bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 31
Genesis 31
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 32 →
1
Ɀino wakanzwa mashoko aʋanakomana ʋaRabani, ʋaciti: Jakobo watora ɀose ɀaiʋa ɀaɓaɓa ʋeɗu; waɀiwanira fuma yose iyi kuneɀaiʋa ɀaɓaɓa ʋeɗu.
2
Jakobo akaʋona ʋo kuti ciso caRabani cakaŋga cisakaita kwaari sapakutaŋga.
3
Jehova akati kunaJakobo: Dzokera kunyika yamadziɓaɓa ako, nokuhama dzako; ini ndicaʋa newe.
4
Ipapo Jakobo akatuma munhu kundoɗana Rakeri naRea ʋaʋuye kusaŋgo kuɀipfuwo ɀake;
5
akati kwaʋari: Ndinoʋona kuti ciso caɓaɓa ʋenyu hacizakaita kwandiri sapakutaŋga; asi Mŋari waɓaɓa ʋaŋgu wakaŋga aneni.
6
Munoziʋa kuti ndakaɓatira ɓaɓa ʋenyu nesimba raŋgu rose.
7
Ƃaɓa ʋenyu ʋakandinyeŋgedzera, ʋakashandura muɓairo waŋgu kagumi; asi Mŋari haana‐kutendera kuti ʋandiitire ɀakaipa.
8
Kana ʋakati: Ɀinamaʋara ŋgaɀiʋe muɓairo wako, ɀipfuwo ɀose ndokuɓereka ɀinamaʋara; kana ʋakati: Ɀinemitsetsa ŋgaɀiʋe muɓairo wako, ɀipfuwo ɀose ndokuɓereka ɀinemitsetsa.
9
Naiɀoɀo Mŋari wakatorera ɓaɓa ʋenyu ɀipfuwo ɀaʋo, akandipa ini iɀo.
10
Ɀino ɀipfuwo ɀakati ɀicitora mazamu, ndakatarira ndikaʋona pakurota kwaŋgu nhoŋgo, dzakaŋga dzicikwira ɀipfuwo, dzakaŋga dzinemitsetsa, namaʋara, nedzakaita pfumbu.
11
Ipapo mutumŋa waMŋari akati kwandiri pakurota kwaŋgu: Jakobo! Ini ndikati: Ndiri pano haŋgu.
12
Akati: Ɀino tarira, uʋone, kuti nhoŋgo dzose, dzinokwira ɀipfuwo, dzinemitsetsa, namaʋara, dzakaita pfumbu; nokuti ndaɀiʋona ɀose Rabani ɀaanoita kwauri.
13
Ndini Mŋari weBeteri, paya pawakazodza shoŋgwe, paya pawakandipikira mhiko; ɀino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaɓerekerwa.
14
Ipapo Rakeri naRea ʋakapindura ʋakati kwaari: Ko ticinomugoʋe nenhaka kuimba yaɓaɓa ʋeɗu here?
15
Hatizaʋa saʋatorwa kwaʋari here — Nokuti ʋakatiteŋgesa, ʋakapedza ʋo cose muteŋgo weɗu.
16
Nokuti fuma yose, yakatorerwa ɓaɓa ʋeɗu naMŋari, ndeyeɗu neyaʋana ʋeɗu; naiɀoɀo ɀino ciita hako seɀawaʋudzwa naMŋari.
17
Ipapo Jakobo akasimuka, akataȿisa ʋana ʋake naʋakadzi ʋake pamakamera;
18
akatora ɀipfuwo ɀake ɀose, nefuma yake yose, yaakaŋga aʋuŋganidza, ɀipfuwo ɀaakaŋga apfuwa, ɀaakaŋga aʋuŋganidza paPadani‐arami, kuti aende kunaIsaka ɓaɓa ʋake, kunyika yeKanani.
19
Ɀino Rabani wakaŋga aenda kundoʋeʋura makushe amakwai ake; Rakeri akaɓa cifananidzo cainamatwa caɓaɓa ʋake.
