bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 24
Genesis 24
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 25 →
1
Abrahama ɀino wakaŋga akwegura, aʋa mutana kwaɀo; Jehova wakaŋga aropafadza Abrahama paɀinhu ɀose.
2
Abrahama akataura nomuranda wake, waiʋa mukuru weimba yake, waiceŋgeta ɀose ɀaakaŋga anaɀo, aciti: Cimboisa canza cako pasi pecidɀa caŋgu,
3
ndikupikise naJehova, Mŋari wokuɗeŋga, naMŋari wenyika, kuti hauŋgatoreri mŋanakomana waŋgu mukadzi kuʋanasikana ʋeKanani, ʋandinogara pakati paʋo;
4
asi uende kunyika yaŋgu, nokuhama dzaŋgu, undotorera ikoko mŋanakomana waŋgu Isaka mukadzi.
5
Muranda akati kwaari: Ɀimŋe mukadzi haaŋgatendi kunditeʋera kunyika ino; ɀino ndiŋgafanira kudzosera mŋanakomana wenyu kunyika kwamakabva here?
6
Abrahama akati kwaari: Cenjera kuti urege kudzosera mŋanakomana waŋgu ikoko.
7
Jehova, Mŋari wokuɗeŋga, wakandibvisa paimba yaɓaɓa ʋaŋgu nomunyika yokuɀarwa kwaŋgu, wakataura neni, akandipikira, aciti: Nyika ino ndicapa ʋana ʋako; ndiye ucatuma mutumŋa wake pamberi pako, kuti utorere mŋanakomana waŋgu mukadzi ikoko.
8
Kana mukadzi asiŋgatendi kukuteʋera, iwe ucasunuŋgurwa pakupika kwako uku kwandiri; asi usadzosera mŋanakomana waŋgu ikoko.
9
Ipapo muranda akaisa canza cake pasi pecidɀa catenzi wake, akamupikira pamsoro pecinhu ico.
10
Muranda akatora makamera anegumi pamakamera atenzi wake, akaenda, anenhumbi dzose dzakanaka dzatenzi wake; akasimuka, akaenda Mesopotamia kuguta raNahori.
11
Akafugamisa makamera kunze kweguta patsime remvura neŋguʋa yamaɗekwana, iri ŋguʋa yaiɓuɗa ʋakadzi kundocera mvura;
12
akati: Jehova, Mŋari watenzi waŋgu Abrahama, ndifambisei henyu ɀakanaka nhasi; muitire tenzi waŋgu Abrahama ŋgoni.
13
Tarirai ndimire patsime remvura, ʋakunda ʋaʋanhu ʋeguta ʋoɓuɗa kuzocera mvura.
14
Ɀino ŋgakuitwe kuti musikana wandicati kwaari: Nditurire ʋo ciroŋgo cako, ndinwe; kana akati: Inwai henyu, namakamera enyu ndicaanwisa ʋo; ŋgaaʋe iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naiɀoɀo ndicaziʋa kuti makaitira tenzi waŋgu ŋgoni.
15
Ɀino wakaŋga asati apedza kutaura, Rebeka, wakaɓerekerwa Betueri, mŋanakomana waMirka, mukadzi waNahori, munuŋuna waAbrahama, wakaȿika aneciroŋgo pafudzi rake.
16
Ɀino musikana uyu wakaŋga akanaka kwaɀo pameso ake, mhandara isina‐kumbozibga nomurume; akaɓurukira kutsime, akazadza ciroŋgo cake, akakwira ɀe.
17
Ipapo muranda wakamhanyira kundosoŋgana naye, akati: Ƌondipa ʋo ɀimvura paciroŋgo cako, ndinwe.
18
Iye akati: Inwai henyu, ishe waŋgu; akakurumidza kutura ciroŋgo cake paruʋoko rwake, akamunwisa.
19
Wakati apedza kumunwisa, akati: Ndicacerera makamera enyu ʋo kuȿikira aguta.
20
Akakurumidza, akaɗurura mvura yakaŋga iri muciroŋgo cake mucinwiro; akamhanyira kutsime kundocera ɀe, akacerera makamera ake ose.
21
Murume akamutarisisa, anyerere, kuti aziʋe kana Jehova amufambisa ɀakanaka parwendo rwake, kana kwete.
