bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 42
Genesis 42
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 43 →
1
Ɀino Jakobo wakaʋona kuti ɀiyo ɀiri’po muEgipita, Jakobo akati kuʋanakomana ʋake: Munotarirana neiko?
2
Akati: Ndanzwa kuti ɀiyo ɀiri’po muEgipita; ɓurukirai’ko, mundotiteŋgera’ko, tipone, tirege kufa.
3
Ipapo ʋakoma ʋaJosefa ʋanegumi ʋakaɓuruka kundoteŋga ɀiyo Egipita.
4
Asi Benjamini, munuŋuna waJosefa, Jakobo haana‐kumutuma naʋakoma ʋake; nokuti wakati: Ɀimŋe uŋgawirwa nenjodzi.
5
Ɀino ʋanakomana ʋaIsraeri ʋakaʋuya kuzoteŋga pakati paʋamŋe ʋaiʋuya, nokuti nzara yakaŋga iri’po panyika yeKanani.
6
Ɀino Josefa wakaŋga ari muɓati wenyika; ndiye waiteŋgesera ʋanhu ʋose ʋenyika; ʋakoma ʋaJosefa ʋakaʋuya, ʋakamufugamira, ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi.
7
Josefa akaʋona ʋakoma ʋake, akaʋaziʋa, asi wakaita saasiŋgaʋaziʋi, akataura nehasha naʋo, akati kwaʋari: Mabvepiko — Iʋo ʋakati: Tabva kunyika yeKanani kuzoteŋga ɀokudya.
8
Josefa akaziʋa ʋakoma ʋake, asi iʋo haʋana‐kumuziʋa.
9
Ipapo Josefa akaraŋgarira kurota kwake kwaakaɗeya kurota pamsoro paʋo, akati kwaʋari: Muri ʋashori, maʋuya kuzoʋona kuti nyika yakashama papi.
10
Iʋo ʋakati kwaari: Kwete, ishe weɗu, asi ʋaranda ʋenyu ʋaʋuya kuzoteŋga ɀokudya.
11
Tiri ʋanakomana ʋomunhu mumŋe cete tose; tiri ʋanhu ʋakatendeka, ʋaranda ʋenyu haʋazi ʋashori;
12
iye akati kwaʋari: Kwete, maʋuya kuzoʋona nyika kuti yakashama papi.
13
Iʋo ʋakati: Isu ʋaranda ʋenyu, tiri ʋanakomana ʋanegumi naʋaʋiri ʋomunhu mumŋe cete panyika yeKanani; ɀino worugotwe uri kunaɓaɓa ʋeɗu nhasi; mumŋe haaci’po.
14
Josefa akati kwaʋari: Ndiɀo ɀandandicitaura kwamuri, ndiciti, muri ʋashori;
15
heci cinhu camucaidzwa naco: Noʋupenyu bgaFarao, hamuŋgaɓuɗi pano kana munuŋuna wenyu worugotwe asina‐kuʋuya pano.
16
Tumai mumŋe wenyu kuti andotora munuŋuna wenyu, asi imi mucafanira kugara makasuŋgwa, kuti mashoko enyu aidzwe, kana makatendeka; kana ɀisina‐kuɗaro, ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaFarao muri ʋashori.
17
Ipapo akaʋaisa pamŋe cete ʋose mutoroŋgo, kuti ʋaceŋgetwe mazuʋa matatu.
18
Josefa akati kwaʋari nezuʋa retatu: Itai cinhu ici, mupone; ini ndinotya Mŋari;
19
kana muri ʋanhu ʋakatendeka, mumŋe waʋanuŋuna ʋenyu ŋgaagare akasuŋgwa mutoroŋgo yenyu; asi imi endai makatakura ɀiyo kundopa mhuri dzenyu dzinenzara.
20
Mugoʋuya nomunuŋuna wenyu worugotwe kwandiri; naiɀoɀo mashoko enyu acasimbiswa, murege kufa. Ʋakaita saiɀoɀo.
