bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Deuteronomy 2
Deuteronomy 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 3 →
1
“Takazosimudzira rwendo rwedu topinda murenje. Takapinda munzira yokuGungwa Dzvuku sokuudzwa kwandakaitwa naTenzi. Takadzengerera tiri mumakomo eSeiri kwamazuva mazhinji.
2
Tenzi akanditi,
3
‘Kudzengerera kwamaita munyika ino yamakomo kwakwana. Chinangai nechokuchamhembe.
4
Udzai vanhu kuti iye zvino izvi mava kupfuura nomunyika yehama dzenyu vana vaEsau vagere munyika yeSeiri. Vachakuzezai, saka itai makachenjera.
5
Musadenhana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavo, kwete, kunyange kanzvimbo kanokwana kutsika rutsoka zvarwo nokuti ndakapa gomo reSeiri kuna Esau senhaka yake.
6
Zvokudya zvenyu muchatoita zvokutotenga nemari kwavari kana mvura yenyu yokunwa muchatoita zvokutenga nemari kwavari.’
7
“Ndinodaro nokuti Tenzi Mwari wenyu akakukomborerai pane zvose zvamakaita namaoko enyu. Akakuchengetai pamaidzungaira muzigwenga guru iri. Kwamakore makumi mana aya Tenzi Mwari wenyu akanga achingova nemi. Hapana chamakashaya.
8
“Takazobva paiva nehama dzedu vana vaEsau vaigara munyika yeSeiri panzira yeArabha kuErati pakadziva kuEzionigebheru. Takazonanga nenzira yokurenje reMoabhu.
9
Tenzi akanditi, ‘Musambonetsa vaMoabhu, kana kurwisana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavo kuti ive nhaka yenyu nokuti ndakapa guta reAru kuvana vaRoti kuti ive nhaka yavo.’ ”
10
(Kare rudzi rwavaEmimu ndirwo rwaigaramo. Vaiva rudzi rukuru, rune vanhu vakawanda, vakareba sehofori dzerudzi rwavaAnakimu.
11
SevaAnakimu ivo vainziwo vaRefaimu asi vaMoabhu vaivatumidza kuti vaEmimu.
12
Kareko vaHori vaigara kuSeiri. Asi vana vaEsau vakavatorera nyika yavo vakavaparadza ndokubva vagaramo ivo sezvakaitwa navaIsiraeri munyika yavakapiwa naTenzi kuti ive nhaka yavo).
13
“Takazonzi chisumukai muyambuke karukova Zeredhi, tikayambuka.
14
Kwakapera makore makumi matatu namasere kubvira musi watakabva paKadheshibharinea kusvikira musi watakayambuka Zeredhi, kudzamara chizvarwa chose chavarume vose vaikwanisa kuenda kuhondo chapera kufa vasisimo mumatendhe sokupikirwa kwavakaitwa naTenzi.
15
Tenzi nesimba rake akaramba achingovapedza nokufa kudzamara vose vapera.
16
“Kuzoti varume vaya vezero raikwanisa kuenda kuhondo vapera kufa pakati pevaIsiraeri,
17
Tenzi akanditi,
18
‘Nhasi uno munofanira kudimura muganho weMoabhu paAru.
19
Mukange masvika munyika yavaAmoni musambovanetsa kana kudenhana navo nokuti handisi kuzokupai kunyange kadimbu kenyika yavaAmoni kuti ive nhaka yenyu nokuti ndakaipa vana vaRoti kuti ive yavo.’ ”
20
(Nyika iyoyo inonziwo nyika yavaRefaimu. VaRefaimu ndivo vaimbogaramo kare, asi vaAmoni vaivatumidza kuti maZamuzumimu.
21
Vakanga vari rudzi rukuru rune vanhu vakawanda, vakareba sehofori dzorudzi rwavaAnakimu. Asi Tenzi akavaparadza, vaAmoni ndokutora nyika iyoyo ndokubva vazogara panzvimbo pavo.
22
Tenzi ndizvo zvaakanga aitirawo vana vaEsau vagere munyika yeSeiri. Akaparadza vaHori, ivo ndokuvatorera nyika yavo ndokubva vagaramo. Vachiri kugaramo nanhasi.
23
Ndizvo zvakaitwawo nevaKafutorimu vanobva kuKafutori, vakaparadza vaAvhimu vaiva nemisha yavo yaisvika kuguta reGaza, ndokubva vagaramo ivo).
24
“Takazonzi chisumudzirai rwendo rwenyu muyambuke Arinoni. Onai ndaisa Sihoni muAmori mambo weHeshibhoni nenyika yake mumaoko enyu. Mudenhei mumurwise muchitanga kumutorera nyika yake.
25
Kubvira nhasi uno ndichaita kuti marudzi ose apanyika avhunduke akutyei. Vose vachazonzwa nezvenyu vachadedera vachikutyai.
26
“Ndakatuma nhume kuna Sihoni mambo weHeshibhoni tiri kurenje reKedhemoti namashoko orugare okuti,
27
‘Tibvumireiwo kuti tipfuure nomunyika menyu. Tichangoramba takati tande nenzira chete. Hatimbotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.
28
Zvokudya zvedu tichatoita zvokutenga nemari kwamuri, kana mvura yokuti tinwe tichatoita yokutenga nemari kwamuri. Tibvumireiwo kutsika nomunyika menyu
29
sezvatakaitirwa navana vaEsau vagere kuSeiri, nevaMoabhu vagere kuAru kusvikira tayambuka Jorodhani tichindopinda munyika yatinopiwa naTenzi Mwari wedu.’
30
“Asi Sihoni mambo weHeshibhoni akatirambidza kutsika nomo nokuti Tenzi Mwari wedu akamusindimadza akamuomesa mwoyo wake kuti amuise mumaoko enyu sezvaari nhasi.
31
“Tenzi akati kwandiri, ‘Chionai, ndava kuisa Sihoni nenyika yake mumaoko enyu. Chitangai kutora nyika yake muiite yenyu.’
32
Ipapo Sihoni akativinga nevanhu vake vose vakatirwisa paJahazi.
33
Asi Tenzi Mwari wedu akamuisa mumaoko edu tikamukurira navanakomana vake navanhu vake vose.
34
Takatora maguta ake ose panguva iyoyo tikanyatsoparadza maguta ose navarume navakadzi navapwere. Hakuna kunyange nomumwe wavo watakasiya ari mupenyu.
35
Mombe chete ndidzo dzatakatora sechinhu chedu isu chokupamba nezvinhuwo zvokuzogovana zvomumaguta atakatora.
36
Kubvira kuguta reAroero riri nechokumucheto webani reArinoni neguta riri munyasi morukova imomo kundosvika kuGireadhi, kwakanga kusina maguta akanga ane tsvingo dzakareba zvokuti taitadza kukwira. Tenzi Mwari wedu akaaisa ose mumaoko medu.
37
Asi hatina kuenda kunyika yavaAmoni, kana kumapani aJabhoku kana kumaguta enyika yamakomo, kana kuenda kune dzimwe nzvimbo kwatakarambidzwa naTenzi Mwari wedu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34