20
Jakobo akanyeŋgedzera Rabani, muAramia, nokuti haana‐kumuʋudza kuti ndotiza.
21
Naiɀoɀo wakatiza neɀose ɀaakaŋga anaɀo; akasimuka, akayambuka Rwizi, akariŋgira kugomo reGiriadi.
22
Ɀino nomusi wetatu Rabani akaʋudzwa kuti Jakobo watiza.
23
Iye akaenda nehama dzake, akamuteʋerera rwendo rwamazuʋa manomŋe; akandomuɓata kugomo reGireadi.
24
Mŋari akaʋuya kunaRabani, muAramia, pakurota ʋusiku, akati kwaari: Cenjera, kuti urege kutaura kunaJakobo cinhu, kana cakanaka kana cakaipa.
25
Rabani akaȿika kunaJakobo. Ɀino Jakobo wakaŋga adzika tente rake mugomo; Rabani nehama dzake ʋakadzika matente aʋo ʋo mugomo reGireadi.
26
Ɀino Rabani akati kunaJakobo: Waita seiko iwe, nokuti wandinyeŋgedzera, ukaenda naʋakunda ʋaŋgu ʋakaita saʋakatapxa nomunondo?
27
Watizireiko pakaʋanda, ukandinyeŋgedzera; wakaregerei kundiʋudza, ndikakutendera kuti uende nomufaro, nenziyo, neŋgoma, noruɗimbga?
28
Hauna‐kunditendera kuti ndiȿete ʋanakomana ʋaŋgu naʋakunda ʋaŋgu. Ɀino waita seɓenzi.
29
Ndinesimba paruʋoko rwaŋgu rokukuitira ɀakaipa; asi Mŋari waɓaɓa ʋako wakataura neni ʋusiku bgazuro, akati: Cenjera, kuti urege kutaura kunaJakobo kana cakanaka kana cakaipa.
30
Ɀino, kana wakaɗa kuenda hako, ɀawakaŋga ucishuʋa ɀikuru imba yaɓaɓa ʋako, wagoɓireiko ʋamŋari ʋaŋgu?
31
Jakobo akapindura, akati kunaRabani: Nokuti ndakaŋga ndicitya; nokuti ndakati: Ɀimŋe muŋganditorera ʋakunda ʋenyu nesimba.
32
Iye wamuŋgawana anaʋamŋari ʋenyu, ŋgaarege kurarama. Ɀino hama dzeɗu dziciri’ko, natsai kutȿaka ɀinhu ɀenyu ɀiri kwandiri, mugoɀitora; nokuti Jakobo wakaŋga asiŋgaziʋi kuti Rakeri wakaŋga aɀiɓa.
33
Ɀino Rabani akapinda mutente raJakobo, nomutente raRea, nomutente raʋarandakadzi ʋaʋiri, asi haana‐kuɀiwana. Ipapo akaɓuɗa patente raRea, akapinda patente raRakeri.
34
Ɀino Rakeri wakaŋga atora ʋamŋari, akaʋaisa mucigaro cekamera, akagara pamsoro paɀo. Rabani akaɓata‐ɓata pose mutente, asi haana‐kuɀiwana.
35
Iye akati kunaɓaɓa ʋake: Ishe waŋgu ŋgaarege kutsamŋa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoʋo waʋakadzi uri kwandiri. Iye akatȿakisisa, asi haana‐kuwana ʋamŋari.
36
Ɀino Jakobo akatsamŋa, akapopotera Rabani; Jakobo akapindura akati kunaRabani: Kuɗarika kwaŋgu ndokweiko — Ko kutadza kwaŋgu ndokwei, ɀamanditeʋera neshuŋgu dzakaɗai?
37
Ɀino ɀamaɓata‐ɓata nhumbi dzaŋgu dzose, magowaneiko panhumbi dzose ɀokumba kwenyu — Ɀiisei pano pamberi pehama dzaŋgu nedzenyu, ʋatoŋge pakati peɗu isu ʋaʋiri.
