bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 27
Genesis 27
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 28 →
1
Ɀino Isaka wakati aʋa mutana, meso ake oʋonera madzerere, asicagoni kuʋona, wakaɗana Esau, mŋanakomana wake mukuru, akati kwaari: Mŋana waŋgu; iye akati kwaari: Ndiri pano haŋgu.
2
Akati: Tarira ɀino ndakwegura; handiziʋi zuʋa rokufa kwaŋgu.
3
Ɀino ɗotora hako nhumbi dzako dzokuvima nadzo, dzinoti goɓa rako, noʋuta bgako, uende kusaŋgo undivimire mhuka;
4
undigadzirire nyama yakanaka, seɀandinoiɗa, uʋuye nayo kwandiri, ndidye, mŋeya waŋgu ukuropafadze ndisati ndafa.
5
Ɀino Rebeka wakanzwa Isaka acitaura naEsau, mŋanakomana wake. Esau akaenda kusaŋgo kundovima mhuka, kuti aʋuye nayo.
6
Rebeka akataura naJakobo, mŋanakomana wake, akati: Tarira, ndanzwa ɓaɓa ʋako ʋacitaura naEsau, mukoma wako, ʋaciti:
7
Nditorere mhuka, undigadzirire nyama yakanaka, kuti ndiidye, ndikuropafadze pamberi paJehova ndisati ndafa.
8
Ɀino mŋana waŋgu, terera inzwi raŋgu seɀandinokuraira.
9
Enda ɀino kuɀipfuwo, unditorere’po mbudzana mbiri dzakanaka, ndigadzirire ɓaɓa ʋako nadzo nyama yakanaka, seɀaʋanoɗa;
10
ugoenda nayo kunaɓaɓa ʋako, ʋadye, kuti ʋakuropafadze ʋasati ʋafa.
11
Jakobo akati kunaRebeka, mai ʋake: Tarirai, Esau, mukoma waŋgu, munhu unemvere, asi ini ndiri munhu ndisinemvere.
12
Ɀimŋe ɓaɓa ʋaŋgu ʋacandiɓata‐ɓata, ndikaʋa somunyeŋgedzeri pamberi paʋo, ndikaɀiʋuyisira kutukwa pacigaro cokuropafadzwa.
13
Mai ʋake ʋakati kwaari: Kutukwa kwako ŋgakuʋe pamsoro paŋgu, mŋana waŋgu; terera hako inzwi raŋgu, ʋende unditorere idzo.
14
Iye akaenda, akadzitora, akadziisa kunamai ʋake; mai ʋake ʋakagadzira nyama yakanaka, yaiɗikanwa naɓaɓa ʋake
15
Ɀino Rebeka akatora nguʋo dzakaiȿo‐naka dzaEsau, mŋanakomana wake mukuru, dzaaiʋa nadzo mumba, akadzifukidza Jakobo, mŋanakomana wake muɗuku;
16
akaisa ŋguʋo dzembudzana pamaʋoko ake, napamutsipa wake pakaŋga pasinemvere;
17
akaisa nyama yakanaka neciŋgwa, ɀaakaŋga agadzira, muruʋoko rwaJakobo, mŋanakomana wake.
18
Iye akaenda kunaɓaɓa ʋake, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu; iʋo ʋakati: Ndiri pano haŋgu; ndiwe aniko mŋana waŋgu?
19
Jakobo akati kunaɓaɓa ʋake: Ndini Esau, ɗaŋgwe renyu; ndaita seɀamandiraira; simukai henyu, mugare, mudye nyama yaŋgu yemhuka, mŋeya wenyu undiropafadze.
20
Isaka akati kumŋanakomana wake: Wakurumidza seiko kuiwana, mŋana waŋgu — Iye akati: Nokuti Jehova, Mŋari wenyu, waituma pamberi paŋgu.
21
Isaka akati kunaJakobo: Cimbosweɗera hako, ndikuɓate‐ɓate, mŋana waŋgu, kuti ndiziʋe kana uri mŋanakomana waŋgu Esau amene, kana usi’we.
22
Jakobo akasweɗera kunaIsaka, ɓaɓa ʋake; iʋo ʋakamuɓata‐ɓata, ʋakati: Inzwi inzwi raJakobo, asi maʋoko maʋoko aEsau.
23
Asi haana‐kumuziʋa, nokuti maʋoko ake akaŋga anemvere, samaʋoko omukuru wake Esau; akamuropafadza.
24
Akati: Ndiwe mŋanakomana waŋgu Esau amene here — Iye akati: Ndini iye.
25
Akati: Uisweɗedze pedyo neni, kuti ndidye nyama yemhuka yomŋanakomana waŋgu, mŋeya waŋgu ukuropafadze. Iye akaisweɗedza pedyo naye, akadya; akamupa ʋo waini, akanwa.
26
Ipapo ɓaɓa ʋake Isaka ʋakati kwaari: Sweɗera ɀino undiȿete, mŋana waŋgu.
