bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 15
Deuteronomy 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 16 →
1
“Pose panongoti perei gore rechinomwe usareve chikwereti.
2
Zvamuchaita ndezvizvi: munhu wose anenge akakweretesa mumwe wake chinhu ngaarege kuchireva. Ngaarege kuchibvunza kuhama yake kana kuno mumwe muIsiraeri nokuti zvakataurwa naTenzi zviya zvokusazoreva chikwereti zvinenge zvatovapo.
3
Ungareve zvako chikwereti kumutorwa, asi rega kuchireva kune mumwe wako muIsiraeri.
4
“Hapachazovi nomurombo pakati penyu nokuti Tenzi achanyatsokukomborerai munyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.
5
Ndokunge wanyatsoteerera zvinorehwa naTenzi Mwari wako, uchingwarirawo kuchengeta mitemo yose yandinokupa nhasi uno.
6
Chandinodariro ndechichi chokuti, Tenzi Mwari wako achakukomborerai sokukutsidzirai kwaakaita. Muchakweretesa dzimwe ndudzi dzavanhu zhinji, asi imi musingambokwereti. Imi muchatonga ndudzi dzavanhu zhinji, asi idzo hadzizokutongii.
7
“Kana pakati penyu pane murombo ari hama yako muIsiraeri muguta renyu ripi zvaro munyika yenyu yamunopiwa naTenzi Mwari wenyu musaomesere mwoyo, kana kutadza kutambanudzira ruoko muchipawo hama yenyu murombo iyeyo.
8
Asi muitire tsiyenyoro ugomupa chikwereti chinokwanirana nechose chaanenge achida chacho.
9
Chenjerera kuti urege kufunga zvakaipa mumwoyo mako uchiti, ‘Zvino gore rechinomwe, gore rokusazoreva chikwereti hero rosvika,’ woomesera mwoyo hama yako murombo uchimunyima. Achachema newe kuna Tenzi chikazova chitadzo kwauri.
10
Mupe zvako wakasununguka usinganyunyuti mumwoyo mako pakumupa kwaunoita nokuti Tenzi Mwari wako anozokukomborera pabasa rako rose nezvose zvaunoti ndoita.
11
Varombo havazomboperi munyika, naizvozvo ndinokuudza kuti uve noruoko rwakatambanuka runopa hama yako, murombo naasina chokubata ari munyika yenyu.
12
“Kana watengeserwa hama yako, muHebheru, murume kana mukadzi ngaakushandire kwamakore matanhatu. Kana gore rechinomwe rasvika murege abve kwauri aende zvake murusununguko.
13
Paunomurega achibva kwauri achienda zvake murusununguko, usamurege achienda asina chokubata.
14
Mupewo dzimwe mbudzi dzako nehwai dzako nembesanwa dzako neimwe waini yako, usingaite kanyimiramundiro. Mupe maererano nokukomborerwa kwawakaitwa naTenzi Mwari wako.
15
Rangarira kuti wakanga uri muranda kuIjipiti, ukazonunurwa naTenzi Mwari wako, saka ndichikuudza mutemo iwoyu nhasi uno.
16
“Asi kana muranda wako akati, ‘Handidi zvangu kusiyana nemi,’ achidaro nokuti anofarira iwe nemhuri yako achigarawo newe zvakanaka zvichimunakirawo kugara newe,
17
pakadaro apo tora mutsunda, uboorere nzeve yake pagonhi, anobva ava muranda wako narini, kana ari muranda wechikadzi itawo saizvozvo kwaari.
18
Paunopa rusununguko muranda wako kuti aende zvake, ngachirege kuva chinhu chakakuomera nokuti basa raakakuitira kwamakore matanhatu rinopfuura basa rinoitwa nomushandi anotambiriswa mari rwakapetwa ruviri. Pakadaro Tenzi Mwari wako achakukomborera kakapetwa ruviri pane zvose zvaunoita.
19
“Matangwe ose emombe dzako neezvimwe zvipfuwo zvako anenge ari mikono, atsaurire Tenzi Mwari wako. Usaitise basa matangwe emombe kana kuveura makushe amatangwe ezvimwe zvipfuwo zvako.
20
Gore negore enda nemhuri yako undoadyira kuna Tenzi Mwari wako panzvimbo yaanenge asarudza.
21
Asi kana chipfuwo ichocho chine chinoshoreka pachiri, sezvakaita kuremara kana kupofomara kana chimwe chakaipa zvikuru, usachiite chibayiro kuna Tenzi Mwari wako.
22
Chidyirei zvenyu mumaguta enyu. Munhu wose angachidye zvake, anenge an'ora kana asina, semadyiro anoitwa mhara kana mhembwe.
23
Asi ropa racho ndiro chete ramusingadye riregei rirasikire pasi semvura.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34