bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 30
Genesis 30
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 31 →
1
Ɀino Rakeri wakati aciʋona kuti haaɓerekeri Jakobo ʋana, Rakeri akagoɗora mukoma wake, akati kunaJakobo: Ndipe ʋana; kana usiŋgandipi, ndicafa.
2
Ipapo Jakobo akatsamŋira Rakeri, akati: Ndiri panɀimbo yaMŋari kanhi, wakakushaisa ciɓereko?
3
Iye akati: Hoyo murandakadzi waŋgu Birha; pinda kwaari, kuti aɓereke pamabvi aŋgu, neni ndiwane ʋana kwaari
4
Akamupa Birha, murandakadzi wake, kuti aʋe mukadzi wake; Jakobo akapinda kwaari.
5
Ɀino Birha akaʋa nemimba, akaɓerekera Jakobo mŋanakomana
6
Rakeri akati: Mŋari wakandiruramisira, akandipa mŋanakomana; naiɀoɀo akamutumidza zita rinonzi Dani.
7
Birha, murandakadzi waRakeri akaʋa nemimba ɀe, akaɓerekera Jakobo mŋanakomana wecipiri.
8
Ɀino Rakeri akati: Ndakarwa nokurwa kukuru nomukoma waŋgu, ndikakunda; akamutumidza zita rinonzi Naftari.
9
Ɀino Rea wakati aciʋona kuti waguma kuɓereka ʋana akatora Zirpa, murandakadzi wake, akamupa Jakobo, kuti aʋe mukadzi wake.
10
Zirpa, murandakadzi waRea, akaɓerekera Jakobo mŋanakomana.
11
Rea akati: Makorokoto! akamutumidza zita rinonzi Gadi.
12
Zirpa, murandakadzi waRea, akaɓerekera Jakobo mŋanakomana wecipiri.
13
Rea akati: Ndinomufaro mukuru, nokuti ʋanasikana ʋacati, ndinomufaro mukuru, akamutumidza zita rinonzi Asheri.
14
Ɀino Rubeni wakaenda pamazuʋa okuceka ɀiyo, akandowana micero yomududayi kusaŋgo, akaʋuya nayo kunamai ʋake Rea. Rakeri akati kunaRea: Ƌondipa ʋo micero yomʋdudayi yomŋanakomana wako.
15
Iye akati kwaari: Cinhu ciɗuku here kuti wakatora murume waŋgu — Ɀino woɗa kutora ɀe micero yomududayi yomŋanakomana waŋgu — Rakeri akati: Naiɀoɀo ŋgaaʋate newe ʋusiku ʋuno nokuɗa kwemicero yomududayi yomŋanakomana wako.
16
Ɀino Jakobo wakati obva kusaŋgo maɗeko, Rea akaɓuɗa kundosoŋgana naye, akati: Unofanira kupinda kwandiri; nokuti ndakakuteŋga nemicero yomududayi yomŋanakomana waŋgu. Akaʋata naye ʋusiku ubgo.
17
Ɀino Mŋari akanzwa Rea, akaʋa nemimba, akaɓerekera Jakobo mŋanakomana wecishanu.
18
Rea akati: Mŋari wakandipa muɓairo waŋgu, nokuti ndakapa murandakadzi waŋgu murume waŋgu; akamutumidza zita rinonzi Isakari.
19
Rea akaʋa nemimba ɀe, akaɓerekera Jakobo mŋanakomana wecitanhatu.
20
Rea akati: Mŋari wakandipa cipo cakanaka; ɀino murume waŋgu ucagara neni, nokuti ndamuɓerekera ʋanakomana ʋatanhatu; akamutumidza zita rinonzi Zeburuni.
21
Pashure akazoɓereka mŋanasikana, akamutumidza zita rinonzi Dina.
22
Ɀino Mŋari akaraŋgarira ʋo Rakeri, Mŋari akamunzwa, akazarura ciɀaro cake.
23
Iye akaʋa nemimba, akaɓereka mŋanakomana; akati: Mŋari wakabvisa kuɀidzwa kwaŋgu;
24
akamutumidza zita rinonzi Josefa, aciti: Jehova ŋgaandiwedzere mumŋe mŋanakomana.
25
Ɀino Rakeri wakati aɓereka Josefa, Jakobo akati kunaRabani: Ndiregei, ndiende kumusha kwaŋgu, nokunyika yaŋgu.
