bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 8
Deuteronomy 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 9 →
1
“Ngwarirai kunyatsochengeta mitemo yose yandiri kukupai nhasi uno, kuti murarame, muwande, muzokwanisa kuenda kunyika yakatsidzirwa madzitateguru enyu naTenzi, mundoitora kuti ive yenyu.
2
Rangarira zvose zvawakaona murwendo rwawakatungamirirwa naTenzi Mwari wako nomurenje kwamakore makumi mana, akaitira kuti akuninipise. Akakuedza achida kuona paumire, kuti unochengeta here mitemo yake kana kuti kwete.
3
Akakuninipisa, akaita kuti unzwe nzara. Akakupa mana yokudya, yawakanga usingazivi, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako kuti uzive kuti munhu haararame nechokudya chete, asi anorarama nezvose zvinotaurwa nomuromo waTenzi.
4
Hanzu dzako dzaive dziri pauri hadzina kusakara, tsoka dzako hadzina kuzvimba pamakore makumi mana aya.
5
Chiziva nomumwoyo mako kuti sokurayira kunoitwa munhu mwana wake, ndiko kurayira kunoita naTenzi Mwari wako.
6
Naizvozvo chengeta mitemo yaTenzi Mwari wako, uite zvaanoda, umutye
7
nokuti Tenzi Mwari wako ava kuzokuendesa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura nezvisipiti nezvitubu zvemvura inotubuka ichibva pasi pasi mumapani nomuzvikomo.
8
Nyika yekoroni nebhari nemichero yamagirepisi nemionde nemipomogiraneti. Nyika yemiorivhi namafuta nouchi.
9
Nyika yausingashaye chinhu, mauchadya chingwa usingaiti zvokupara. Simbi ndomabwe enyikayo, mumakomo ayo unozochera mhangura.
10
Uchadya uchiguta, ucharumbidza Tenzi Mwari wako nokuti akakupa nyika yakanaka.
11
“Chenjerera kuti ungadaro ukazokanganwa Tenzi Mwari wako, worega kuchengeta zvirevo nemitemo nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno.
12
Ungazoti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka uchigaramo,
13
kana zvipfuwo zvako zvawanda, wava nesirivha nendarama yakawanda, zvose zvaunazvo zvikange zvawanda,
14
wova nomwoyo wokuzvikudza, wokanganwa Tenzi Mwari wako akakuburitsa muIjipiti muuranda.
15
Ari iye akakutungamirira nomuzigwenga guru rinotyisa, makaoma, musina mvura, mune nyoka dzino uturu, mune marize. Akakubudisira mvura pabwe regwenya.
16
Mugwenga imomo ari iye, akakupa mana yokudya, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako. Aida kukuninipisa nokukuedza kuti pakupedzisira azokuitira zvakanaka.
17
Chenjerera kuti urege kufunga mumwoyo mako woti, ‘Upfumi uhu hwakabva musimba ramaoko angu.’
18
Naizvozvo unofanira kurangarira Tenzi Mwari wako nokuti ndiye anokupa simba rinokuwanisa upfumi. Anoita izvi kuti achengete chitenderano chaakapika kumadzitateguru ako sezvazviri pari nhasi.
19
Kana zvikazoitika kuti unokanganwa zvako Tenzi Mwari wako wotevera vamwe vamwari uchivashandira nokuvapfugamira, ndinokutsidzirai nhasi kuti muchapera mose kuti dhu.
20
Samaparadziro amuri kuitirwa mamwe marudzi naTenzi, ndokuparadzwa kwamuchaitwawo naTenzi Mwari wenyu, nokuti makaramba kuteerera izwi raTenzi Mwari wenyu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34