bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 22
Deuteronomy 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 23 →
1
“Rega kuti ukaona mombe kana hwai yehama yako muIsiraeri ichitetereka woita sousingaioni, idzorere kwaari.
2
Kana asiri pedyo newe usingamuzivi enda nayo undoichengeta kumusha kwako kusvikira mumwe wako uya aibvunza, unofanira kumudzosera.
3
Izvozvo ndozvauchaita kana waona dhongi rake kana hanzu yake kana chimwe chinhu zvacho chomumwe wako chaanenge arasa. Usaite sousina hanya nacho.
4
“Kana ukaona mombe kana dhongi romumwe wako muIsiraeri rawira pasi pamugwagwa usaite sousina hanya naro. Mubatsire kurimutsa.
5
“Munhukadzi ngaarege kupfeka hanzu dzinopfekwa nomunhurume. Munhurume ngaarege kupfeka hanzu dzinopfekwa navakadzi. Ani naani anoita izvozvo anosemesa Tenzi Mwari wenyu.
6
“Kana ukaona dendere reshiri mumuti kana pasi zvapo munenge muine shiri yakavhumbamira manyana ayo, kana kurindira mazai ayo, usabate mai vacho nokutorawo manyana ayo kana mazai ayo.
7
Rega mai vacho vaende zvavo, ugotora zvako manyana kuti zvikufambire zvakanaka urarame panyika kwamazuva mazhinji.
8
“Kana wavaka imba itsva ine denga rakati sandara vakira kumucheto kwaro chinodzivirira kuti vanofambapo varege kutozomoka. Kana wadaro hauzovi nemhosva yeropa romunhu angangotozomokapo.
9
“Usadyare mbeu mbiri mumunda wako wemagirepisi. Kana ukangodaro, mbeu dzawakadyaramo nemichero yemagirepisi zvava kuera kwauri.
10
“Usarime nemombe nedhongi zvakasungwa pajoko rimwechete.
11
“Usapfeke hanzu yakarukwa neshinda dzemhando dzakasiyana yewuru neyerineni pamwechete.
12
“Sonerera masa pamakona mana echari yaunofuka.
13
“Kana murume akaroora mukadzi akagara naye akazoti haachamuda,
14
achimufumura nezvaanomupomera nokuipisa zita rake achiti, ‘Ndakatora mukadzi uyu asi ndakamuwana asisina umhandara.’
15
“Zvino baba namai vomukadzi iyeyo ngavaunze zvinoratidza kuti paiva noumhandara kuvakuru vakuru kusuo reguta.
16
Baba vomukadzi iyeyo vachaudza vakuru vakuru vachiti, ‘Ini ndakaroodza mwana wangu kumurume uyu. Zvino haachamuda.
17
Hezvo akamufumura achimupomera kuti haana kuwana umhandara pamwana wangu. Asi zvinoratidza umhandara hwake ndezvizvi.’ Vachabva vatambanudza jira pameso avakuru vakuru veguta.
18
Vakuru vakuru vaya ngavatore murume wacho vamurove.
19
Ngavamuripise mari inokwana zana remari yesirivha, vaipe baba womukadzi wake nokuti akasvibisa zita remhandara yeIsiraeri. Acharamba ari mukadzi wake uye murume iyeyo haabvumirwi kuzoramba mukadzi iyeyo upenyu hwake hwose.
20
“Asi kana chiri chokwadi chokuti zvinoratidza umhandara hwomusikana iyeyo hazvina kuonekwa,
21
ngaaunzwe kumusuo wemba yababa vake. Varume vomuguta iroro ngavamuteme namatombo afe nokuti akaita unzenza muIsiraeri nokuita ufeve ari pamba pababa vake. Nokudaro muchaita kuti huipi hwakadai hupere pakati penyu.
22
“Kana murume abatwa akarara nomukadzi womuridzi, gombarume iroro nomukadzi iyeyo vose vari vaviri ngavaurayiwe kuitira kuti mubvise huipi hwakadai pakati pevaIsiraeri.
23
“Ngatiti mhandara ichangobva mukuroorwa yaonekwa nomumwe murume muguta obva arara nayo.
24
Vatorei muende navo kugedhi kusuo guru romuguta iroro muvateme namabwe vafe, vose vari vaviri. Musikana anofira nyaya yokuti kunyange zvake aiva muguta haana kuridza mhere. Murume anofirawo nyaya yokufumura mukadzi womuridzi. Naizvozvo muchaita kuti huipi hwakadai upere pakati penyu.
25
“Asi kana murume akaona mhandara musango ichangobva kuroorwa akaibata chibharo, murume iyeyo chete akavata naye, ndiye anofanira kuurayiwa.
26
Asi musikana iyeyo musamurange. Haana mhosva inokodzera rufu. Mhosva yakadai yakafanana nemhosva yemunhu anomukira mumwe wake achimuuraya.
27
Ndinodaro nokuti murume uyu akasangana nemhandara iyi musango, kunyange dai yakaridza zvayo mhere hapana aiinunura.
28
“Kana murume akaona mhandara isati yaroorwa akaibata chibharo kana vakawanikidzwa,
29
murume iyeyo ngaape baba vomusikana makumi mashanu emari yesirivha. Musikana iyeyo achava mukadzi wake nokuti akamufumura. Haabvumirwi kurambana nomukadzi iyeyo upenyu hwake hwose.
30
“Hakuna munhu anobvumirwa kutorana nomukadzi wababa wake nokuti anenge azvidza baba vake nokupinda mumba mavo kwaanenge aita.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34