bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 10
Deuteronomy 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 11 →
1
“Panguva iyoyo Tenzi akanditi, ‘Veza mafendefa maviri amabwe akafanana naaye okutanga ukwire nawo muno mugomo kwandiri ugadzire bhokisi ramapuranga.
2
Pamafendefa iwayo ndichanyora zvakanga zvakanyorwa pamafendefa okutanga awakaputsa, ugozoaisa mubhokisi rechitenderano.’
3
“Naizvozvo ndakagadzira bhokisi racho, ramapuranga omuunga. Ndakavezawo mafendefa maviri amabwe akafanana naaye okutanga, ndokukwira nawo mugomo ndakaabata mumaoko.
4
Sapakutanga, Tenzi akanyora pamafendefa iwayo mitemo gumi yamakanga mataurirwa naTenzi ari pagomo paya paya, ari mukati memoto pazuva riya riya romusangano, Tenzi ndokuapa kwandiri.
5
Ndakatendeuka ndokuburuka mugomo. Sokuudzwa kwandakanga ndaitwa, ndakaisa mafendefa aye mubhokisi riya randakanga ndagadzira, arimo nanhasi uno.”
6
VaIsiraeri vakabva pamatsime avanhu vokwaJaakani ndokundosvika kuMosera. Ndiko kwakafira Aroni akavigwa ikoko, ndokubva Ereazari mwanakomana wake ava mupristi panzvimbo yababa vake.
7
Vakasimudzira rwendo rwavo vakaenda kuGudhigodha. Vakazobva paGudhigodha, vakandosvika kuJotibhata nyika yetukova twemvura.
8
Panguva iyoyo Tenzi akatsaura dzinza raRevhi kuti rive rokutakura bhokisi rechitenderano chaTenzi, nokumushandira nokukomborera vanhu muzita rake kusvikira nhasi uno.
9
Ndokusaka vedzinza raRevhi vasina kupiwa chikamu chenyika kana nhakawo yavo sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naTenzi Mwari wavo.
10
“Sapakutanga paya ndakagara mugomo siku nesikati kwamazuva makumi mana. Tenzi akandinzwawo panguva iyoyo, ndokubva arega kukuparadzai.
11
Tenzi akanditi chienda utungamirire vanhu kuti vandopinda vatore nyika yandakatsidzira kupa madzitateguru avo.”
12
“Zvino nhai Isiraeri, Tenzi anoda kuti uiteiko? Anoda kuti utye Tenzi Mwari wako, ufambe nomunzira dzake dzose, umude. Ushandire Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose.
13
Uteerere mitemo yaTenzi, nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno, kuti zvikunakirei.
14
Chinzwa, denga kusvikira kwose kwarinoperera chaiko, nenyika nezvose zvirimo, ndezvaTenzi Mwari wako.
15
Asi Tenzi Mwari wako akafadzwa namadzitateguru ako, akavada. Akazosarudza imi vana vavo mukati memarudzi ose avanhu sezvazviri nhasi uno.
16
Saka chibvisai mumwoyo menyu zvose zvoumhandupandu izvi, mukande pasi zvose zvoundambakuudzwa,
17
nokuti Tenzi Mwari wenyu, “NdiMwari wavamwari, ndiMambo wamadzimambo, mukuru ane simba. NdiMwari anotyisa asina rusaruro, anosema zvepfumbamuromo.
18
Nherera nechirikadzi anoona kuti dzaitirwa zvine ruenzaniso. Mutorwa anomuda anomupawo zvokudya nezvokupfeka.
19
“Naizvozvo imi idai mutorwa nokuti makambovawo vatorwa muIjipiti.
20
“Itya Tenzi Mwari wako umushandire, urambe wakati kwati kwati naye, upike nezita rake.
21
Ndiye waunofanira kurumbidza, ndiye Mwari wako akakuitira zvinhu zvikuru zvinokatyamadza zvawakaona iwe nameso ako.
22
“Madzitateguru ako akaenda kuIjipiti vari makumi manomwe avanhu. Asi zvino Tenzi Mwari wako akakuitai kuti muwande senyenyedzi dzedenga.”
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34