bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 1
Deuteronomy 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 2 →
1
Aya ndiwo mashoko akataurwa naMosesi kuvaIsiraeri vose vachiri mhiri kwaJorodhani, murenje reArabha pakatarisana neSufu, vari pakati pamaguta aya anoti: Parani neToferu neRabhani neHazeroti neDhizahabhu.
2
Kubva kuGomo reHorebhu uchienda nokugomo reSeiri kundosvika kuKadheshibharinea rwendo rwamazuva gumi nerimwechete.
3
Mugore ramakumi mana pazuva rokutanga romwedzi wegumi nechiposhi vabva Ijipiti, Mosesi akarondedzera vaIsiraeri zvose zvaakarayirwa naTenzi pamusoro pavo.
4
Akavarondedzera izvi abva mukukunda Sihoni mambo wevaAmori aigara muHeshibhoni naOgu mambo weBhashani aigara muAshitaroti nomuEdhirei.
5
Vachiri mhiri kwaJorodhani ikoko, munyika yeMoabhu, Mosesi akatanga kutsanangura mutemo uyu.
6
Akati, “Tichiri kuHorebhu Tenzi Mwari wedu akatiti, ‘Nguva yamagara pagomo pano, yareba.
7
Zvino chisumukai munange nechokumakomo kunyika yevaAmori namatunhu ose akaipoteredza anoti: renje reArabha namakomo namapani neNegevhu namatunhu anotevedza gungwa, nenyika yevaKanani neyeRebhanoni kusvikira kurwizi rukuru rwaYufuratesi.
8
Iyoyi ndiyo nyika yandinokupai. Chipindai muitore muiite yenyu. Ndiyo nyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzibaba enyu vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho nezvizvarwa zvavo.’ ”
9
Mosesi akaenderera mberi achiti, “Panguva iyoyo ndakakutaurirai kuti, ‘Ini handichakwanisi kukutongai ndiri ndoga.
10
Tenzi Mwari wenyu akakuitai kuti muwande. Zvino tarisai muone pari nhasi mawanda senyenyedzi dzedenga.
11
Tenzi Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwanzei kazana kakazanirana. Ngaakukomborerei sokukutsidzirai kwaakaita.
12
Ndakati ko zvino ini ndoga ndingakwanise seiko kutakura nhuna dzenyu nemitoro yenyu nokukakavadzana kwenyu?
13
Chisarudzai varume vane ungwaru vanonzwisisa mumadzinza enyu, vanoziva zvoupenyu ndigovaita vakuru vakuru venyu.’
14
Ipapo imi makanditi, ‘Zvamataura zvakanaka kuti tiite.’
15
Saka ndakatora vakuru vakuru vomumadzinza enyu vane ungwaru vagara noupenyu ndikavaita vatungamiriri venyu vemapoka mamwe ezviuru mamwe amazana mamwe emakumi mashanu mamwe egumi ravanhu. Ndakagadzawo makurukota mumadzinza enyu.
16
“Panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu ndichiti, ‘Inzwai mhosva dzehama dzenyu mutonge zviri pamwero kunyange iri mhosva iri pakati pehama nehama kana mhosva iri pakati pehama kana nomutorwa waagere naye.
17
Musaite chizivano pakutonga. Teererai mhosva yomudiki kana yomukuru zvimwechetezvo. Musanyare munhu uso nokuti kutonga ndokwaMwari. Asi kana kuine mhosva yakaoma yamusingakwanisi kutonga uyai nayo kwandiri ndiinzwe.’
18
Panguva iyoyo ndakakurayirai zvinhu zvose zvamunofanira kuita.
19
“Takasimuka tichibva paHorebhu tikapfuura nomuzigwenga guru rinotyisa riya ramakaona munzira yokumakomo omunyika yavaAmori sokurayirwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu. Takazosvika kuKadheshibharinea.
20
Ipapo ndakati kwamuri, ‘Zvino mazosvika kumakomo omunyika yavaAmori yatinopiwa naTenzi Mwari wedu.
21
Chitarisai muone nyika yamapiwa naTenzi Mwari wenyu. Chiendai mundoitora sokutaura kwakaita Tenzi Mwari wamadzibaba enyu. Regai kutya kana kuzeza.’
