bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 3
Deuteronomy 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 4 →
1
“Takazosimudzira rwendo toenda kuBhashani. Ogu mambo weBhashani, akativinga navanhu vake vose kuzotirwisa kuEdhirei.
2
Asi Tenzi akanditi, ‘Usamutye nokuti iye navanhu vake vose, nenyika yake yose, ndavaisa mumaoko ako. Uchaita kwaari zvawakaita kuna Sihoni mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni.’
3
“Saka Tenzi Mwari wedu akaisawo Ogu mambo weBhashani navanhu vake vose mumaoko edu. Takavarakasha zvokuti hakuna nomumwe wavo watakasiya ari mupenyu.
4
Ipapo takatora maguta ake ose, hakuna guta ratisina kuvatorera. Takatorera Ogu nyika yaaitonga muBhashani, maguta makumi matanhatu, ari munyika yeArigobhu.
5
Maguta ose iwaya aiva akakomberedzwa netsvingo ndefu, nemisuo mikuru ine zvihuri, nemimwewo misha yakanga isina tsvingo.
6
Takanyatsoaparadza sezvatakaita kuna Sihoni mambo weHeshibhoni. Takaparadza maguta ose navarume navakadzi nepwere.
7
Mombe nezvinhu zvomumaguta ndizvo zvatakapamba.
8
“Panguva iyoyo takatora nyika dzamadzimambo maviri avaAmori, vaigara mhiri kwaJorodhani, kubvira kubani reArinoni kundosvika kugomo reHerimoni.
9
(VaSidhoni vanoriti Sirioni, vaAmori vachiriti Seniri.)
10
Takatora maguta ose apamutunhu neGireadhi yose neBhashani yose kusvikira kuSareka neEdhirei maguta omuBhashani nyika inotongwa naOgu.
11
(Ogu mambo weBhashani ndiye woga worudzi rwehofori dzavaRefaimu akanga achiri mupenyu. Zvinongooneka neguva rake resimbi riri kuRabha guta revaAmoni. Guva racho rakareba mamita mana, upamhi hwaro hwakaita mamita anenge maviri nomwero chaiwo wamamita).
12
“Patakatora nyika iyoyi, ndakapa vedzinza raRubheni nevedzinza raGadhi nyika inobvira kuguta reAroero riri pedyo nebani raArinoni nechidimbu chenyika yeGireadhi nemaguta ayo.
13
Chimwe chidimbu cheGireadhi chakasara, nenyika yeBhashani yose yaitongwa naOgu ndakaipa kuchidimbu chedzinza raManase. (Zvinoreva kuti nyika yose yeArigobhu kusvikira kuBhashani inotumidzwa kuti nyika yehofori dzavaRefaimu.
14
Jairi wedzinza raManase akatora nyika yose yeArigobhu inonzi Bhashani kundosvika kumuganho wavaGeshuri navaMaaka, ndokutumidza maguta iwayo nezita rake kuti maguta aJairi, zvaari nanhasi).
15
“Ndakapa nyika yeGireadhi kuna Makiri.
16
Vedzinza raRubheni nevedzinza raGadhi ndakavapa kubvira kuGireadhi kusvikira kubani raArinoni, muganho wenyika yavo uri pakati pebani iroro kundosvika kuna Jabhoko runovaganhuranisa nevaAmoni.
17
Muganho wayo wokumadokero irenje reArabha naJorodhani kubvira kuchamhembe kugungwa reKinereti zvichienda kumaodzanyemba kuGungwa reMunyu kusvikira mujinga meGomo rePisiga kumabvazuva.
18
“Ipapo ndakakuudzai kuti, ‘Tenzi Mwari wenyu akakupai nyika iyoyo kuti muiite yenyu. Varwi venyu ngavapakate zvombo zvavo vayambuke Jorodhani vatungamire mberi kwehama dzavo vaIsiraeri.
19
Asi madzimai enyu nepwere dzenyu nemombe dzenyu, zvose zvichasara zviri mumaguta andakakupai. (Ndinozviziva kuti mune mombe zhinji.)
20
Muchaita izvozvi kudzamara Tenzi apawo hama dzenyu nzvimbo dzokuchizorora sezvaakakuitiraiwo imi. Kusvikira vatora nyika yavari kupiwa naTenzi mhiri kwaJorodhani. Mumwe nomumwe wenyu ndipo paachazodzokera kunhaka yake yandakamupa.’
21
Panguva iyoyo ndakaudza Joshuwa kuti, ‘Wakaona nameso ako zvose zvakaitwa naTenzi kuna madzimambo maviri aya. Ndizvo zvichaitwa naTenzi kuna madzimambo ose amuchayambukira.
22
Musambovatya nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye anokurwirai.’
23
“Panguva iyoyo ndakateterera kuna Tenzi ndichiti,
24
‘Nhai Tenzi Mwari ndinozviziva kuti zvose zvamakandiratidza zvinongova mavambo oukuru hwenyu nesimba renyu nokuti ariko here Mwari kudenga kana pasi pano angaite mabasa akadaro namasimba angaenzaniswa neenyu?
25
Ndapota ndibvumireiwo kuyambukira mhiri kwaJorodhani ndingondoonawo nyika iyoyo yakanaka ikadai, nyika yamakomo yakanakisisa neRebhanoni.’
26
“Asi Tenzi akandishatirirwa nokuda kwenyu, akasandinzwa. Ipapo Tenzi akanditi, ‘Zvakwana, chirega kutaurazve nezvenyaya iyi kwandiri.
27
Chikwira pamusoro pegomo utarise kumadokero nokuchamhembe nokumaodzanyemba nokumabvazuva uione nameso ako nokuti iwe hausi kuzoyambuka Jorodhani.
28
Asi taurira Joshuwa umukurudzire nokumushingisa nokuti ndiye achatungamirira vanhu ava kuyambuka vachindotora nyika iyoyo yauchaona kuti ive yavo.’
29
“Naizvozvo takaramba tiri mubani rakatarisana neBhetipeori.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34