bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 30
Deuteronomy 30
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 31 →
1
“Kana makomborero aye nemajambwa andakakuudza azoitika kwauri, wazviyeuka uri pakati pamarudzi avanhu okwauchaendeswa naTenzi,
2
ukadzokera kuna Tenzi Mwari wako, iwe navana vako mukamuteerera mochengeta zvose zvandiri kukuudzai nhasi uno nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose,
3
ipapo Tenzi Mwari wenyu achashandura nhamo yenyu youtapwa, achakunzwirai tsitsi agokukokorodzai zvakare kubva kumarudzi avanhu ose kwamakamboparadzirwa naTenzi Mwari wenyu.
4
Kunyange vamwe venyu vakaendeswa kure kure kwakaperera nyika, Tenzi Mwari wenyu achakukokorodzai achikudzorai kubva ikoko.
5
Tenzi Mwari wako achakuunza munyika yemadzibaba ako kuti ive yako zvakare. Achakupfumisa agoita kuti muwande kupfuura madzibaba enyu.
6
Tenzi Mwari wako achaita kuti iwe navana vako muve nomwoyo wakatendeseka kwaari kuitira kuti ude Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose ugorarama.
7
Tenzi Mwari wako achazoisa majambwa ose aya pavavengi vako nemhandu dzako dziya dzaikutambudza.
8
Unofanira kuzoteererazve Tenzi Mwari wako uchengete mitemo yake yose yandiri kukuudza nhasi uno.
9
Tenzi Mwari wako achakupfumisa kwazvo pane zvose zvauchaita namaoko ako, achakupa vana vazhinji, nemombe dzakawanda nezvokukohwa zvizhinji nokuti Tenzi achakufarira achikuita kuti ubudirire sokufarira kwaakaita madzibaba ako,
10
ndokunge wateerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, uchichengeta mitemo nemirao yake yakanyorwa mubhuku iri romutemo, uye ndokungewo wadzokera kuna Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
11
“Ndinodaro nokuti mutemo uyu wandiri kukupa nhasi uno hausi mutemo wakanyanya kukuomera, uye hausi kure newe.
12
Hausiri kudenga zvokuti ungati, ‘Ndiani angakwire kudenga kundotitorera murao wacho kuti tiunzwe tiuchengete?’
13
Hausiri kumhiri kwegungwa zvokuti ungati, ‘Ndianiko angatiyambukire gungwa kundotiunzira murao wacho tiunzwe tiuchengete?’
14
Asi murao wacho unawo pauri ipapo, uri parurimi rwako, uri mumwoyo mako kuti uuchengete.
15
“Chinzwa, nhasi uno ndaisa pamberi pako, uku upenyu nezvakanaka uku rufu nezvakaipa.
16
Kana ukachengeta mitemo yaTenzi Mwari wako yandiri kukuudza nhasi uno, ukada Tenzi Mwari wako nokufamba munzira dzake uchichengeta zvirevo nemitemo nemirao yake, muchagara zvenyu mugowanda, ipapo Tenzi Mwari wenyu achakukomborerai munyika yamuri kundotora kuti ive yenyu.
17
Asi iwe ukatsauka zvako nomwoyo wako uchiramba kuteerera uchizokweverwa kundopfugamira vamwe vamwari uchivashandira,
18
ndinokuudzai nhasi uno kuti muchaparadzwa hamuzogara mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambukira Jorodhani kundotora kuti ive yenyu.
19
Denga nenyika ngazvindipupurirewo nhasi uno kwauri kuti ndakuisira uku upenyu, uku rufu uyewo uku chikomborero, uku rushambwa kuti uzvisarudzire. Saka chisarudza upenyu kuti urarame iwe navana vako,
20
ude Tenzi Mwari wako, umuteerere, uti kwati kwati naye nokuti ndiye upenyu hwako nezvo achakupa mazuva mazhinji okuti ugare munyika yakatsidzwa naTenzi kupa madzitateguru ako vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho.”
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34