bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 16
Deuteronomy 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 17 →
1
“Rangarira mwedzi waAbhibhi ugoita Mabiko ePasika yaTenzi Mwari wako nokuti mumwedzi waAbhibhi Tenzi Mwari wako akakuburitsa muIjipiti nousiku.
2
Unofanira kupira chibayiro chePasika kuna Tenzi Mwari wako chichibva mumatanga ezvimwe zvipfuwo kana emombe dzako undopira panzvimbo yaachasarudza kuti aise zita rake.
3
Mabiko acho usaadye nechingwa chine mbiriso. Pedza mazuva manomwe uchiadya nechingwa chisina mbiriso, chingwa chomunhamo, kuitira kuti muupenyu hwako hwose urangarire zuva rawakabuda muIjipiti uchiita zvechimbichimbi kutiza.
4
Mumazuva manomwe iwayo ngakurege kuva nomunhu anoonekwa aine mbiriso munyika yenyu yose. Nyamawo yechibayiro chamunopira manheru ezuva rokutanga ngairege kusvika mangwana ichiripo.
5
“Pamaguta ose aunopiwa naTenzi Mwari wako, haubvumirwi kupira chibayiro chePasika muguta rose rose zvaro,
6
asi panzvimbo ichasarudzwa naiye Tenzi Mwari wako kuti aise zita rake. Ipapo ndipo pauchapira chibayiro chePasika manheru zuva rovira, panguva yawakabuda muIjipiti.
7
Nyama yacho bikira nokuidyira panzvimbo ichasarudzwa naTenzi Mwari wako. Mangwanani acho wofumodzokera zvako kwauri kugara.
8
Unofanira kudya chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. Pazuva rechinomwe unganidzanai pana Tenzi Mwari wenyu muite musangano mukuru. Regai kuita basa musi iwoyo.
9
“Unofanira kuverenga mavhiki manomwe, utange kuaverenga kubvira panguva yaunotanga kusimudzira jeko kucheka mbesa dzako mumunda,
10
wozoitira Tenzi Mwari wako zuva guru rokupemberera kukohwa wakabata chipo chomupiro wokupa nokuda kwako waunopa maererano nokukomborerwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako.
11
Pembera uchifara pana Tenzi Mwari wako panzvimbo yaakasarudza kuisa zita rake iwe navana vako vakomana navasikana, nomuranda wako wechikadzi newechirume nomuRevhi agere muguta rako, nomutorwa nenherera nechirikadzi vari pakati penyu.
12
Rangarira kuti waiva muranda muIjipiti, saka chenjerera kuchengeta mirao iyoyi.
13
“Munofanira kuchengeta Mazuva Makuru aMatumba kwamazuva manomwe mapedza kupura nokusvina magirepisi enyu.
14
Pembera uchifara pamazuva ako iwayo, iwe navanakomana vako navanasikana vako navaranda vako vechikadzi nevechirume pamwechete navaRevhi nenherera nechirikadzi vari mumaguta enyu.
15
Mazuva manomwe ngaaperere mukupemberera Tenzi Mwari wako muri panzvimbo yaachasarudza nokuti Tenzi Mwari wako achakukomborera pane zvaunokohwa zvose nebasa rose ramaoko ako, mugonyatsofara zvenyu.
16
“Vanhu venyu vose vechirume vanofanira kuuya kuna Tenzi Mwari wenyu katatu pagore, kunzvimbo yaachasarudza. Ngavauye paMazuva eChingwa Chisina Mbiriso, napaMazuva Makuru aMavhiki oKupemberera Kukohwa napaMazuva Makuru aMatumba. Hapana anouya akangobata maoko chete.
17
Munhu wese anofanira kupa sokugona kwake maererano nokukomborerwa kwaakaitwa naTenzi Mwari wako kwaanenge akupa.
18
“Unofanira kusarudza vatongi namakurukota mumaguta ako ose aunopiwa naTenzi Mwari wako mudzinza nedzinza. Ngavaite ruenzaniso pakutonga kwavanoita vanhu.
19
Usatsaudzire pakutonga. Rega kunyara maziso avanhu. Usagamuchire pfumbamuromo nokuti pfumbamuromo inodzimaidza munhu ane ungwaru, inopa kuti munhu akarurama ataure zvake zvisizvo.
20
Saka ruenzaniso, ruenzaniso chete ndirwo rwaunosungirwa kutevedza kuitira kuti urarame ugogara nhaka yenyika yauri kupiwa naTenzi Mwari wako.
21
“Rega kudzika chimuti chinomiririra Ashera pedyo neatari yaTenzi Mwari wako.
22
Regawo kumisa chero chimufananidzo zvacho chisingadiwi naTenzi Mwari wako.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34