22
Makamera akati apedza kunwa, murume akatora cindori cendarama cakaita hafu yeshekeri rimŋe rendarama pakurema kwaco, neɀishoŋgo ɀiʋiri ɀamaʋoko ɀakaita mashekeri anegumi pakurema kwaɀo;
23
akati: Uri mukunda waaniko — Ndiʋudze hako. Kumba kwaɓaɓa ʋako kunopokuʋata here?
24
Iye akati: Ndiri mukunda waBetueri, mŋanakomana waMirka, waakaɓerekera Nahori.
25
Akati kwaari ʋo: Tinabgo ʋuswa bgakawoma neɀokudya ɀizhinji, nopokuʋata ʋo.
26
Murume akakotamisa musoro wake, akanamata Jehova.
27
Akati: Jehova, Mŋari watenzi waŋgu Abrahama ŋgaaʋoŋgwe, usina‐kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kunatenzi waŋgu; kana ndirini, Jehova wakandifambisa, akandiȿitsa kuimba yehama dzatenzi waŋgu
28
Ipapo musikana wakamhanya, akandoʋudza ʋeimba yamai ʋake mashoko iwaya.
29
Ɀino Rebeka wakaŋga anehanɀadzi yainzi Rabani; Rabani akaɓuɗa, akamhanyira kumurume kutsime.
30
Nokuti wakati aciʋona cindori neɀishoŋgo pamaʋoko ehanɀadzi yake, nokunzwa ʋo mashoko aRebeka, hanɀadzi yake, aciti: Ndiɀo ɀakataura murume kwandiri, akaenda kumurume, akamuwana amire pamakamera patsime.
31
Akati: Pinda, iwe, wakaropafadzwa naJehova; unomirireiko kunze — Nokuti ndagadzira imba nenɀimbo yamakamera.
32
Murume akapinda mumba; akasunuŋgura makamera, akapa makamera ʋuswa bgakawoma neɀokudya; nemvura kuti ashambidze tsoka dzake netsoka dzaʋarume ʋaakaŋga anaʋo.
33
Ipapo ɀokudya ɀakaiswa pamberi pake kuti adye; asi iye wakati: Handiŋgadyi ndisati ndambotaura mashoko aŋgu. Akati: Taura hako.
34
Iye akati: Ndiri muranda waAbrahama.
35
Jehova wakaropafadza tenzi waŋgu kwaɀo; waʋa mukuru; wakamupa makwai, neŋombe, nesirveri, nendarama, naʋaranda, naʋarandakadzi, namakamera, nemboŋgoro.
36
NaSara, mukadzi watenzi waŋgu, wakaɓerekera tenzi waŋgu mŋanakomana pakukwegura kwake; ndiye waakapa ɀose ɀaanaɀo.
37
Tenzi waŋgu akandipikisa, akati: Usatorera mŋanakomana waŋgu mukadzi kuʋanasikana ʋeKanani, pandigere munyika yaʋo;
38
asi uende kunaʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu nokuhama dzaŋgu, undotorera mŋanakomana waŋgu mukadzi ikoko.
39
Ndikati kunatenzi waŋgu: Ɀimŋe mukadzi haaŋgatendi kunditeʋera.
40
Iye akati: Jehova wandinosifamba pamberi pake, ucatuma mutumŋa wake newe, akufambise ɀakanaka parwendo rwako; undotorera mŋanakomana waŋgu mukadzi kuhama dzaŋgu nokunaʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu;
41
ucasunuŋgurwa pakupika kwako kwandiri kana waȿika kuhama dzaŋgu; kana ʋakaramba kukupa iye, ucasunuŋgurwa pakupika kwako kwandiri.
42
Ɀino ndakaȿika nhasi kutsime, ndikati: Jehova, Mŋari watenzi waŋgu Abrahama, kana muciɗa kundifambisa ɀakanaka parwendo rwaŋgu rwandinofamba,
43
tarirai, ndimire patsime remvura; ɀino ŋgaɀiitwe, kuti musikana unoɓuɗa kuzocera mvura, wandicati kwaari: Ƌondipa ʋo ɀimvura paciroŋgo cako, ndinwe,
44
iye akati kwandiri: Inwai henyu, imi, ʋuye ndicacerera makamera enyu ʋo, iye aʋe mukadzi wakatsaurirwa mŋanakomana watenzi waŋgu naJehova.
45
Ɀino ndisati ndapedza kutaura mumŋoyo maŋgu, ndikaʋona Rebeka aciʋuya aneciroŋgo cake pafudzi rake; akaɓurukira kutsime, akacera; ndikati kwaari: Ƌondipa ʋo, ndinwe.
