bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Genesis 5
Genesis 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 6 →
1
Ndiyeyi buku yamarudzi aAdama. Musi waakasika munhu, Mŋari wakamuita nomufananidzo waMŋari;
2
wakaʋasika murume nomukadzi; akaʋaropafadza, akaʋatumidza zita rinonzi Munhu, musi waʋakasikwa.
3
Adama wakagara makore anezana namakumi matatu, akaɓereka mŋanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti.
4
Mazuʋa aAdama shure kwokuɓerekwa kwaSeti akaŋga ari makore anamazana masere; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
5
Mazuʋa ose oʋupenyu bgaAdama akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matatu, akafa.
6
Seti wakagara makore anezana namashanu, akaɓereka Enoshi;
7
Seti akagara makore anamazana masere namanomŋe shure kwokuɓerekwa kwaEnoshi, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;
8
mazuʋa ose aSeti akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe negumi namaʋiri, akafa.
9
Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamŋe, akaɓereka Kenani;
10
Shure kwokuɓerekwa kwaKenani Enoshi akagara makore anamazana masere negumi namashanu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;
11
mazuʋa ose aEnoshi akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namashanu, akafa.
12
Kenani wakagara makore makumi manomŋe, akaɓereka Maharareri;
13
shure kwokuɓerekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore anamazana masere namakumi manna; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
14
Mazuʋa ose aKenani akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe negumi, akafa.
15
Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akaɓereka Jaredi;
16
shure kwokuɓerekwa kwaJaredi, Maharareri akagara makore anamazana masere namakumi matatu, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;
17
mazuʋa ose aMaharareri akaŋga ari makore anamazana masere namakumi mapfumbamŋe namashanu, akafa.
18
Jaredi wakagara makore anezana namakumi matanhatu namaʋiri, akaɓereka Enoki;
19
shure kwokuɓerekwa kwaEnoki Jaredi akagara makore anamazana masere; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;
20
mazuʋa ose aJaredi akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matanhatu namaʋiri, akafa.
21
Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akaɓereka Metusara;
22
shure kwokuɓerekwa kwaMetusara, Enoki wakafamba naMŋari makore anamazana matatu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
23
Mazuʋa ose aEnoki akaŋga ari makore anamazana matatu namakumi matanhatu namashanu.
24
Enoki akafamba naMŋari, akasazoʋa’po, nokuti Mŋari wakamutora.
25
Metusara wakagara makore anezana namakumi masere namanomŋe, akaɓereka Rameki;
26
shure kwokuɓerekwa kwaRameki, Metusara akagara makore anamazana manomŋe namakumi masere namaʋiri; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
27
Mazuʋa ose aMetusara akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matanhatu namapfumbamŋe, akafa.
28
Rameki wakagara makore anezana namakumi masere namaʋiri; akaɓereka mŋanakomana;
29
akamutumidza zita rinonzi Noa, aciti: Uyu ucatiʋaraidza paɓasa reɗu napakutambudzika kwamaʋoko eɗu, ɀinobva panyika yakatukwa naJehova.
30
Shure kwokuɓerekwa kwaNoa, Rameki akagara makore anamazana mashanu namakumi mapfumbamŋe namashanu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
31
Mazuʋa ose aRameki akaŋga ari makore anamazana manomŋe namakumi manomŋe namanomŋe, akafa.
32
Noa wakaŋga anamakore anamazana mashanu; Noa akaɓereka Shemi, naHami, naJafeti.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50