bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 26
Deuteronomy 26
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 27 →
1
“Zvino kana uchinge wasvika munyika yaunopiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, waitora wagaramo,
2
pamhando dzose dzembesa dzako kana odzikohwa unofanira kutora dzokutanga dzacho uise mutswanda uende nadzo kunzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako kuisa zita rake kuti rivepo,
3
uende kumupristi anenge ariko panguva iyoyo uti, ‘Nhasi uno ndinoreva pachena kuna Tenzi Mwari wenyu kuti ndakakwanisawo kuva munyika ino iyi makatsidzirwa madzitateguru edu naTenzi kuti tinozopiwa.’
4
“Mupristi ngaatambire tswanda iyoyo andoigadzika paatari yaTenzi Mwari wako.
5
Pana Tenzi Mwari wako ipapo taura uchiti, ‘Baba vangu vaiva muAramu, vaiva munhu aingoti apa garei tamei apa garei tamei, vakaenda kuIjipiti vakagarako nemhuri yavo yavanhu vashomashoma. Vari ikoko vakazova rudzi rukuru, runa simba, runa vanhu vazhinji.
6
VaIjipiti vakatibata zvakaipa vakationesa nhamo vachitiitisa basa rechibharo.
7
Takazochema kuna Tenzi Mwari wamadzibaba edu, Tenzi ndokunzwa kuchema kwedu, ndokuonawo kutambura kwedu nomutoro wedu webasa nokusabatwa zvakanaka kwataiitwa.
8
Tenzi akatiburitsa muIjipiti nesimba rake guru namabasa ake makuru anotyisa nezviratidzo nezvishamiso.
9
Akatiunza kunzvimbo ino akatipa nyika ino, nyika yakanaka yomukaka nouchi.
10
Zvino, hedzinoi mbesa dzokutanga dzomumunda wamakandipa imi Tenzi dzandauya nadzo.’ Unofanira kudziisa pana Tenzi Mwari wako upfugamire Tenzi Mwari wako ipapo.
11
Iwe nemhuri yako nomuRevhi nomutorwa pemberai muchifarira zvinhu zvawakapiwa naTenzi Mwari wako.
12
“Gore rechitatu roga roga, igore rokubvisa chegumi chezvose zvaunowana uchipa muRevhi nomutorwa nenherera nechirikadzi kuti dzidye dzigute mumaguta enyu. Kana wapedza
13
enda undotaura pana Tenzi Mwari wako kuti, ‘Ndatora mumba mangu chikamu chamakatema kuti ndechenyu ndikapa muRevhi nomutorwa nenherera nechirikadzi sokundirayira kwamakaita, handina kumbodarika kana kukanganwa mirao yenyu.
14
Handina kudya chegumi pandaingunochema nhamo yokufirwa, kana kuchibata pandainge ndan'ora, kana kuchipira kumidzimu. Ndakateerera izwi raTenzi Mwari wangu ndikaita zvose sokundirayira kwamakaita.
15
Titarireiwo muri kudenga, kumusha wenyu mutsvene mukomborere vanhu venyu vaIsiraeri nenyika iyi yakanaka yomukaka nouchi yamakatipa sokutsidzira kwamakaita madzibaba edu.’
16
“Nhasi uno Tenzi Mwari wako anoti teerera mitemo nemirao iyoyi, uichengete nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
17
Nhasi wabvuma zvataurwa naTenzi kuti ndiye Mwari wako uye kuti uchafamba munzira dzake, uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, nokuteerera izwi rake.
18
Tenzi abvumawo nhasi kuti imi ndimi vanhu vake chaivoivo sokukutaurirai kwaakaita uye kuti muchachengeta mitemo yake yose.
19
Akati achakusimudzirai pamusoro pendudzi dzavanhu dzose dzaakasika. Muchakudzwa, zita renyu rigorumbidzwa, mugova nomukurumbira, imi mugova rudzi rutsvene rwaTenzi Mwari wenyu sokureva kwake.”
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34