bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 26
Genesis 26
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 27 →
1
Ɀino nzara yakaŋga iri’po panyika; isati iri nzara yakaŋga iri’po pamazuʋa aAbrahama. Isaka akaenda Gerari kunaAbimereki, mambo waʋaFiristia.
2
Jehova akaɀiratidza ɀe kwaari, akati: Usaɓurukira Egipita; gara munyika yandakakuʋudza;
3
gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndicaʋa newe, ndicakuropafadza; nokuti ndicakupa iwe, naʋana ʋako, nyika idzi dzose; ndicasimbisa mhiko yandakapikira Abrahama, ɓaɓa ʋako;
4
ndicawanza ʋana ʋako senyeredzi dzeɗeŋga; ndudzi dzose dzenyika dzicaropafadzwa muʋana ʋako;
5
nokuti Abrahama wakaterera inzwi raŋgu, akaceŋgeta ɀandakamuraira, nemirairo yaŋgu, nemitemo yaŋgu, nemirau yaŋgu.
6
Isaka akagara Gerari;
7
ʋanhu ʋenyika iyo ʋakamubvunza pamsoro pomukadzi wake, akati: Ihanɀadzi yaŋgu; nokuti wakaŋga acitya kuti, mukadzi waŋgu, aciti: Ɀimŋe ʋanhu ʋenyika ino ʋaŋgandiʋuraya nokuɗa kwaRebeka; nokuti wakaŋga akanaka kumeso.
8
Ɀino wakati aʋa’po ŋguʋa refu, Abimereki, mambo waʋaFiristia, wakatarira napawindi, akaʋona Isaka acitamba naRebeka, mukadzi wake.
9
Ipapo Abimereki akaɗana Isaka, akati: Tarira, ɀirokwaɀo mukadzi wako; wakataura seiko uciti, ihanɀadzi yaŋgu — Isaka akati kwaari: Nokuti ndakati: Ɀimŋe ndiŋgafa nokuɗa kwake.
10
Abimereki akati kwaari: Ndokuɗiniko kuti watiitira cinhu ici — Ƌai mumŋe waʋanhu aiʋata nomukadzi wako, uŋgaɗai watiisa pamhoȿa.
11
Abimereki akaraira ʋanhu ʋose, akati: Unoɓata munhu uyu kana mukadzi wake, ucaʋurawa ɀirokwaɀo.
12
Ɀino Isaka wakadɀara ɀiyo munyika iyo, akawana gore iro runezana; Jehova akamuropafadza.
13
Munhu uyu akaʋa mukuru, akaramba aciwedzerwa, kuȿikira waʋa mukuru kwaɀo;
14
wakaŋga anefuma yamakwai, neyeŋombe, nemhuri huru; ʋaFiristia ʋakamugoɗora.
15
ƲaFiristia ʋakadziʋira matsime ose akaŋga acerwa naʋaranda ʋaɓaɓa ʋake pamazuʋa aɓaɓa ʋake Abrahama, ʋakaafusira nevu.
16
Abimereki akati kunaIsaka; Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuʋura kwaɀo nesimba.
17
Isaka akabva’po, akandodzika matente ake mumupata weGerari, akagara’po.
18
Isaka akacera ɀe matsime emvura, akaŋga acerwa pamazuʋa aɓaɓa ʋake, Abrahama; nokuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaadziʋira Abrahama afa; akaatumidza mazita aakaŋga atumidzwa naɓaɓa ʋake.
19
Ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera mumupata, ʋakawana’po tsime remvura inotuɓuka.
20
Ʋafudzi ʋeGerari ʋakaitirana nharo naʋafudzi ʋaIsaka, ʋaciti: Imvura yeɗu; akatumidza tsime iro zita rinonzi Eseki; nokuti ʋakapesana naye.
21
Ɀino wakandocera ɀe rimŋe tsime; ʋakaitirana nharo pamsoro pairero ɀe; akaritumidza zita rinonzi Sitna.
22
Akabva’po, akandocera ɀe rimŋe tsime; irero haʋana‐kuzoitirana nharo pamsoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehoboti; akati: Nokuti ɀino Jehova wakandiitira nɀimbo huru, kuti tiwande munyika ino.
23
Akabva’po, akakwira Beeri‐sheba;
24
Jehova akaɀiratidza kwaari ʋusiku ibgobgo, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, ɓaɓa ʋako; usatya, nokuti ndinewe, ndicakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuɗa kwaAbrahama, muranda waŋgu.
25
Akaʋaka’po artari, akanamata zita raJehova, akadzika tente rake ipapo; ʋaranda ʋaIsaka ʋakacera’po tsime.
26
Ipapo Abimereki akaenda kwaari, acibva Gerari, aneshamŋari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake.
27
Isaka akati kwaʋari: Maʋuyireiko kwandiri, ɀamunondiʋeŋga, mukandidziŋga kwamuri?
28
Iʋo ʋakati: Takaʋona kwaɀo kuti Jehova unewe, tikati: Ɀino mhiko ŋgaiʋe’po pakati peɗu, pakati peɗu newe, tiite suŋgano newe;
29
kuti urege kutiitira ɀakaipa, seɀatisina‐kukuɓata iwe, seɀatakakuitira ɀakanaka ɓedzi, tikakuendisa norugare; ɀino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehova.
30
Iye akaʋagadzirira ɀokudya, ʋakadya, ʋakanwa,
31
ʋakamuka maŋgwanani, ʋakapikirana; ipapo Isaka akaʋatendera kuenda, ʋakabva kwaari norugare.
32
Nomusi iwoyo ʋaranda ʋaIsaka ʋakaʋuya, ʋakamuʋudza kuti ʋakaŋga ʋacera tsime, ʋakati kwaari: Mvura taiwana.
33
Akaritumidza zita rinonzi Shiba; naiɀoɀo zita reguta ndiBeeri‐sheba kuȿikira zuʋa ranhasi.
34
Ɀino Esau wakati aȿika makore makumi manna, akawana Juditi, mukunda waBeeri, muHeti, naBasemati, mukunda waEroni, muHeti;
35
iʋaʋo ʋakarwadza mŋoyo waIsaka naRebeka.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50