bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 37
Genesis 37
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 38 →
1
Ɀino Jakobo wakagara munyika yoʋutorwa bgaɓaɓa ʋake, munyika yeKanani.
2
Marudzi aJakobo ndiwo: Josefa wakaŋga anamakore anegumi namanomŋe, akafudza makwai pamŋe cete naʋakoma ʋake; wakaŋga aciri mukomana pamŋe cete naʋanakomana ʋaBirha, naʋanakomana ʋaZirpa, ʋakadzi ʋaɓaɓa ʋake; Josefa akasiʋaʋudzisira kunaɓaɓa ʋaʋo.
3
Ɀino Israeri wakaŋga aciɗa Josefa kupfuʋura ʋana ʋake ʋose, nokuti wakaŋga ari mŋanakomana woʋutana bgake; akamuitira ŋguʋo yakaŋga yakareɓa inamaʋoko.
4
Ʋakoma ʋake ʋakaʋona kuti ɓaɓa ʋaʋo ʋanomuɗa kupfuʋura ʋakoma ʋake ʋose; ʋakamuʋeŋga, ʋakasagona kutaura naye nomufaro.
5
Ɀino Josefa akarota hope, akaʋudza ʋakoma ʋake, ipapo ʋakanyanya kumuʋeŋga.
6
Akati kwaʋari: Inzwai ʋo hope dzaŋgu dzandarota.
7
Tarirai, takaŋga ticisuŋga ɀisote mumunda, ʋonei cisote caŋgu cikasimuka, cikaramba cimire; ndikaʋona ɀisote ɀenyu ɀicikomba caŋgu, ɀikakotama pamberi pecisote caŋgu.
8
Ʋakoma ʋake ʋakati kwaari: Ko iwe ucaɓata ʋushe pamsoro peɗu kanhi — Ko iwe ucaʋa nesimba pamsoro peɗu kanhi — Ʋakanyanya kumuʋeŋga nokuɗa kwokurota kwake nokwamashoko ake.
9
akapamha kurota ɀe, akaʋudza ʋakoma ʋake, akati: Tarirai, ndarota ɀe dzimŋe hope; ndakaʋona zuʋa, nomŋedzi, nenyeredzi dzinegumi neimŋe, dzicikotamira pamberi paŋgu.
10
Akaʋudza ɓaɓa ʋake naʋakoma ʋake iɀoɀo; ɓaɓa ʋake ʋakamutuka, ʋakati kwaari: Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi — Ini namai ʋako naʋakoma ʋako ticaʋuya tikakotama pasi pamberi pako kanhi?
11
Ʋakoma ʋake ʋakamugoɗora; asi ɓaɓa ʋake ʋakaceŋgeta shoko iro.
12
Ɀino ʋakoma ʋake ʋakandofudza makwai aɓaɓa ʋaʋo paShekemi.
13
Israeri akati kunaJosefa: Ʋakoma ʋako haʋafudzi makwai paShekemi here — Ʋuya ndikutumire kwaʋari. Iye akati: Ndiri pano haŋgu.
14
Akati kwaari: Ɀino, cienda undotarira kana ʋakoma ʋako ʋakafara, namakwai kana akafara ʋo; ugodzoka kuzondiʋudza. Naiɀoɀo wakamutuma, ari pamupata weHebroni, akandoȿika Shekemi.
15
Ɀino mumŋe murume wakamuwana acidzuŋgaira musaŋgo; murume akamubvunza, akati: Unotȿakeiko?
16
Iye akati: Ndinotȿaka ʋakoma ʋaŋgu; ɗondiʋudza hako kwaʋanofudza makwai.
17
Murume akati: Ʋabva pano, nokuti ndakaʋanzwa ʋaciti: Ŋgatiende Dotani. Josefa akateʋera ʋakoma ʋake, akandoʋawana paDotani.
