bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 21
Genesis 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 22 →
1
Ɀino Jehova wakashanyira Sara, seɀaakataura; Jehova akaitira Sara seɀaakaʋaʋudza.
2
Sara akaʋa nemimba, akaɓerekera Abrahama mŋanakomana pakukwegura kwake neŋguʋa iyeyo yakaŋga yarebga naMŋari.
3
Abrahama akatumidza mŋanakomana wake, waakaɓerekerwa naSara, zita rinonzi Isaka.
4
Abrahama akadziŋgisa mŋanakomana wake Isaka aita mazuʋa masere, seɀaakarairwa naMŋari.
5
Abrahama wakaŋga aȿika makore anezana, ŋguʋa yaakaɓerekerwa mŋanakomana wake Isaka.
6
Ipapo Sara akati: Mŋari wandisekesa; ʋose, ʋanonzwa iɀoɀi, ʋacaseka neni.
7
Akati: Ndianiko waitoŋgoti kunaAbrahama: Sara ucamnisa ʋana — Nokuti ndakamuɓerekera mŋanakomana pakukwegura kwake.
8
Mŋanakomana wakazokura, akarumurwa; Abrahama akaita mutambo mukuru nomusi wokurumurwa kwaIsaka.
9
Ɀino Sara akaʋona mŋanakomana waHagari, muEgipita, waakaɓerekera Abrahama, aciseka.
10
Saka wakati kunaAbrahama: Dziŋga muɓatiri uyu nomŋanakomana wake, nokuti mŋanakomana womuɓatiri uyu haaŋgadyi nhaka pamŋe cete nomŋanakomana waŋgu Isaka.
11
Shoko iro rakaŋga rakaipa kwaɀo kunaAbrahama, nokuɗa kwomŋanakomana wake.
12
Ipapo Mŋari akati kunaAbrahama: Ŋgaɀirege haɀo kuʋa ɀakaipa kwauri nokuɗa kwomukomana nokwomuɓatiri wako; uterere Sara paɀinhu ɀose ɀaanotaura kwauri; nokuti rudzi rwako rucatumidzwa nezita raIsaka.
13
Naiye mŋanakomana womuɓatiri ndicamuita rudzi rukuru ʋo, nokuti mŋanakomana wako.
14
Abrahama akamuka maŋgwanani, akatora ciŋgwa negucu remvura, akapa Hagari, akaɀiisa pafudzi rake, nomŋana ʋo, akamuendisa; iye akaenda, akandodzuŋgaira murenje reBeeri‐sheba.
15
Mvura yegucu yakati yapera, akakanda mŋana pasi munyasi megwenzi;
16
iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambge ineŋge iŋgaȿika museʋe kana waposhwa; nokuti wakati: Ndirege kuʋona haŋgu mŋana acifa. Akagara pakatarisana naye, akacema kwaɀo.
17
Mŋari akanzwa inzwi romukomana; mutumŋa waMŋari akaɗanidzira kunaHagari, ari kuɗeŋga, akati kwaari: Ɀaita seiko Hagari — Usatya, nokuti Mŋari wanzwa inzwi romukomana apo paari.
18
Simuka, usimudze mukomana, umuɓate noruʋoko rwako, nokuti ndicamuita rudzi rukuru.
19
Ipapo Mŋari akaȿinudza meso ake, akaʋona tsime remvura; akaenda, akazadza gucu nemvura, akanwisa mukomana.
20
Mŋari akaʋa nomukomana, akakura, akagara murenje, akaʋa munhu unofura noʋuta.
21
Akagara murenje reParani, mai ʋake ʋakamutorera mukadzi kunyika yeEgipita.
22
Ɀino neŋguʋa iyo Abimereki naPikori, mukuru wehondo yake, ʋakataura naAbrahama, ʋakati: Mŋari unewe paɀinhu ɀose ɀaunoita;
23
naiɀoɀo ɀino ndipikire pano naMŋari kuti hauŋgandinyeŋgeri ini, kana ʋana ʋaŋgu, kana ʋana ʋaʋana ʋaŋgu; asi seɀandakakuitira tsitsi, uite ʋo saiɀoɀo kwandiri, nokunyika mawakagara uri mutorwa.
24
Abrahama akati: Ndicapika.
25
Asi Abrahama wakatuka Abimereki nokuɗa kwetsime remvura rakaŋga ratorwa nesimba naʋaranda ʋaAbimereki.
26
Abimereki akati: Handiziʋi wakaita iɀoɀo, newe hauna‐kundiʋudza, ini handina‐kumboɀinzwa, asi nhasi.
27
Abrahama akatora makwai nenzombe, akapa Abimereki, iʋo ʋaʋiri ʋakaita suŋgano.
28
Abrahama akaraʋura ɀishece ɀinomŋe ɀamakwai;
29
Abimereki akati kunaAbrahama: Ko ɀishece iɀi ɀinomŋe ɀawaraʋura ndeɀeiko?
30
Iye akati: Ɀishece iɀi ɀinomŋe uɀigamucire paruʋoko rwaŋgu, ciʋe capupu caŋgu, kuti ndini ndakacera tsime iri.
31
Naiɀoɀo wakatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Beeri‐sheba, nokuti ndi’po paʋakapika iʋo ʋaʋiri.
32
Saiɀoɀo ʋakaita suŋgano paBeeri‐sheba; Abimereki akasimuka, naPikori, mukuru wehondo yake, ʋakadzokera kunyika yaʋaFiristia.
33
Abrahama akasima muti womutamariski paBeeri‐sheba, akanamata’po zita raJehova Mŋari usiŋgaperi.
34
Abrahama akagara ari mutorwa panyika yaʋaFiristia mazuʋa mazhinji.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→