27
Akasweɗera, akamuȿeta; akanzwa munhuwi weŋguʋo dzake, akamuropafadza, akati: Tarira munhuwi womŋakomana waŋgu Wakaita somunhuwi wesaŋgo rakaropafadzwa naJehova;
28
Mŋari ŋgaakupe ɗoʋa rokuɗeŋga, Mafuta enyika, Neɀiyo newaini ɀakawanda.
29
Ʋanhu ŋgaʋakushumire, Marudzi ose ŋgaakufugamire; Uʋe ishe wehama dzako, Ʋanakomana ʋamai ʋako ŋgaʋakufugamire; Ʋose ʋanokutuka ŋgaʋatukwe, Ʋose ʋanokuropafadza ŋgaʋaropafadzwe.
30
Ɀino Isaka wakati apedza kuropafadza Jakobo, Jakobo acaŋgoɓuɗa pamberi paIsaka ɓaɓa ʋake, Esau mukoma wake, akapinda, acibva pakuvima kwake.
31
Naiye akagadzira nyama yakanaka, akaenda nayo kunaɓaɓa ʋake; akati kunaɓaɓa ʋake: Ƃaɓa ʋaŋgu ŋgaʋasimuke, ŋgaʋadye nyama yemhuka yomŋanakomana waʋo, kuti mŋeya wenyu undiropafadze.
32
Ipapo Isaka ɓaɓa ʋake ʋakati: Ndiwe aniko — Iye akati: Ndini mŋanakomana wenyu, ɗaŋgwe renyu Esau.
33
Isaka akabvunda kwaɀo‐kwaɀo, akati: Ndianiko wakaŋga avima mhuka, akaʋuya nayo kwandiri, ndikadya ɀose, iwe usati waȿika, ndikamuropafadza — Hoŋo, ɀirokwaɀo iye ucaropafadzwa hake.
34
Esau wakati acinzwa mashoko aɓaɓa ʋake, akacema nokucema kukuru kunorwadza mŋoyo, akati kunaɓaɓa ʋake: Ndiropafadzei neni ʋo, ɓaɓa ʋaŋgu!
35
Akati: Munuŋuna wako wakaʋuya nokunyeŋgedzera, akatora kuropafadzwa kwako.
36
Iye akati: Haana‐kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobo — Nokuti ɀino wandinyeŋgedzera kaʋiri; wambonditorera ʋuɗaŋgwe bgaŋgu, ɀino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwaŋgu. Akati: Hamuna‐kundiceŋgetera ʋo kuropafadzwa here?
37
Isaka akapindura, akati kunaEsau: Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti ʋaʋe ʋaranda ʋake; ndamusimbisa neɀiyo newaini; ɀino cinyiko candiŋgakuitira iwe, mŋana waŋgu?
38
Esau akati kunaɓaɓa ʋake: Munoŋgoʋa nokuropafadza kumŋe kwoga here, ɓaɓa ʋaŋgu — Ndiropafadzei, neni ʋo, ɓaɓa ʋaŋgu! Esau akacema nokucema kukuru.
39
Ipapo Isaka ɓaɓa ʋake, akapindura, akati kwaari: Tarira, ʋugaro bgako ʋucaʋa kure namafuta enyika, Kure neɗoʋa rokuɗeŋga rinobva kumsoro;
40
Ucararama nomunondo wako, ucashumira munuŋuna wako; Ucati kana woɀimutsa iwe, Ucavuna joko rake ribve pamutsipa wako.
41
Esau akaʋeŋga Jakobo nokuɗa kwokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako naɓaɓa ʋake; Esau akati mumŋoyo make: Mazuʋa okucema ɓaɓa ʋaŋgu oɗo‐kuȿika; ipapo ndicaʋuraya munuŋuna waŋgu Jakobo.
42
Ɀino Rebeka wakaʋudzwa mashoko aEsau, mŋanakomana wake mukuru; akatuma munhu kundoɗana Jakobo, mŋanakomana wake muɗuku, akati kwaari: Tarira, mukoma wako Esau unoɀiʋaraidza pamsoro pako, aciti ucakuʋuraya.
43
Saka ɀino, mŋana waŋgu, terera inzwi raŋgu; simuka, utizire Harani kunaRabani hanɀadzi yaŋgu;
44
undogara kwaari mazuʋa mashomanene, kuȿikira shuŋgu dzomukoma wako dzanyarara;
45
kuȿikira kutsamŋa kwomukoma wako kwanyarara kwauri, kana akaŋganwa iɀo ɀawamuitira: ipapo ndicatuma munhu kuzokutora ikoko; ndicatorerwa seiko nomusi mumŋe imi mose muri ʋaʋiri?
46
Rebeka akati kunaIsaka: Ndanetswa noʋupenyu bgaŋgu nokuɗa kwaʋakunda ʋaHeti; kana Jakobo akawana ʋo mukadzi kuʋakunda ʋaHeti, wakaita saiʋaʋa, kuʋakunda ʋenyika ino, ʋupenyu bgaŋgu ʋuŋgandiɓatsirei?
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→