18
Iʋo ʋakamuʋona aciri kure; ɀino asati aȿika kwaʋari, ʋakaraŋgana kuti ʋamuʋuraye.
19
Ʋakataurirana, ʋaciti: Hoyo, muroti uya woʋuya.
20
Ʋuyai ɀino timuʋuraye, timukandire munerimŋe ramakomba awa, tigoti: Wadyiwa necikara; tigoʋona kuti kurota kwake kucazoitwa seiko.
21
Rubeni akaɀinzwa, akamurwira mumaʋoko aʋo, akati: Ŋgatirege kumuʋuraya.
22
Rubeni akati kwaʋari: Musaɗurura ropa; mumukandirei mugomba iri riri musaŋgo, asi regai kutambanudza maʋoko enyu kwaari; kuti amurwire pamaʋoko aʋo, agomudzosera kunaɓaɓa ʋake.
23
Ɀino Josefa wakati aȿika kuʋakoma ʋake, ʋakabvisira Josefa ŋguʋo yake, ŋguʋo iya yakaŋga yakareɓa inamaʋoko, yaakaŋga akafuka;
24
ʋakamutora, ʋakamukandira mugomba; gomba rakaŋga risinecinhu, maŋga musinemvura.
25
Ʋakagara pasi, ʋakadya ɀokudya; ɀino ʋakasimudza meso aʋo, ʋakatarira, ʋakaʋona ɓoka raʋaIshmaeri ʋacifamba, ʋacibva Gireadi, makamera aʋo akatakura ɀinhu ɀinonhuwira, nebarsami, nemura, ʋacindoɀiisa Egipita.
26
Ɀino Juda akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Tiŋgawaneiko kana tikaʋuraya munuŋuna weɗu ticiʋanza ropa rake?
27
Ʋuyai timuteŋgese kuʋaIshmaeri; maʋoko eɗu arege kuʋa kwaari; nokuti munuŋuna weɗu, nyama imŋe nesu. Ʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋakamuterera.
28
Ɀino ʋateŋgesi ʋaʋaMidiani ʋakapfuʋura’po, ʋakakwidza Josefa ʋacimuɓuɗisa mugomba, ʋakateŋgesa Josefa kuʋaIshmaeri namashekeri anamakumi maʋiri; iʋo ʋakaisa Josefa Egipita.
29
Ɀino Rubeni wakadzokera kugomba, akawana Josefa asisi’mo mugomba; akabvarura ŋguʋo dzake.
30
Akadzokera kuʋanuŋuna ʋake, akati: Mŋana haaci’po; ini ɀino ndicaendepiko?
31
Ɀino ʋakatora ŋguʋo yaJosefa, ʋakaʋuraya nhoŋgo yembudzi, ʋakanyika ŋguʋo muropa;
32
ʋakatumira ŋguʋo iyo yakareɓa inamaʋoko kunaɓaɓa ʋaʋo, ʋakati: Tanoŋga cinhu ici; fananidzai ɀakanaka kana iri ŋguʋo yomŋanakomana wenyu, kana isati iri iyo.
33
Iʋo ʋakafananidza, ʋakati: Iŋguʋo yomŋanakomana waŋgu; wadyiwa necikara; Josefa ɀirokwaɀo waparadzwa.
34
Jakobo akabvarura ŋguʋo dzake, akasimira magumbu paciʋuno cake, akacema mŋanakomana wake mazuʋa mazhinji.
35
Ʋanakomana ʋake ʋose naʋakunda ʋake ʋose ʋakasimuka ʋakamunyaradza; asi wakaramba kunyaradzwa, akati: Ndicaɓurukira kubgiro kumŋanakomana waŋgu, ndicicema. Ƃaɓa ʋake ʋakamuwuŋgudzira.
36
Ɀino ʋaMidiani ʋakandomuteŋgesa Egipita kunaPotifari, muranda waFarao, mukuru waʋarindi.
← Chapter 36
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 38 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→