46
Iye akakurumidza, akatura ciroŋgo cake pafudzi rake, akati: Inwai henyu, ʋuye ndicanwisa makamera enyu ʋo; ini ndikanwa, akanwisa makamera ʋo.
47
Ɀino ndakamubvunza, ndikati: Uri mukunda waaniko — Iye akati: Ndiri mukunda waBetueri, mŋanakomana waNahori, waakaɓerekerwa naMirka; ipapo ndakaisa cindori mumhino dzake, neɀishoŋgo pamaʋoko ake.
48
Ndikakotamisa musoro waŋgu, ndikanamata Jehova, ndikaʋoŋga Jehova, Mŋari watenzi waŋgu Abrahama, iye wakandifambisa panzira yakarurama, kuti nditorere mŋanakomana watenzi waŋgu mukunda womunuŋuna watenzi waŋgu, kuti aʋe mukadzi wake.
49
Ɀino kana muciɗa kuitira tenzi waŋgu noʋunyoro nokutendeka, mundiʋudze; kana musiŋgaɗi, mundiʋudze, kuti ndiende kurudyi kana kuruɓoshwe.
50
Ipapo Rabani naBetueri ʋakapindura, ʋakati: Cinhu ici cinobva kunaMŋari: isu hatigoni kutaura kwauri ɀakaipa kana ɀakanaka.
51
Tarira, Rebeka uri pamberi pako, umutore, uende, kuti aʋe mukadzi wake, seɀakarebga naJehova.
52
Ɀino muranda waAbrahama wakati anzwa mashoko aʋo, akakotamira pasi pamberi paJehova;
53
muranda akaɓuɗisa ɀishoŋgo ɀesirveri, neɀendarama, neŋguʋo; akaɀipa Rebeka; akapa ʋo hanɀadzi yake namai ʋake nhumbi dzinokosha.
54
Ʋakadya, ʋakanwa, iye naʋarume ʋaakaŋga anaʋo; ʋakagara’po ʋusiku bgose, ʋakamuka maŋgwanani; iye akati: Regai, ndiende kunatenzi waŋgu.
55
Asi hanɀadzi yake namai ʋake ʋakati: Musikana acimbogara nesu mazuʋa ɀimŋe anegumi, agozoenda hake.
56
Asi iye wakati kwaʋari: Musandidzora henyu, Jehova ɀaakandifambisa ɀakanaka parwendo rwaŋgu; regai ndiende kunatenzi waŋgu.
57
Iʋo ʋakati: Ŋgatiɗane musikana, tinzwe muromo wake.
58
Ʋakaɗana Rebeka, ʋakati kwaari: Ucaenda nomurume uyu here — Akati: Ndicaenda.
59
Ipapo ʋakatendera Rebeka, hanɀadzi yaʋo, nomureri wake, kuti ʋaende nomuranda waAbrahama, naʋanhu ʋake.
60
Ʋakaropafadza Rebeka, ʋakati kwaari: Iwe, hanɀadzi yeɗu, uʋe mai ʋeɀuru ɀamazana; ʋana ʋako ŋgaʋaʋe ʋaridzi ʋamasuʋo aʋaʋeŋgi ʋaʋo.
61
Rebeka akasimuka, naʋasikana ʋake, ʋakataȿa makamera, ʋakateʋera murume uyo; muranda akatora Rebeka, akaenda parwendo rwake.
62
Ɀino Isaka wakaŋga acibva nenzira yeBeeri‐rakai‐roi; nokuti wakaŋga agere kunyika yenyasi.
63
Isaka akaɓuɗa kundoraŋgarira kusaŋgo neŋguʋa yamaɗekwana; akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona makamera aciʋuya.
64
Rebeka akasimudza ʋo meso ake; wakati aciʋona Isaka, akaɓuruka pakamera rake.
65
Akati kumuranda: Murume uyo, unofamba musaŋgo kuzosoŋgana nesu ndianiko — Muranda akati: Nditenzi waŋgu; iye akatora cokufukidzira ciso cake, akaɀifukidza.
66
Ɀino muranda akaʋudza Isaka ɀose ɀaakaŋga aita.
67
Isaka akamuisa mutente ramai ʋake Sara, akawana Rebeka, akaʋa mukadzi wake; akamuɗa. Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai ʋake.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→