38
Ndakagara nemi makore aya makumi maʋiri; matunɀi enyu amakwai nenhunɀi dzenyu dzembudzi haɀina‐kuȿodza, makondobge enyu amakwai handinakuadya.
39
Ɀakarumŋa neɀikara handina‐kuʋuya naɀo kwamuri; asi ndakaɀiripa ini; makaɀireʋa pamaʋoko aŋgu, kana ɀakaɓiwa masikati, kana ɀakaɓiwa ʋusiku.
40
Masikati ndakafa nezuʋa, ʋusiku necando; hope dzaŋgu dzikabva kumeso aŋgu.
41
Makore aya makumi maʋiri ndakagara mumba menyu; ndakakuɓatirai makore anegumi namanna pamsoro paʋakunda ʋenyu ʋaʋiri, namakore matanhatu pamsoro peɀipfuwo ɀenyu; makashandura muɓairo waŋgu kagumi.
42
Ƌai Mŋari waɓaɓa ʋangu, Mŋari waAbrahama, iye wakatyiwa naIsaka, asaiʋa neni, ɀirokwaɀo muŋgaɗai maindiendisa ndisinecinhu. Mŋari wakaʋona kutambudzika kwaŋgu namaɓasa amaʋoko aŋgu, akakurairai ʋusiku bgazuro.
43
Rabani akapindura, akati kunaJakobo: Ʋakunda aʋa ʋakunda ʋaŋgu; ʋana aʋa ʋana ʋaŋgu; ɀipfuwo iɀi ɀipfuwo ɀaŋgu, neɀose ɀaunoʋona ndeɀaŋgu; nhasi ndiŋgaitei kuʋakunda ʋaŋgu aʋa, kana ʋana ʋaʋo ʋaʋakaɀara?
44
Ʋuya ɀino ŋgatiite suŋgano, ini newe; ciʋe capupu pakati paŋgu newe.
45
Jakobo akatora ibge, akarimisa, rikaʋa shoŋgwe.
46
Jakobo akati kuhama dzake: Ʋuŋganidzai mabge; iʋo ʋakatora mabge, ʋakaita murwi; ʋakadya ipapo pamurwi.
47
Rabani akautumidza Jegari‐sahaduta; asi Jakobo wakautumidza Garidi.
48
Rabani akati: Murwi uyu ŋgaciʋe capupu pakati paŋgu newe zuʋa ranhasi. Naiɀoɀo wakatumidzwa zita rinonzi Garidi;
49
ʋuye ʋo Mizpa, nokuti wakati: Jehova ŋgaarinde pakati paŋgu newe, kana tisiŋgaʋonani.
50
Kana ukazotambudza ʋakunda ʋaŋgu, kana kuwana ʋamŋe ʋakadzi kunze kwaʋakunda ʋaŋgu, hakunomunhu ucaʋa nesu; asi tarira, Mŋari ndico capupu pakati paŋgu newe.
51
Ɀino Rabani akati kunaJakobo: Tarira murwi uyu, tarira shoŋgwe iyi, yandakamisa pakati paŋgu newe.
52
Murwi uyu cicaʋa capupu, neshoŋgwe iyi cicaʋa capupu, kuti ini handiŋgapfuʋuri murwi uyu ndicienda kwauri, newe kuti urege kupfuʋura murwi uyu, neshoŋgwe iyi, ucienda kwandiri, kuti tiitirane ɀakaipa.
53
Mŋari waAbrahama, Mŋari waNahori, Mŋari waɓaɓa ʋaʋo, ŋgaatoŋge pakati peɗu. Jakobo akapika naiye waityiwa naIsaka, ɓaɓa ʋake.
54
Ipapo Jakobo akaɓayira ciɓayiro mugomo; akakoka hama dzake kuti ʋadye ɀokudya; ʋakadya ɀokudya, ʋakaʋata ʋusiku mugomo.
55
Rabani akamuka maŋgwanani, akaȿeta ʋanakomana ʋake naʋakunda ʋake, akaʋaropafadza; Rabani akabva, akadzokera kumusha kwake.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→