bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 23
Deuteronomy 23
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 24 →
1
“Hakuna munhurume ane zvombo zvake zvakakuvadzwa kana zvakachekwa anobvumirwa kuva nhengo yesangano raTenzi.
2
“Mwana womudondo haabvumirwi kuva nhengo yesangano raTenzi, iye kana vana vake kudzamara kuchizvarwa chake chechigumi.
3
“Hakuna muAmoni kana muMoabhu anobvumirwa kuva nhengo yesangano raTenzi narini wose, iye kana vana vake kusvikira kuchizvarwa chake chechigumi
4
nokuti havana kukuchingurai nechokudya kana nemvura yokunwa pamaibva kuIjipiti, uye nokuti vakakudaidzirawo Bhiriamu mwanakomana waBheori wokuguta rePetori riri kuMesopotamia kuzokurengererai rushambwa.
5
Asi Tenzi Mwari wako haana kuteerera Bhiriamu, akasandura kurengererwa rushambwa ikoko akaita kuti kuve chikomborero nokuti Tenzi Mwari wako akakuda.
6
Usambotsvaka kuwirirana navo kana kuvabatsira muupenyu hwako hwose narini wose.
7
“Usashore muEdhomu nokuti ihama yako. Usashore muIjipiti nokuti iwe wakambovawo mutorwa munyika yake.
8
Vana vavo vechizvarwa chechitatu, ndivo vanozobvumirwa zvavo kuva nhengo yesangano raTenzi.
9
“Kana maenda kundorwa navavengi venyu muri pamusasa muzvichengetedze imi pachenyu kuzvinhu zvakaipa.
10
Kana pakati penyu pane mumwe akan'ora nokuzvirotera anofanira kundogara kunze kwomusasa amborega kupindamo.
11
Kana ava manheru anofanira kushamba muviri. Kana zuva ravira, ngaachidzokera zvake mumisasa.
12
“Iva nenzvimbo kunze kwomusasa kwokuendera.
13
Pazvombo zvokuhondo zvaunenge unazvo unofanira kuvawo nomuchogodo wokucheresa kuitira kuti paunoenda kunze, ndowaunochera nawo chikomba, kana wapedza zvaunoita wozofusira.
14
Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu anofamba-famba mumusasa wenyu kuti akununurei achiisa vavengi venyu mumaoko menyu. Naizvozvo musasa wenyu ngaugare wakachena kuti asazoona tsvina dzakadaro pakati penyu akazokufuratirai.
15
“Kana muranda akatiza tenzi wake, achizopotera kwamuri musamudzosere kuna tenzi wake.
16
Ngaagare nemi kwaanenge asarudza chero muguta ripi zvaro renyu kwaanoda zvake. Regai kumubata zvakaipa.
17
“Ngakurege kuva nomuIsiraeri anova mhombwe kana chifeve chetemberi.
18
Kunyange mari yamunobvisa kuripa zvemhiko dzenyu kuimba yaTenzi Mwari wenyu, regai kuiunza ichibva pamari inowanikwa noufeve kana nezvowumbwa uhwu hwemhombwe nokuti zviito izvozvi zvinosemesa pana Tenzi Mwari wenyu zvose zviri zviviri.
19
“Kana wakweretesa mumwe wako muIsiraeri chinhu, usamuripise mubereko, ingave mari kana chokudya kana chimwewo chinhu chaungangomukweretesa.
20
Kana ari mutorwa ungamuripise zvako mubereko pane zvaunomukweretesa, asi mumwe wako muIsiraeri usamuripise mubereko kuitira kuti Tenzi Mwari wako akukomborere pane zvose zvaunoita munyika yauri kundotora kuti ive yako.
21
“Kana watsidzira Tenzi Mwari wako mhiko usazorega kuita zvaunenge watsidza nokuti Tenzi Mwari wako anotarisira kuti utoita chete zvawakatsidza ukarega kuzviita chatova chitadzo.
22
Asi ukarega kupika mhiko hachisi chitadzo kwauri.
23
Nyatsoita nomazvo zvaunenge wataura nomuromo wako nokuti wakatsidzira Tenzi Mwari wako mhiko nomuromo wako pasina kumanikidzwa.
24
“Kana ukapinda nomumunda womumwe wako wemagirepisi, idya zvako magirepisi pamadiro ugute, asi rega kuisa mamwe mumudziyo wokutakurira.
25
Kana ukapinda nomumunda womumwe wako uchiine mbesanwa dzisati dzakohwiwa tanha zvako hura dzadzo namaoko asi usazoita zvokumweta nejeko.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34