26
Ndipei ʋakadzi ʋaŋgu naʋana ʋaŋgu, ʋandakakuɓatirai, ndiende haŋgu, nokuti imi munoziʋa kuɓata kwaŋgu kwandakakuɓatirai nako.
27
Rabani akati: Ɀino kana ndawana nyasha pamberi pako, gara hako; nokuti ndakaʋona kuti Jehova wakandiropafadza nokuɗa kwako.
28
Akati: Ndiʋudze muɓairo wako, ndigokupa iwo.
29
Iye akati: Imi munoziʋa mumene seɀandakakuɓatirai, ʋuye kugara kweɀipfuwo ɀenyu kwandiri.
30
Nokuti ɀamaiʋa naɀo, ndisati ndaȿika, ɀaŋga ɀiri ɀishoma, ɀikazowanda, ɀikaʋa ɀizhinji; Jehova wakakuropafadzai pose pandakatsika; ɀino ndicaɓatira imba yaŋgu riniko?
31
Iye akati: Ndokupeiko — Jakobo akati: Musandipa cinhu; kana mukandiitira cinhu ici, ndicafudza ɀe ɀipfuwo ɀenyu nokuɀiceŋgeta.
32
Ndicafamba pakati peɀipfuwo ɀenyu ɀose nhasi, ndiciraʋura pakati paɀo ɀose ɀinamaʋara neɀinamakwapa, namatema pakati pamakwai, nedzinamaʋara nedzinamakwapa pakati pembudzi; ndiɀoɀo ɀicaʋa muɓairo waŋgu.
33
Nenzira iyi kururama kwaŋgu kucandipupurira pashure, kana mucizoʋuya kuʋona muɓairo waŋgu uri pamberi penyu; dzose dzisinamaʋara nedzisinamakwapa pakati pembudzi, namatema pakati pamakwai, iɀoɀo kana ɀikawanikwa kwandiri muŋgati ɀaɓiwa neni.
34
Rabani akati: Ndiɀo haɀo, ŋgaɀiʋe seɀawataura.
35
Nomusi iwoyo akaraʋura nhoŋgo dzembudzi dzakaŋga dzinemitsetsa, nedzinamakwapa, nenhunɀi dzose dzembudzi dzakaŋga dzinamaʋara nedzinamakwapa, dzose dzakaŋga dzinoruʋara rucena, napakati pamakwai ose akaŋga anoruʋara rutema, akaɀipa ʋana ʋake;
36
akaisa runhambo rwamazuʋa matatu pakati pake naJakobo; Jakobo akafudza ɀipfuwo ɀaRabani ɀakaŋga ɀasara.
37
Ɀino Jakobo akatora matanda omustoraksi, noomuamanda, noomuprani, akaȿuʋura mitaro micena paari, kuti kucena kuʋonekwe kwakaŋga kuri maari;
38
akaisa matanda aakaŋga aȿuʋura pamberi peɀipfuwo muɀinwiro, paiʋuya ɀipfuwo ɀicinwa; ɀikatora zamu kana ɀoʋuya kunwa.
39
Ɀipfuwo ɀikatora zamu pamberi pamatanda; ɀipfuwo ɀikaɓereka ʋana ʋanemitsetsa, naʋanamaʋara, naʋanamakwapa
40
Ɀino Jakobo akaraʋura makwaiana, akataridza ɀipfuwo kuneɀaiʋa nemitsetsa, neɀitema pakati peɀipfuwo ɀaRabani; akaisa mapoka ake ari oga; haana‐kuɀiisa kuɀipfuwo ɀaRabani.
41
Ɀino ŋguʋa imŋe neimŋe kana ɀaiʋa nesimba paɀipfuwo ɀicitora zamu, Jakobo wakaisa matanda pamberi peɀipfuwo muɀi nwiro, kuti ɀitore zamu pakati pamatanda;
42
asi kana ɀipfuwo ɀicishaiwa simba haana‐kuaisa; naiɀoɀo ɀakaŋga ɀisinesimba ɀakaŋga ɀiri ɀaRabani, asi ɀaiʋa nesimba ɀakaŋga ɀiri ɀaJakobo.
43
Murume uyu akaʋa mukuru kwaɀo, akaʋa neɀipfuwo ɀizhinji, naʋaranda, naʋarandakadzi, namakamera, nemboŋgoro.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→