarume ʋatatu ʋamire ʋakatarisana naye; wakati aciʋaʋona, akabva pamukoʋa wetente, akamhanya kundosoŋgana naʋo, akakotamira pasi,
3
akati: Ishe waŋgu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuʋura henyu pamuranda wenyu.
4
Ŋgaʋaʋuye nemvura shomanene, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti;
5
ini nditore cimeɗu ceciŋgwa, musimbise mŋoyo yenyu; mugozopfuʋura henyu, nokuti ndiɀo ɀamaʋuyira kumuranda wenyu. Iʋo ʋakati: Ita hako seɀawataura.
6
Abrahama akakurumidza kupinda mutente kunaSara, akati: Kurumidza ugadzire ɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu bgakatsetseka, ukanye, uɓike ɀiŋgwa ɀiɗuku.
7
Naiye Abrahama akamhanyira kuŋombe, akatora mhuru inenyama yakapfaʋa, yakanaka, akapa muranda wake; iye akakurumidza kuigadzira.
8
Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakaŋga agadzira, akaɀiisa pamberi paʋo; akamira naʋo munyasi momuti, ʋakadya.
9
Iʋo ʋakati kwaari: Sara, mukadzi wako, uripiko Iye akati: Tarirai, uri mutente.
10
Iye akati: Ɀirokwaɀo, kana gore rapfuʋura, ndicaʋuya ɀe kwauri; neŋguʋa iyo Sara, mukadzi wako, ucaʋa nomŋanakomana. Ɀino Sara wakaŋga aciterera ari pamukoʋa wetente shure kwake.
11
Ɀino Abrahama naSara ʋakaŋga ʋakwegura, ʋaʋa namakore mazhinji; nomutoʋo waʋakadzi wakaŋga watoguma kunaSara.
12
Sara akaseka mumŋoyo make, akati: Ini ndiŋgaɀifarira here ɀandacembera, naiye tenzi waŋgu akwegura ʋo?
13
Jehova akati kunaAbrahama: Sara wasekereiko, aciti: Ko ini mucembere ndicaɓereka mŋana ɀirokwaɀo here?
14
Kunecinhu ciŋgakunda Jehova here? Ŋguʋa ino, gore rapfuʋura, ndicadzokera kwauri; Sara ucaʋa nomŋanakomana.
15
Asi Sara wakaramba, aciti: Handina‐kuseka; nokuti wakaŋga acitya. Iye akati: Kwete, waseka hako.
16
Ɀino ʋaya ʋarume ʋakasimuka, ʋakabva ipapo, ʋakatarira Sodoma; Abrahama akaenda naʋo aciʋaperekedza.
17
Ɀino Jehova akati: Ndicaʋanzira Abrahama ɀandinoita here?
18
Abrahama ɀaacaʋa rudzi rukuru runesimba, nendudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa maari?
19
Nokuti ndakamutsaura, kuti araire ʋana ʋake naʋeimba yake ʋanomuteʋera, kuti ʋaceŋgete nzira yaJehova, ʋaite ɀakarurama neɀakanaka; kuti Jehova aʋuyise pamsoro paAbrahama iɀo ɀaakataura pamsoro pake.
20
Ipapo Jehova akati: Kuɗanidzira kweSodoma neGomora kukuru kwaɀo; ɀirokwaɀo ɀiʋi ɀaʋo ɀakaipa kwaɀo;
21
ndicaɓuruka ɀino kuti ndiʋone iɀo ɀaʋaita, kana ɀakafanana nokuɗanidzira kwaʋo kwakaȿika kwandiri; kana ɀisina‐kuɗaro, ndicaɀiziʋa.
22
Ɀino ʋaya ʋarume ʋakabva, ʋakaenda Sodoma; asi Abrahama wakaramba amire pamberi paJehova.
23
Ɀino Abrahama wakasweɗera, akati: Mucaparadza ʋakarurama pamŋe cete naʋakaipa here?
24
Ɀimŋe ʋaŋgaʋa’po ʋakarurama ʋanamakumi mashanu muguta; mucaparadza nɀimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuɗa kwaʋakarurama ʋanamakumi mashanu ʋari’mo here?
25
Ŋgaɀiʋe kure nemi kuita kuɗaro, kuʋuraya ʋakarurama pamŋe cete naʋakaipa, kuti ʋakarurama ʋaʋe saʋakaipa; ŋgaɀiʋe kure nemi; Mutoŋgi wenyika yose haaŋgaiti ɀakarurama here?
26
Ipapo Jehova akati: Kana ndikawana muSodoma ʋakarurama ʋanamakumi mashanu mukati meguta, ndicanzwira nɀimbo yose tsitsi nokuɗa kwaʋo.
27
Abrahama akapindura, akati: Tarirai ɀino, ndatsuŋga kutaura naJehova, ini guruʋa neɗota haŋgu;
28
ɀimŋe kucashaikwa ʋashanu kuʋakarurama ʋanamakumi mashanu; muŋgaparadza guta rose kana ʋashanu ʋashaikwa here? Akati: Handiŋgariparadzi, kana ndikawana’mo makumi manna naʋashanu.
29
Akataura ɀe naye, akati: Ɀimŋe kucawanikwa’mo makumi manna. Akati: Handiŋgaɀiiti nokuɗa kwamakumi manna.
30
Akati: Jehova ŋgaarege hake kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe: Ɀimŋe ʋanamakumi matatu ʋacawanikwa’mo. Akati: Handiŋgaɀiiti, kana ndikawana makumi matatu.
31
Akati: Tarirai, ndatsuŋga kutaura naJehova; ɀimŋe ʋanamakumi maʋiri ʋacawanikwa’mo. Akati: Handiŋgariparadzi nokuɗa kwamakumi maʋiri.
32
Akati: Jehova ŋgaarege hake kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe kamŋe cete; ɀimŋe ʋanegumi rimŋe cete ʋangawanikwa’mo. Akati: Handiŋgariparadzi nokuɗa kwaiʋaʋo ʋanegumi.
33
Ipapo Jehova akabva, apedza kutaura naAbrahama; naAbrahama wakadzokera kumba kwake.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→