bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 25
Deuteronomy 25
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 26 →
1
“Kana vanhu vaviri vakaitirana nharo, vakaenda kudare, dare rotaura kuti, ‘Uyu ane mhosva, uyu haana mhosva,’
2
nyakubatwa nemhosva onzi ngaarohwe, mutongi achamuti azvambarare pasi arohwe shamhu dzinokodzerana nemhosva yake iye aripo.
3
Angarohwe shamhu makumi mana asi ngadzirege kupfuura ipapo, nokuti kana akarohwa shamhu dzinopfuuridza ipapa ingadaro hama yako ikafumurwa iwe uchiona.
4
“Usaise mombe matomhu paunenge uchiipurisa mbesanwa.
5
“Kana vanakomana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe obva afa asina mwana mukomana, chirikadzi yaanosiya haifaniri kuroorwa nomutorwa. Muramu wake ngaamugarire nhaka achengetedzewo murao wenhaka.
6
Mwana mukomana waanotanga kubereka achapiwa zita romuchakabvu kuitira kuti rirege kutsakatika muIsiraeri.
7
Kana muramu uya asingadi kugara nhaka mukadzi womukoma kana munun'una wake ngaaende kuvakuru vakuru kuzambara kundomhan'ara achiti, ‘Muramu wangu ari kuramba kumutsiridza zita rehama yake muIsiraeri muno. Ari kuramba kuita basa rake rokundigarira nhaka.’
8
Ipapo vakuru vakuru vomuguta rake ngavamudaidze vataure naye. Kana akarambisisa achiti, ‘Handidi kutora mukadzi iyeyo.’
9
Mukadzi uya ngaaende kumuramu wake omubvisa shangu yake, omupfira mate kuuso, vakuru vakuru varipo obva ati, ‘Izvi ndizvo zvinoitwa kumunhu asingadi kuti musha womukoma kana munun'una wake ukure.
10
Zita rake muIsiraeri muno richanzi; Imbayanyakubviswashangu.’
11
“Kana varume vaviri vachirwisana, mukadzi womumwe akauya kuzokutsira achibatsira murume wake, akakata zvombo zvomumwe wacho,
12
dimurai ruoko rwomukadzi iyeyo musingamunzwiri tsitsi.
13
“Usave nezviereso zviviri zvine mwero yakasiyana, zvinoti chimwe chikuru chimwe chiduku muchijosaka chako.
14
Mumba mako usave nezviereso zviviri zvine mwero isina kuenzana zvinoti chimwe chikuru chimwe chiduku.
15
Unosungirwa kuva nezviereso nezvokupimisa zvechokwadi zviri pamwero kuti mazuva ako awande munyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako.
16
Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wako haambodi zvake vanhu vanoita izvozvi zvoujarijari hwokubiridzira.
17
“Rangarira zvakaitwa naAmareki kwamuri muri murwendo rwokubva kuIjipiti.
18
Zviya zvaakakuvinga panzira nehondo akakufuta neshure pawakanga waneta warukutika, akauraya vamwe venyu vose vakanga vaneta vasaririra shure asingambotya zvake Mwari.
19
Naizvozvo, kana Tenzi Mwari wako azokupa zororo kuvavengi vako vose vari munharaunda yenyika yako yauri kupiwa naTenzi Mwari wako kuti ive yako, tsakatisa rudzi rwaAmareki pasi pano, usakanganwe.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34