22
Mose makauya kwandiri mukati, ‘Ngatitumei varume vanoenda kundotisorera nyika iyoyo, vanozodzoka votiudza nzira yokuenda nayo namaguta atingasvikire.’
23
“Ndakafadzwa nazvo, ndikasarudza varume gumi navaviri ndichitora murume mumwechete mudzinza roga roga.
24
Vakasumuka vakaenda nokunyika yemakomo, vakandosvika kubani reEshikoru vakarisora.
25
Vakadzoka vakabata mumaoko mimwe michero yenyika iyoyo yavakativigira. Vakatiunzirawo shoko rokuti, ‘Nyika yatiri kupiwa naTenzi Mwari wedu yakanaka.’
26
“Asi makaramba kuendako mukatoita zvenyu zvakapesana nezvakarayirwa naTenzi Mwari wenyu.
27
Makanyunyuta muri mumatendhe enyu muchiti, ‘Tenzi anotivenga, saka akatiburitsa kuIjipiti kuzotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze.
28
Zvino toendepiko? Hama dzedu dzatiodza mwoyo dzichiti, Vanhu veko ihofori dzavanhu, vakareba kupfuura isu. Maguta avo makuru ane nhungamakore dzamasvingo. Takaonawo hofori dzokwaAnakimu dziriko.’
29
“Asi ini ndakakutii, regai kuvazeza kana kuvatya.
30
Tenzi Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai sezvaakakuitirai muIjipiti muchizviona nameso enyu.
31
Achakuitirai sezvaakaita kurenje kwamakaona Tenzi Mwari wenyu achikutakurai kwose kwose kwamakaenda somunhu anotakura mwana wake kudzamara musvike pano.
32
Kunyange zvakadaro, hamuna kutenda naTenzi Mwari wenyu.
33
Murwendo rwenyu ndiye aifanotungamira kundokutsvakirai pokudzika matendhe enyu achikutungamirirai nzira yokuenda nayo usiku nomoto, masikati negore.
34
“Tenzi akanzwa zvamakareva zvikamutsamwisa. Akapika achiti,
35
‘Hakuna nomumwe wechizvarwa ichi chakaipa achazoona nyika yakanaka yandakatsidzira kupa madzibaba enyu
36
kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, ndiye achaiona. Iye navana vake, ndichavapa nyika yaakambotsika nokuti akateerera Tenzi nomwoyo wake wose.’
37
Kunyange neni, Tenzi akanditsamwirawo pamusana penyu akati, ‘Newewo hauchambomupinda.’
38
Joshuwa mwanakomana waNuni waunaye, ndiye achapindamo. Mukurudzire nokuti ndiye achatungamirira vaIsiraeri pakutora nhaka iyoyo.
39
“Asi pwere dzenyu dzamakati dzichatapwa pamwechete navana venyu vasati vaziva chakanaka kana chakaipa pari nhasi, ndivo vachapindamo, uye ndivo vandichapa nyika iyoyo kuti ive yavo.
40
Zvino imimi chisimukai mupindukire kurenje, munopinda munzira yokuGungwa Dzvuku.
41
“Imi makandipindura muchiti, ‘Tatadzira Tenzi. Zvino tava kuenda zvedu kundorwa sokuudzwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu.’ Ipapo mumwe nomumwe wenyu akapakata zvombo zvake, muchitofunga zvenyu kuti inyore kukwira kunyika yamakomo.
42
“Tenzi akanditi, ‘Vaudze kuti; regai zvokuenda kundorwa nokuti handinemi mungandokurirwa navavengi venyu.’
43
Ndakakuudzai asi makaramba kunzwa. Makatoita zvenyu zvakapesana nezvavakaudzwa naTenzi, mukaita zvokuzvikudza muchienda kunyika yokumakomo.
44
VaAmori vagere munyika yamakomo vakakubudirai vakakudzingirirai senyuchi, vakakurizhai kubvira paSeiri kundosvika kuHoruma.
45
Makadzoka mukachema kuna Tenzi, asi Tenzi haana kunzwa kuchema kwenyu kana kuteerera kwamuri.
46
Ndokusaka makagara paKadheshi kwenguva ndefu, iya yamakagarapo.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34