bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 40
Genesis 40
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 41 →
1
Shure kwaiɀoɀo muɗiri wamambo weEgipita nomuɓiki wake ʋakatadzira tenzi waʋo, mambo weEgipita.
2
Farao akatsamŋira kwaɀo ʋaranda ʋake ʋaʋiri, iʋo mukuru waʋaɗiri nomukuru waʋaɓiki.
3
Akaʋasuŋga kuti ʋaceŋgetwe mumba momukuru waʋarindi, mutoroŋgo, pakaŋga pakasuŋgwa Josefa.
4
Mukuru waʋarindi akaraira Josefa kuʋaceŋgeta; iye akaʋaɓatira, ʋakaita ŋguʋa ʋaciceŋgetwa.
5
Ɀino ʋose ʋaʋiri ʋakarota hope ʋusiku ʋumŋe, mumŋe nomumŋe kurota kwake, kurota kumŋe nokumŋe kuneɗudziro yako, iʋo muɗiri nomuɓiki ʋamambo weEgipita, ʋakaŋga ʋakasuŋgwa mutoroŋgo.
6
Ɀino fume maŋgwana Josefa akapinda kwaʋari, Akaʋatarira, akaʋona kuti haʋafari.
7
Akabvunza ʋaranda ʋaFarao ʋakaŋga ʋaceŋgetwa pamŋe cete naye mumba matenzi wake, akati: Nhasi makashuwa neiko?
8
Ʋakati kwaari: Tarota hope, asi hakunomunhu unogona kudziɗudzira. Josefa akati kwaʋari: Kuɗudzira hakuzi kwaMŋari here — Ƌondirondedzerai henyu.
9
Ɀino mukuru waʋaɗiri akarondedzera kurota kwake kunaJosefa, akati kwaari: Pakurota kwaŋgu ndakaʋona muzambiriŋga pamberi paŋgu; pamuzambiriŋga pakaŋga panamataʋi matatu;
10
ukaita sokutumbuka, ukaɓuɗisa maruʋa; masumbu awo akaɓereka mazambiriŋga akaibva;
11
mukombe waFarao wakaŋga uri muruʋoko rwaŋgu; ɀino ndikatora mazambiriŋga, ndikaaȿinira mumukombe waFarao, ndikaisa mukombe muruʋoko rwaFarao.
12
Josefa akati kwaari: Kuɗudzirwa kwadzo ndiko: Mataʋi matatu mazuʋa matatu;
13
mazuʋa matatu agere kupera Farao ucasimudza musoro wako, nokukudzosera kuɓasa rako; ipapo ucaisa mukombe waFarao muruʋoko rwake ɀe, seɀawaiita kare uciri muɗiri wake.
14
Asi undiraŋgarire hako kana woitirwa ɀakanaka; undiitire ŋgoni, undireʋerere kunaFarao, kuti ndiɓuɗiswe paimba ino;
15
nokuti ɀirokwaɀo, ndakaɓiwa kunyika yaʋaHeberu; napano handina‐kuita cinhu cakafanira kuti ʋandiise mugomba iri.
16
Ɀino mukuru waʋaɓiki wakati aʋona kuti ɗudziro yakanaka, akati kunaJosefa: Neni ʋo ndakaŋga ndiri pakurota kwaŋgu, ndikaʋona tswanda nhatu dzeciŋgwa cicena dzakaŋga dziri pamusoro waŋgu;
17
mutswanda yapamsoro makaŋga muneɀokudya ɀamarudzi ose ɀakaɓikwa ɀaFarao; shiri dzikaɀidya mutswanda yaiʋa pamusoro waŋgu.
18
Ipapo Josefa akapindura, akati. Kuɗudzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuʋa matatu;
19
mazuʋa matatu agere kupera, Farao ucasimudza musoro wako akaubvisa pamsoro pako, akusuŋgirire pamuti; shiri dzicadya nyama yako, dziciibvisa kwauri.
20
Ɀino nomusi wetatu, musi wokuɀarwa kwaFarao, iye wakaitira ʋaranda ʋake ʋose mutambo. Akasimudza musoro womukuru waʋaɗiri, nomusoro womukuru waʋaɓiki pakati paʋaranda ʋake,
21
akadzosera mukuru waʋaɗiri kuɓasa rake rokuɗira kwake, akapa mukombe waFarao muruʋoko rwaFarao;
22
asi wakasuŋgirira mukuru waʋaɓiki, seɀaʋakaŋga ʋaɗudzirwa naJosefa.
23
Asi mukuru waʋaɗiri haana‐kuraŋgarira Josefa, asi wakamukaŋganwa.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→