21
Ʋakataurirana ʋaciti: Ɀirokwaɀo tinemhoȿa nokuɗa kwomunuŋuna weɗu, nokuti takaʋona kutambudzika kwomŋeya wake musi uya waakatinyeŋgetera, tikaramba kumuterera; naiɀoɀo tawirwa nokutambudzika uku.
22
Ipapo Rubeni akapindura, akati: Handina‐kukuʋudzai here, ndiciti: Regai kutadzira mŋana, mukaramba kunditerera — Naiɀoɀo tarirai, ropa rake rotȿakwa.
23
Ɀino ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti Josefa unonzwisisa, nokuti kwaŋga kunomupinduri pakati paʋo.
24
Ipapo Josefa akabva kwaʋari, akacema; akadzokera ɀe kwaʋari, akataura naʋo, akatora Simeoni pakati paʋo, akamusuŋga ʋaciɀiʋona.
25
Josefa akaraira kuti midziyo yaʋo izadzwe neɀiyo, ʋuye kuti mumŋe nomumŋe adzoserwe mari yake muhomo yake, ʋuye kuti ʋapiwe ʋo mbuʋa yokufamba nayo; ʋakaitirwa saiɀoɀo.
26
Ipapo ʋakatakudza mboŋgoro dzaʋo ɀiyo ɀaʋo, ʋakaenda.
27
Ɀino mumŋe waʋo wakati acisunuŋgura homo yake, kuti ape mboŋgoro yake ɀokudya paʋakaʋata ʋusiku, akawana mari yake; heyo yakaŋga iri mumuromo wehomo yake.
28
Akati kuhama dzake: Mari yaŋgu yadzoswa; heyi iri muhomo yaŋgu; ipapo ʋakaʋora mŋoyo, ʋakatarirana, ʋacibvunda, ʋakati: Cinyiko ici cataitirwa naMŋari?
29
Ʋakaȿika kunaɓaɓa ʋaʋo panyika yeKanani, ʋakaʋaʋudza ɀose ɀakaŋga ɀaʋawira;
30
ʋakati: Murume uya, ishe wenyika iyo, wakataura nesu nehasha, akati, tiri ʋashori ʋenyika.
31
Tikati kwaari: Tiri ʋanhu ʋakatendeka, hatizi ʋashori;
32
tiri ʋanakomana ʋanegumi naʋaʋiri ʋomunhu mumŋe cete, ʋanakomana ʋaɓaɓa ʋeɗu; mumŋe haaci’po, worugotwe uri kunaɓaɓa ʋeɗu nhasi panyika yeKanani.
33
Ɀino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri: Heci cinhu candicaziʋa naco kana muri ʋanhu ʋakatendeka; Siyai mumŋe wenyu kwandiri, mutore ɀiyo, mundopa mhuri dzenyu dzinenzara, muende.
34
Mugoʋuya ɀe kwandiri nomunuŋuna wenyu worugotwe; ipapo ndicaziʋa kuti hamuzi ʋashori, asi kuti muri ʋanhu ʋakatendeka: ipapo ndicakupai munuŋuna wenyu, mugoteŋga panyika ino.
35
Ɀino ʋakati ʋaciɗurura homo dzaʋo, tarira ciputu cemari yomumŋe nomumŋe cakaŋga ciri muhomo yake; ʋakati ʋaciʋona ɀiputu ɀemari yaʋo, ʋakatya iʋo naɓaɓa ʋaʋo.
36
Ɀino Jakobo akati kwaʋari: Manditorera ʋana; Josefa haaci’po, naSimeoni haaci’po, ɀino moɗo‐kutora naBenjamini ʋo; ɀinhu ɀose iɀi ɀandiwira.
37
Ipapo Rubeni akataura naɓaɓa ʋake, akati: Muŋgaʋuraya henyu ʋanakomana ʋaŋgu ʋaʋiri, kana ndisiŋgadzoki naye kwamuri; cimuisai henyu mumaʋoko aŋgu, ini ndicaʋuya naye ɀe kwamuri.
38
Ʋakati: Mŋanakomana waŋgu haaŋgaɓuruki nemi, nokuti mukoma wake wafa, iye wasiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, mucaɓurusira vudzi raŋgu jena kubgiro nokucema.
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 43 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→