bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 33
Deuteronomy 33
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 34 →
1
Ichi ndicho chikomborero chakakumbirirwa vaIsiraeri naMosesi munhu waMwari asati afa. Akati;
2
“Tenzi akabva kuSinai akanyuka patiri achibva Seiri. Akazviratidza ari paGomo reParani. Akanga ane zviuru nezviuru zvevatsvene, kurudyi kwake kuine rimi romoto.
3
Honguka Tenzi anoda vanhu vake. Vose vatsvene vaiva muruoko rwake, saka vakatevera mutsoka dzake, zvokuita vachitozvitaurirwa nemi.
4
Mosesi akatipa mutemo, ndiyo nhaka yemhuri yaJakobho.
5
Naizvozvo Tenzi akava mambo muIsiraeri, muJeshuruni, paye pakaungana vatungamiriri vavanhu, pamwechete namadzinza aIsiraeri.
6
“Rubheni ngaararame arege kufa, kunyange vanhu vake vachiverengeka zvavo.”
7
Akakomborera Judha achiti, “Tenzi inzwai waro chichemo chaJudha. Mumuunze kwakare kuvanhu vokwake. Murwirei imi Tenzi noruoko rwenyu.”
8
Revhi akamukomborera achiti, “Ipai Tumimu neUrimu kuvaRevhi, vanhu venyu vakatendeka vamakaedza paMasa vamakaita mapitse navo pamvura yepaMeribha.
9
Pakuchengeta chirevo chenyu nechitenderano chenyu havana kumbokatara kuti ava ndiamai kana baba vavo kana zvokuti ava vakoma kana vanun'una vavo kunyange vana vavo chaivo.
10
Vachadzidzisa mhuri yaJakobho mirao yenyu, vachidzidzisa mhuri yaIsiraeri mutemo wenyu. Vachapisira rusenzi imi Mwari, vachikupirai chibayiro chinopiswa chose zvacho paatari.
11
Tenzi komborerai dzinza rake kuti risimbe, mufadzwe nebasa ramaoko ake; mutyore misana yavavengi vake, vavengi vake varege kumukazve.”
12
Akakomborera Bhenjamini achiti, “Iri ndiro dzinza raTenzi repamwoyo, muswerandakaringa wake chaiye. Anomuchengeta sezai regondo, asingambosuduruki zvake pakati pavo.”
13
Akakomborera Josefi achiti, “Nyika yake ngaikomborerwe naTenzi, matenga ngaamupe mvura inonaya zvakanaka, neimwe inobvinina ichibva pasi.
14
Ngaawane zvose zvakanaka zvinoibviswa nezuva, nezvinoibva mwedzi nomwedzi.
15
Ngaawane gomborero remichero yokutanga mumakomo ekare, zvakanakisisa zvechinyakare.
16
Ngaakomborerwe nezvose zvakanyanya kunaka zvinowanika panyika. Mwoyochena wouya aitaura ari mugwenzi. Makomborero aya ngaadurururukire pana Josefi, nokuti aiva mutungamiriri pakati pavakoma vake.
17
Achava mukono wenzombe pakati pavo, nyanga dzake dzichinge dzenyati, imwe yacho ndizvo zviuru nezviuru zvedzinza raManase, imwe yacho ndiwo mazana akazanirana edzinza raEfuremu; nadzo achatunga marudzi avanhu kusvikira kwakaperera nyika.”
18
Akakomborera Zebhuruni achiti, “Zebhuruni pembera ufare zvako pane zvaunoita, newewo Isakari fara zvako uri pamatendhe ako.
19
Vachakokera ndudzi dzavanhu kugomo, kuzopira zvibayiro zviri pamutemo, nokuti vachawana upfumi huzhinji hwomugungwa, noupfumi hwuzhinji hwakavanzwa mujecha.”
20
Akakomborera Gadhi achiti, “Akakomborerwa zvake Gadhi akawana nyika huru! Achagaramo akati hwatata seshumba, achibvambura ruoko nokutsemura dehenya.
21
Akazvisarudzira pachake nyika yakanakisisa, yakanga yakachengeterwa mutungamiriri wehondo; akauya somutungamiriri wavanhu, achinyatsochengeta zvirevo nemitemo yaTenzi navaIsiraeri.”
22
Akakomborera Dhani achiti, “Dhani mwana weshumba chaiye anoita zvokuuruka achibva kuBhashani.”
23
Akakomborera Nafutari achiti, “Nafutari akagutsikana nomwoyochena waakaitirwa, azere namakomborero aTenzi; gungwa nenyika yokumaodzanyemba ndezvake.”
24
Akakomborera Asheri achiti, “Asheri ngaakomborerwe kupfuura mamwe madzinza ose. Ngaave wapamwoyo kuvakoma navanun'una vake aite mafuta okutsika netsoka.
25
Zvihuri zvapamisuo yako ngazvive zvesimbi nezvomundarira kusimba, urarame upenyu hwako hwose uri chirambakusakara.
26
Chinzwa Isiraeri, iyewe Jeshuruni, hakuna mumwe akaita saMwari anofamba nomumatenga, anofamba nechiremera chake nomumakore kuzokubatsira.
27
Mwari, Nyakugaraaripo ndiye bako rako, anokutakura mumaoko ake nokusingaperi. Anofanokudzingira vavengi vako achiti, ‘Vaparadze.’
28
Saka Isiraeri agere zvake murugare oga, vana vaJakobho vagere zvavo pavo voga, munyika yomaguta embesa newaini, ina matenga anonayisa dova.
29
Zvako iwe Isiraeri wakakomborerwa! Ndianiwo zvake angaenzaniswe newe, rudzi rwakaponeswa naTenzi ndiye nhoo yako inokubatsira, ndiye bakatwa rinokuita kuti ukunde. Vavengi vako vachauya vachiteterera kwauri. Nzvimbo dzavo dzakatunhumara dzokuteurira uchaita zvokudzitsikirira zvako.”
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34