bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 19
Deuteronomy 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 20 →
1
“Kana Tenzi Mwari wako akudzingira marudzi ane nyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako, ukange wavatorera nyika wogara mumaguta avo nomudzimba dzavo,
2
munofanira kuzvitsaurira maguta matatu munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive yenyu.
3
Ganhurai nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu muzvikamu zvitatu, mugadzire nzira dzinoenda kumaguta acho kuitira kuti munhu anenge auraya mumwe atizire kundopoterako.
4
Iwoyu ndiwo murao wokuti munhu anenge auraya mumwe mukusaziva pasina ruvengo akange atizirako apunyuke rufu.
5
Zvingaitike kuti munhu oenda musango kundotema miti aine mumwe wake, poti achitema muti kudaro, demo rake roguka rotema mumwe wake obva afa. Nyakuuraya mumwe ngaatizire kune rimwe ramaguta iwayo kundopoterako apunyuke rufu.
6
Kana kokutizira kukaita kure, mutsivi weropa rehama angadaro akamuronda akamubata panzira, nehasha dzaanenge anadzo akamuuraya iye asingakodzere kuurayiwa nokuti anga asingavenge mumwe wake.
7
Ndokusaka ndichikutii munofanira kuzvitsaurira maguta matatu.
8
“Kana Tenzi Mwari wako azokudza-kudza nyika sokutsidza kwaakaitira madzitateguru ako achikupa nyika yose yaakati achavapa
9
ndokungewoka watochengeta mitemo iyoyi yose yandiri kukuudza nhasi uno uchida Tenzi Mwari wako, uchifamba munzira dzake dzose nguva dzose. Ipapo ndopaunofanira kunge wowedzera mamwe maguta matatu pamatatu aye aye
10
nokuti ropa risina mhaka ringangoteurwa mukati menyika yenyu yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu mukazova nemhosva yokudeura ropa.
11
“Asi kana munhu achivenga mumwe wake akamuhwandira akamurwisa akamukuvadza zvakaipisisa akafa, nyakumuuraya akatizira kune rimwe ramaguta aya,
12
vakuru vakuru vomuguta rake ngavatume vanhu kundomutora ikoko vamuise mumaoko meanofanira kutsiva ropa rehama yake kuti aurayiwe.
13
Rega kumuitira tsiyenyoro asi bvisa mhosva yeropa risina mhaka muIsiraeri kuti zvikufambire zvakanaka.
14
“Usasudurudze chitata chamabwe chomuganho womunda womumwe wako chakaiswa navakuru vekare mumana rako munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako.
15
“Munhu haanganzi ane mhosva noumboo hwechapupu chimwechete pamhosva ipi neipi yaanonzi akapara kana akakanganisa. Panotosungirwa kuva nezvapupu zviviri kana zvitatu kuti anzi ane mhosva.
16
Kana chapupu chenhema chikasimuka chichipomedzera munhu kuti akakanganisa,
17
pakadaro vose vari vaviri ngavandomira pana Tenzi padare ravapristi navatongi vari pabasa mazuva iwayo.
18
Vatongi ngavanyatsobvunzurudza. Kana zvikabuda pachena kuti uchapupu hwake ndohwenhema anga achingopomera mhosva mumwe wake zvisizvo,
19
ngaapiwe chirango chakarecho chaanga achida kuti mumwe wake apiwe. Nokudaro uchabvisa huipi hwakadai pakati penyu.
20
Vamwe vose vachazvinzwa, vakatya vakarega kuzoitazve chakaipa chakadai mukati menyu.
21
Usamuitire tsiyenyoro upenyu ngahutsiviwe noupenyu, ziso neziso, zino ngaritsiviwe nezino, ruoko noruoko, gumbo richitsiviwawo negumbo.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34